Adventist Pioneer
Library
aplib.orgLibrary
Table of Contents
01 / 31
01 / 31

Nhanganyaya

John Norton Loughborough

GSAM 3.1Kwatova nemabhuku mazhinji anobatsira ari mumaoko avanhu, uye chikonzero chandinopa chokuwedzera rimwe paari ndechokuti mumapeji aya ndinotaura zvinhu zvizhinji pamusoro pemaAdventist, kunyanya maAdventist ezuva rechinomwe, zvisati zvamboiswa pamberi pavanhu nenzira iyi. Pamusoro pazvo, vazhinji vakazobatana nebasa iri mumakore akatevera, vasina kuona zvinhu zvinotaurwa, vakakumbira nomwoyo wose kuti vakatanga basa kare vataure zvakaitika izvi nezvavakasangana nazvo. Sezvo ndaiziva sangano rokuuya muna 1843 na1844, uye kubvira musi wa2 Ndira, 1849, ndakaparidza dzidziso iyi, pakutanga somuAdventist, uye kubvira muna 1852 somuAdventist wezuva rechinomwe, ndinozviona somufaro “kutaura zvinhu zvandakaona nezvandakanzwa.”

GSAM 3.2Ndakapa rondedzero pamusoro pesangano rokuuya, iro kubva muna 1831 kusvika muna 1844 rakapararira kunyika dzose dzepasi dzakanga dzava nougaro hwakabudirira.

GSAM 3.3Kubvira muna 1845 kwave kune mamwe mapoka emaAdventist akaparidza, uye achiri kuparidza, kuti kuuya kwaKristu kwava pedyo. Pane kurondedzera mapoka ose iwayo, chinangwa changu chave chokutsanangura zvakati rebei kusimuka nokufambira mberi kwemaAdventist ezuva rechinomwe, ndichinyanya kutarisa zvinhu zvakabatsira, nokutungamirira kwaMwari, kukudziridza vanhu ava kubva muurombo nokutangisa kuduku. Kunyange zvazvo vachingova vanenge zviuru zana, vamwe vavapikisi vavo vakati pamusoro pavo, “Nesimba nokushingaira zvavanoshanda nazvo, munhu angati vane mamiriyoni maviri.”

GSAM 3.4Kunyange vaya vanongoziva zvishoma nhoroondo yemaAdventist ezuva rechinomwe vanoziva kuti kubvira muna 1845 Mai E. G. White vakava nechinzvimbo chakatanhamara musangano iri, vose somutauri nomunyori. Vanozivawo kuti basa ravo raiva nezviratidzo kana zvipo zvisina kujairika. Ndakapiwa mukana wokuvepo ndichiona kushanda kwechipo ichi kanenge makumi mashanu. Mumapeji aya ndakanongedzera kuzviporofita zvakajeka zvinosvika makumi maviri nezvitanhatu zvakataurwa naMai White, zvakazadziswa nenzira yakarurama kwazvo.

GSAM 4.1Pamusoro pezvandakacherechedza ini pachangu, ndakapawo uchapupu hwavamwe vakazvionera, pamusoro pezvavakasangana nazvo. Chokwadi chakadai chinofanira kuva nouremu kumuverengi ane mwoyo wakatendeseka kupfuura mashoko anongotaurwa pasina hwaro naavo vasina kumbovapo panguva dzakadaro.

GSAM 4.2Ndinoisa bhuku iri mumaoko avaverengi, ndichitarisira kuti, nechikomborero chaMwari, kuverenga mapeji aya kungava nzira yokufambisa basa raKristu mumwoyo mizhinji, uye ndichivimba kuti vose pavanoverenga vacharangarira mashoko aPauro kuvaTesaronika, “Edzai zvinhu zvose; batisisai zvakanaka.”

GSAM -J. N. Loughborough. Mountain View, California, 1 Chivabvu, 1905.

Note

Back