Chitsauko 8 — Mabiko Okuroorana kweGwayana
GSAM 134.1“Mumwe munhu akaita mabiko makuru, akakoka vazhinji; akatuma muranda wake panguva yemabiko kuti ati kune vakakokwa, ‘Uyai; nokuti zvinhu zvose zvagadzirira zvino.’”1
GSAM 134.2“Vakaropafadzwa avo vakadanwa kumabiko okuroorana kweGwayana.”2
GSAM 134.3Mabiko ndiwo kudya kwokupedzisira kwezuva. Mumufananidzo uyu mune kudanwa katatu kumabiko. Mufananidzo uyu haufaniri kuvhiringidzwa nokudanwa ku“kudya kwemasikati” kunotaurwa muna Mateo 22:1-7. “Kudya kwemasikati” ndiko kudya kunodyiwa pakati pezuva. Mumufananidzo une chokuita nokudanwa kukudya kwemasikati, tinodzidza kuti avo vakaita kudana vakaitirwa utsinye uye vakaurayiwa, uye kunyange mwanakomana wamambo akaurayiwa. Mambo akanga atuma kudana “akaparadza vaurayi ivavo, akapisa guta ravo.”
GSAM 134.4Mufananidzo uyu wokudanwa ku“kudya kwemasikati,” uchiratidza mugumo weavo vakatanga kuramba kudana ikoko, wakanyatsomirira zvakaitika chaizvo kune avo vakaramba evhangeri yaKristu, vakamuuraya pamwe navapostori vake. Ishe akatuma mauto kuzorwa norudzi irworwo, ayo “akaparadza vaurayi ivavo, akapisa guta ravo”—Jerusarema.
GSAM 134Kudana Kumabiko
GSAM 134.5Kudana uku kumabiko ari mumufananidzo pasina mubvunzo kunoreva “mabiko okuroorana kweGwayana.” Chikomborero chinotaurwa pamusoro peavo vanodanwa kumabiko iwayo okuroorana. Mabiko okuroorana anotevera kuroorana. Kuroorana kweGwayana kunoitika risati rauya; nokuti, sezvatatoona, Kristu paanouya pakupedzisira, “achadzoka kubva kumuchato.”3
GSAM 135.1Saka kudana uku kumabiko okuroorana kunofanira kuva kumwe chete neshoko romutumwa wokutanga raZvakazarurwa 14, pamwe chete nokuziviswa kwenguva kuri muchitsauko chegumi, kwatotaurwa. Sezvakanyorwa naRuka, kudana uku kwokutanga kumabiko kunoenda kune avo vakakokwa. Ndivanaani vakanga vakakokwa?—Ndivo vakanga vanzwa nokugamuchira evhangeri yaKristu. Vanoti vanoda Kristu, uye vanoda kuuya kwake kwechipiri sechibereko chakazara chetariro yavo. Sei kudana kusingafaniri kutanga kuenda kwavari? Sezvo zvaiva zvakafanira kuti evhangeri itange kutaurwa kuvaJudha vaiva neMagwaro, uye vaiti vakanga vakatarira kuuya kwaMesiya,4 saizvozvo shoko rokuuya kwaKristu kwechipiri rakatanga kuiswa kune avo vaiti ndivateveri vake, uye vaida kuonekwa kwake.
GSAM 135Kudana Kune Vakanga Vakokwa
GSAM 135.2Kudana kwokutanga kumabiko, sezvo kwaiva kune vakanga vakokwa, kwaifanira kuenda kumachechi. Zvino, chaizvoizvo, kuziviswa kwokuuya kwaKristu kwava pedyo, kubva mugore ra1833 kusvika muchirimo cha1844, kwakaitwa mumachechi, uye zvikuru kwakatsigirwa nevashumiri vemachechi iwayo. William Miller akatanga kubudisa maonero ake pamusoro pokuuya kwaKristu kwava pedyo mupepanhau reBaptist reBrandon, Vt. Mabasa ake navamwe vaaishanda navo kusvikira muna Kubvumbi 1844 ainyanya kuitirwa muzvivako zvemachechi kana mudzimba dzemisangano dzaiwaniswa namachechi enguva iyoyo.
GSAM 135.3Mukuru Himes anotaura saizvi pamusoro pemabasa aMukuru Miller kusvikira muchirimo cha1844:
GSAM 135.3“Akashanda pakati pemapoka ose namasekete, asingapindiri mumasangano avo kana muchirango chavo, achitenda kuti nhengo dzemasangano akasiyana-siyana dzaigona kuramba dziri munzvimbo dzadzo, panguva imwe chete dzichigadzirira kuuya kwaMambo wadzo.”
GSAM 135.4Mukuru Himes, achitaura pamusoro pemabasa ake akabatana neaMukuru Miller, anowedzera achiti: “Vazhinji vevashumiri nemachechi vakativhurira mikova isu nehama dzedu dzakanga dzichizivisa dzidziso yokuuya, vakashanda pamwe nesu kusvikira mugore rokupedzisira”—gore ra1844.
GSAM 136Mikova Yakazarukira Shoko
GSAM 136.1Pamusoro pebasa rake uye chimiro charo, Wm. Miller akati:
GSAM 136.1“Mikova yakandizarukira kuti ndizivise dzidziso iyi yokuuya kwaKristu kwechipiri pakati peanenge masangano ose ezvitendero, zvokuti ndakakwanisa kupindura chikamu chiduku bedzi chokudana kwandakaitwa.... Panzvimbo imwe neimwe pandakambova, nhengo dzemachechi dzainamata zvikuru, dzakazvipira uye dzine upenyu dzakagamuchira nyore nyore maonero aya akaziviswa; asi vanozviti vaKristu asi vari venyika, muFarisi, munhu anoomerera pakufunga kwake, anozvikudza, ane manyawi uye anozvida, vanoseka nokunyomba dzidziso yokuuya kwaKristu kwechipiri.”
GSAM 136.2Pamusoro pechimiro cheshoko rokuuya, zvinogona kutaurwa pamusoro paro zvakataurwa naD’Aubigné pamusoro peShanduko yeChechi—rakaitwa “muzita renheyo yomweya. Rakanga razivisa shoko raMwari somudzidzisi waro; kutenda seruponeso; Mweya Mutsvene sezvombo; uye nenzira idzi dzacho rakaramba zvinhu zvose zvenyika.”
GSAM 136Mafungu Makuru Ekumutswa
GSAM 136.3Chimiro chokumutswa kwakatevera kuziviswa kweshoko rokuuya chinotsanangurwa saizvi naL. D. Fleming, mufundisi wechechi yechiKristu yomugwagwa weCasco, muPortland, Maine:—
GSAM 136.4“Kufarira kwakamutswa nehurukuro dzake [dzaWm. Miller] ndekwerudzi rwakadzikama zvikuru uye rusina kunyanyiswa nemanzwiro, uye kunyange kuri kumutswa kukuru kwandati ndamboona, kune manyawi mashoma zvikuru. Zvinoita sokunge kunobata zvikuru rutivi rwevarume munharaunda. Chinobudisa mugumisiro uyu ndeichi: Hama Miller anongotora munondo woMweya, wakabviswa muchigubhu uye uri pachena, oisa muromo wawo unopinza pamwoyo usina kufukidzwa, uye unocheka! ndizvozvo chete. Pamberi pomuromo wechombo ichi chine simba, kusatenda kunowa, uye dzidziso yokuti vanhu vose vachaponeswa inosvava. Nheyo dzenhema dzinonyangarika, uye vatengesi veBhabhironi vanoshamisika. Zvinoita kwandiri kuti uku ndiko kunenge kuri pedyo zvikuru nokumutswa kwavaapostori pane chinhu chipi nechipi chakaonekwa munguva dzemazuva ano.”
GSAM 137Chiitiko muRichmond, Me.
GSAM 137.1Somuenzaniso webasa rokumutswa rakafambirana nokuparidzwa kwedzidziso yokuuya, tichatora mashoko omushumo womumwe akanga achishingaira mubato irworwo. Achitaura pamusoro pomusangano wekota wakaitirwa muRichmond, Me., waimiririra machechi makumi matatu eFreewill Baptist, anoti:—
GSAM 137.2“Pandakanga ndichipinda munzvimbo yokunamatira, Mukuru Rollins, akanga agere parutivi rwepurupiti kumugumo uri kure kweimba, akasimuka akati, ‘Hama White, uchawana chigaro pano pedyo neni.’ Mushure memharidzo, rusununguko rwakapiwa rwokutaura, uye ndakataura ndakasununguka pamusoro poupenyu hwechiKristu nokukunda kwavakarurama pakuuya kwaKristu kwechipiri. Manzwi mazhinji akadanidzira achiti, ‘Ameni! ameni!’ uye vazhinji vomuungano huru iyoyo vakanga vachichema.... Pakuswedera kumagumo omusangano iwoyo, pashure pokuwana mvumo yangu, Mukuru Rollins akasimuka akati: ‘Hama White, agere kurutivi rwangu rworudyi, achataura paimba yokunamatira yeReed manheru ano pamusoro pokuuya kwechipiri kwaIshe wedu Jesu Kristu. Uyai kuno, hama, muzvinzwire. Tine nzvimbo yakakwana yokugamuchira imi mose. Uyai kuno, hama, hazvingakukuvadzi imi mose kunzwa pamusoro penyaya iyi.... Ainyatsoziva kuti vazhinji vehama dzake vaizobva pamusangano wavo mumusha, voenda mamaira matatu kundinzwa, uye kuti musangano wavo webhizimisi wakanga warongwa waizoputswa. Ndizvo zvakaitikawo. Zvikamu zvitatu kubva muzvina zvavashumiri uye anenge mumwe nomumwe wevamiriri vakaenda, uye imba yokunamatira yeReed yakazara manheru achangotanga. Nyaya yangu yaiva Mateo 24. Mweya waMwari wakandipa rusununguko rukuru. Kufarira kwacho kwaishamisa.”
GSAM 137.3“Pandakapedzisa nokukurudzira vaKristu kuti vazvitsaurire zvizere uye vagadzirire, uye vatadzi kuti vatsvake Kristu vagadzirire kuuya kwoMwanakomana womunhu, simba raMwari rakauya pandiri kusvikira ndafanira kuzvitsigira nemaoko ose maviri ndakabata purupiti. Yakanga iri nguva inotyisa. Pandakaona mamiriro avatadzi, vakarasika vasina Kristu, ndakavadanira ndichichema, ndichidzokorora kakawanda ndichiti, ‘Uya kuna Kristu, mutadzi, uponeswe paachaonekwa mukubwinya kwake. Uya, mutadzi murombo, nguva isati yapera. Uya, mutadzi, mutadzi murombo, uya.’”
GSAM 138.1“Nzvimbo yacho yakanga izere nokutya kutsvene. Vashumiri navanhu vakachema, vamwe vachichema nenzwi guru. Pakupera kwokudanwa kumwe nokumwe kumutadzi, kugomera kukuru kwakanzwika muungano yose. Ndakanga ndamira netsoka dzangu ndichitsanangura chitsauko nokukurudzira kweanopfuura maawa maviri, uye inzwi rangu rakanga rava kushoshoma. Ndakarega kutaura, ndokuchema nenzwi guru pamusoro pevanhu ivavo vanodiwa nokudzama kwomwoyo kunozivikanwa bedzi naiye akadanwa naMwari kuparidza chokwadi chake kuvatadzi. Yakanga iri nguva yepfumbamwe, uye kupa vamwe rusununguko rwokutaura kwaizoreva kuenderera kwomusangano kusvikira pakati pousiku. Zvaiva nani kupedza tichiri nemanzwiro akadzama enguva iyoyo, asi kwete kusvikira vose vawana mukana wokuvhota vari kurutivi rwaIshe. Ipapo ndakadanira vose vaiva muungano vaizobatana neni mumunyengetero, nevaya vaida kuunzwa pamberi pechigaro chengoni kuti vagadzirire kusangana noMuponesi nomufaro pakuuya kwake kwechipiri, kuti vasimuke. Mweya mumwe nomumwe waiva muimba huru iyoyo, sezvandakaudzwa pashure navanhu vaiva munzvimbo dzakasiyana dzayo, wakasimuka. Pashure penguva pfupi yomunyengetero, musangano wakapera.”
GSAM 138.2“Mangwanani akatevera ndakadzokera kumusha, ndichiperekedzwa neinenge zvikamu zvinomwe kubva muzvisere zvemusangano wekota weFreewill Baptist. Mumwe nomumwe aitaura nezvomusangano wokubwinya waakanga apinda manheru akanga apfuura.
GSAM 138Kukumbirwa Kweshoko Kune Dzimwe Nzvimbo
GSAM 138.3“Panguva yokuzorora, vamiriri navashumiri vakandikoka kuti tibatane mukuronga nguva yandaigona kudzidzisa ungano dzakasiyana-siyana dzemusangano wekota iwoyo dzaiva nedzimba dzokunamatira dzakakura. Yakanga iri pakati paKukadzi, uye zvakasarudzwa kuti kwakanga kwasara mavhiki asingapfuuri matanhatu okutsvedza nechireyi kwakasimba, zvichipa vanhu mukana wakanaka wokupinda misangano. Nzvimbo gumi nembiri dzaikosha zvikuru dzakasarudzwa kuti ndishande madziri mumavhiki matanhatu. Ndaifanira kupa hurukuro gumi, izvo zvaizoda kuti nditaure ka20 pavhiki. Izvi zvakandipa hafu yezuva bedzi pavhiki, yandaiwanzoona ichinyatsodikanwa kuti ndifambe mamaira gumi neshanu kana makumi maviri kuenda kunzvimbo inotevera yemusangano.”5
GSAM 139Mazana Akatendeuka
GSAM 139.1Kumutswa nokutendeuka kwemazana kwose kwose kwakatevera kuparidzwa kwedzidziso yokuuya, zvikuru apo vakanga vava kuswedera kumagumo egore rechiJudha ra1843 (Kurume 21, 1844). Mumwaka iwoyo wechando munyori akatanga kunzwa pamusoro penyaya iyi mumusha make—Victor, N.Y.—uye kunyange aiva nemakore gumi nemaviri bedzi, akagamuchira, sokunzwisisa kwake, kutenda kwokuuya kwechipiri. Zvechokwadi vanhu vakabatwa nokutya kutsvene, kwete mumisangano bedzi asi kwose kwose. Panguva iyoyo Victor waingova musha waiva navagari vanenge mazana maviri, asi nyika yakapoteredza yaiva nevanhu vakawanda. Somugumisiro wemisangano iyoyo yakaitirwa mumusha muduku iwoyo, pakashumwa vatendeuki mazana mashanu.
GSAM 139Uchapupu hweBhuku Regore reMethodist
GSAM 139.2Pamusoro pemafungu makuru okumutswa akatevera munzira yokuziviswa kwokuuya, tinowana muBhuku Regore reMethodist kuti “mumakore mana kubva muna 1840 kusvikira muna 1844, vanhu 256,000 vakatendeuka muAmerica.” Zvaiva zvechokwadi muAmerica zvakanga zvakangofananawo mune dzimwe nyika dzakaitwa kudana ikoko. “Simba guru rakafambirana nokuparidza, uye mweya yakatendeuka kwose kwose.” Sezvo kudana kwokutanga kumabiko okuroorana kwakaenda kumachechi—“avo vakakokwa,”—kubudikidza navo kwakaparadzirwa kune vose vaizouya vagoverane muruponeso rwakamirira vanhu vaMwari. Shoko racho ringave rakaparidzwa, kunyengeterwa kana kuimbwa mu“nziyo dzokuuya,” asi kufamba kukuru kweMweya waMwari kwakaperekedza basa racho.
GSAM 140Vana Vanoparidza muSweden
GSAM 140.1Panyaya iyi tichaona mashandiro aShe pakusuma kuziviswa kweshoko munyika idzo mutemo wairambidza kuparidzwa kwechinhu chipi nechipi chaipesana ne“chechi yakagadzwa.” Sweden yaiva imwe yenyika idzodzo. Ikoko Ishe akashandisa vana vaduku kusuma basa racho. Kuratidzwa kwokutanga kweizvi kwakaitika muzhizha ra1843, muEksjö, kumaodzanyemba kweSweden. Mumwe musikana muduku, aiva nemakore mashanu bedzi, akanga asina kumbodzidza kuverenga kana kuimba, rimwe zuva nenzira yaityisa zvikuru akaimba nemazvo rwiyo rurefu rweLutheran, ndokuzozivisa nesimba guru kuti “awa yokutonga kwake yasvika,” uye akakurudzira mhuri kuti igadzirire kusangana naShe; nokuti akanga ava kuuya nokukurumidza. Vasina kutendeuka mumhuri vakadana kuna Mwari kuti avaitire tsitsi, vakawana kuregererwa. Sangano iri rakapararira kubva kuguta rimwe kuenda kune rimwe, vamwe vana vachizivisa shoko. Sangano rimwe chetero pakati pavana rakaonekwawo pamwero wakati muNorway nomuGermany.
GSAM 140“Hongu! Ndaifanira Kuparidza”
GSAM 140.2Muna 1896, pandakanga ndichiitisa misangano munzvimbo gumi nenomwe dzakasiyana dzeSweden, ndakapfuura nomunzvimbo dzinoverengeka umo vana vakanga vaparidza muna 1843, uye ndikawana mukana wokutaura nevakanga vanzwa kuparidza ikoko, pamwe nevarume vakanga vaparidza vachiri vana. Ndakati kune mumwe wavo, “Iwe wakaparidza shoko rokuuya uchiri mukomana here?” Akapindura achiti, “Kuparidza! Hongu, ndaifanira kuparidza. Handina kuronga chinhu pamusoro pazvo. Simba rakauya pamusoro pangu, ndikataura zvandakamanikidzwa nesimba iroro kutaura.”
GSAM 140Boquist naWalbom muÖrebro, Sweden
GSAM 140.3MuÖrebro Län (dunhu), basa iri rakapararira kusvikira vanhu vakuru vafambiswa kuti vaparidze shoko. Ipapo vakuru vehurumende, vachikurudzirwa nevaprista ve“chechi yakagadzwa,” vakasunga vakomana vaviri vaduku, Walbom aiva nemakore gumi nemasere, naOle Boquist aiva nemakore gumi nemashanu, vachiti vaizovaita muenzaniso paruzhinji. Vakavarova misana yavo yakashama netsvimbo dzebhirich; vakavaisa, vachibuda ropa pamaronda, mutorongo reÖrebro. Maronda acho paakapora, vakavabudisa mutorongo vachivabvunza vachiti, “Mucharega kuparidza dzidziso iyi here?” Kunyange zvazvo vakavarova netsvimbo kechipiri, vachivhurazve maronda avo, mhinduro bedzi yavakawana yaiva yokuti, “Tichaparidza kuparidza kwatinorairwa naShe.” Nokupindira kwomukadzi airemekedzwa weparishi muÖrebro, Mambo Oscar I akaudza vakuru vehurumende kuti vabudise vakomana ivavo mutorongo uye varege vanhu ivavo. Nokudaro kukunda kwechokwadi kwakawanikwa muSweden.
GSAM 141Uchapupu hwaBoquist
GSAM 141.1MuReview and Herald ya7 Gumiguru 1890 mune rondedzero inofadza zvikuru pamusoro pokuparidza kwevana, yakanyorwa naO. Boquist pachake. Anoti:—
GSAM 141.2“Mugore ra1843, sangano rechitendero rakaitika pakati pevanhu vomuParishi yeKarlskoga, muÖrebro Län. Vatungamiri vesangano iri vaiva vana nevakomana vaduku, vainzi ‘rapare.’ Ava vaiparidza nesimba roumwari, uye vachizivisa vanhu nokutsunga kukuru kuti awa yokutongwa kwaMwari yakanga yasvika.
GSAM 141.3“Mumatsutso egore iroro, ini O. Boquist, panguva iyoyo ndaiva nemakore gumi nemashanu, pamwe nomumwe mukomana muduku Erik Walbom, aiva nemakore gumi nemasere, takafurirwa nesimba iri risingaoneki zvokuti taisagona kurirwisa nenzira ipi neipi. Patakangobatwa nesimba iri rokudenga, takatanga kutaura kuvanhu nokuzivisa nenzwi guru kuti awa yokutongwa yakanga yasvika, tichivanongedzera kuna Joeri 2:28-32 naZvakazarurwa 14:6, 7.”
GSAM 141Vana Vari Muchiratidzo
GSAM 141.4Vanhu vakandiudza kuti avo vakafurirwa nesimba iri rokudenga vakanga vasingachazivi chinhu chose chakanga chakavapoteredza. Vakanga vari muchiratidzo chaibva kuna Mwari chaizvo, uye vaitaura nesimba raiva nesimba guru rokupwisa. Vakati vana vaduku ava, vari pasi pesimba iroro, vaitaura nesimba nechiremerera chevarume navakadzi vakura. Nokudaro avo vakaona izvi vakasvika pakufunga kuti ndiShe akanga achivashandisa nenzira yechiporofita kuti vataure chokwadi ichi chakakomba. Munyori anoenderera achiti:—
GSAM 142.1“Vanhu vakaungana vakawanda kuti vatiteerere, uye misangano yedu yakapfuurira masikati nousiku, zvikaguma nokumutsidzirwa kukuru kwechitendero. Vakuru navaduku vakabatwa neMweya waMwari, vakachema kuna She kuti avanzwire ngoni, vachireurura zvivi zvavo pamberi paMwari nomunhu.
GSAM 142.2“Asi muprista wechechi paakaziviswa nezveizvi, kuedza kukuru kwakaitwa kuti tinyaradzwe, uye nokudaro kumisa mafaro echitendero akanga azara; asi kuedza kwose kwakakundikana. Mukuru wemapurisa akabva akumbirwa kuti atisunge, uye kwemavhiki matanhatu kutsvaka kusina zvibereko kwakaitwa kuti tiwanikwe musango, kwatakanga tatizira kuti tipotere.
GSAM 142.3“Pakupedzisira, zvisinei, takadanwa kuti tionekere pamberi pomufundisi wechechi. Nhamba yedu yakanga yawedzera zvokuti varume navakadzi vaduku makumi mana vakazviratidza pamusha womufundisi, kwatakaiswa pamuedzo wakareba. Vose kunze kwangu naWalbom vakabvumirwa kudzokera kudzimba dzavo; asi isu takasungwa, uye pazuva rakatevera takaiswa muhusungwa mutorongo reÖrebro, kwatakaiswa pamwe namakororo muchitokisi 14, sokunge takanga taita mhosva huru.”
GSAM 142Uchapupu hwaHanzvadzi yaBoquist
GSAM 142.4Musi wa22 Gunyana 1896, hanzvadzi yaBoquist, aiva nemakore makumi manomwe nemaviri, akauya kumusangano wedu muÖrebro, akatiudza nezvezvakaitika kuhanzvadzi yake; nokuti iye akanga aona kurohwa kwake, kusungwa kwake, nokusunungurwa kwake. Akatiimbira rwiyo rwaBoquist naWalbom vakaimba vachibuda mutorongo vachienda pabhiriji raiva pamusoro pegomba remvura raipoteredza nhare iyoyo yomuzana remakore regumi nenhanhatu, yakashandiswa semutorongo muna 1843. Simba resangano ra1843 rakaperekedza uchapupu nokuimbwa kwerwiyo. Rwakashandurirwa muchiRungu rwiyo rwacho runoti:—
GSAM 143Rwiyo Rwakaimbwa naBoquist naWalbom
GSAM 144Mukomana Muparidzi muKarlskoga
GSAM 144.4Mumwe murume muÖrebro akandiudza nezvechiitiko chakaitika muKarlskoga, kwaaigara muna 1843. Akati:—
GSAM 144.5“Mumwe mukomana muduku aiva nemakore masere, akanga asati ambodzidza kuverenga mavara, akatanga kuparidza shoko, achitaura Magwaro mazhinji. Vanhu vakati, ‘Mukomana uyu azere neBhaibheri.’ Chiitiko ichi chakaitika pashure pokunge Mambo Oscar ataura achitsigira vakanga vachitambudzwa, saka muprista wenzvimbo iyoyo haana kukwanisa kuendesa mukomana pamberi pedare kuti amise basa; asi akaudza vanhu kuti vauye nomukomana pamberi pake, uye aizomubudisa pachena, avaratidze kusaziva kwake Bhaibheri.
GSAM 144.6“Pamberi peboka guru revanhu muprista akazarura bhuku renziyo, akakumbira mukomana kuti amuverengere. Mukomana akapindura achiti, ‘Handigoni kuverenga;’ asi akatendeukira muprista nemusana, akaimba rwiyo rwacho zvakarurama kubva pakutanga kusvikira pakuguma, muprista achitarira bhuku nokushamiswa. Muprista akati kumukomana, ‘Unoita sokuti unoziva zvinhu zvose.’ Mukomana akapindura achiti, ‘Kwete. Hatibvumidzwi nguva dzose kutaura zvose zvatinoziva.’”
GSAM 145.1“Ipapo muprista akazarura Testamente Itsva akati kumukomana, ‘Ndiverengere mune iri.’ Mukomana akapindura achiti, ‘Handigoni kuverenga.’ Muprista akabvunza achiti, ‘Asi unozivei pamusoro peBhaibheri?’ Akapindura achiti, ‘Ndinoziva pane chinyorwa chine shoko rokuti "uye" kagumi nemana.’ Muprista akati, ‘Kwete! Hapana chinyorwa chakadaro muBhaibheri.’ Mukomana akati, ‘Ndapota mungandiverengera Zvakazarurwa 18:13 here?’ ‘Hongu,’ akadaro muprista. Paakaverenga, vanhu vakaverenga pamwe naye, uye chokwadi shoko rokuti "uye" rakanga riripo kagumi nemana, uye pakati penguva gumi nemana idzodzo paiva no‘kusungwa kwemweya yavanhu.’ Vanhu vakadanidzira vachiti, ‘Hezvo! Hezvo! Mukomana anoziva Bhaibheri kupfuura muprista!’ Muprista akanyara zvikuru, akasiya nyaya yacho, uye kubva ipapo akarega vanhu vasina kuvhiringidzwa.”
GSAM 145.2Nokudaro, kubva mumuromo wevana, She anosimbisa shoko rake, uye nenzira iyi inoshamisa akaita kuti chokwadi chake chisvike munzeve dzevanhu vaiva nemitemo yairambidza kuparidzwa kwedzidziso ipi neipi kunze kwe“chitendero chakagadzwa.”
GSAM 145Zvipo zvoMweya Zvakabatana neShoko
GSAM 145.3Kwaisava muSweden chete uko She, achishandisa zvipo zvoMweya wake mukubatana nesangano rokuuya, akataura kuvanhu vake. MuScotland, muEngland, nomuAmerica zvakare, She akadzidzisa vanhu vake nezvakazarurwa zvakasarudzika.
GSAM 145Zviratidzo zvaWilliam Foy
GSAM 145.4Mugore ra1842, muBoston, Massachusetts, maigara murume akadzidza zvikuru ainzi William Foy, aiva mutauri ane unyanzvi. Aiva muBaptist, asi aigadzirira kugamuchira kugadzwa kutsvene somufundisi weEpiscopal. She akamupa nenyasha zviratidzo zviviri mugore ra1842, chimwe musi wa18 Ndira, chimwe musi wa4 Kukadzi. Zviratidzo izvi zvairatidza pachena kuti zvaiva kuratidzwa kwechokwadi koMweya waMwari. Akakokwa kubva kunzvimbo imwe kuenda kune imwe kuti ataure mumapurupiti, kwete nevaEpiscopal chete, asi nevaBaptist nemamwe masangano echitendero. Paaidzidzisa, aigara akapfeka nguo yomufundisi, yakaita seinopfekwa nevashumiri vechechi iyoyo pamabasa avo.
GSAM 146.1Zviratidzo zvaVaFoy zvaiva pamusoro pokuuya kwaKristu kwava pedyo, kufamba kwavanhu vaMwari kuenda kuguta rokudenga, nyika itsva, nokubwinya kwomamiriro evakadzikinurwa. Sezvo ainyatsogona mutauro uye aine unyanzvi hwakanaka hwokutsanangura, aishamisa kwose kwaaienda. Akakokwa aifamba kubva kuguta kuenda kuguta achitaura zvinhu zvinoshamisa zvaakanga aona; uye kuti akwanise kugamuchira mapoka makuru vaiungana kuzomuteerera, dzimba huru dzairendwa, kwaaiudza zviuru zvevanhu zvaakanga aratidzwa pamusoro penyika yokudenga, kunaka kweJerusarema Idzva, nemapoka engirozi. Paaigara achitaura pamusoro porudo rwaKristu runyoro uye rune tsitsi kuvatadzi varombo, aikurudzira vasina kutendeuka kuti vatsvake Mwari, uye vazhinji vaipindura kukumbira kwake kwounyoro.
GSAM 146Chiratidzo Chematanho Matatu
GSAM 146.2Basa rake rakapfuurira kusvikira mugore ra1844, pedyo nokupera kwemazuva 2300. Ipapo akaitirwa kumwe kuratidzwa koMweya Mutsvene—chiratidzo chechitatu, chaasina kunzwisisa. Muchiratidzo ichi akaratidzwa nzira yavanhu vaMwari kusvikira kuguta rokudenga. Akaona chikuva chikuru, kana kuti danho, paiva pakaungana mapoka evanhu. Dzimwe nguva mumwe munhu aidonha nepachikuva ichi achibva asisaoneki, uye pamusoro pomunhu akadaro akaudzwa kuti, “Akaramba kutenda.” Ipapo akaona vanhu vachikwira padanho rechipiri, kana pachikuva chechipiri, uye vamwe ipapo vaidonhawo nepachikuva vachibva vasisaoneki. Pakupedzisira chikuva chechitatu chakaonekwa, chakasvika kumasuwo eguta dzvene. Boka guru rakaungana pamwe navakanga vasvika pachikuva ichi. Sezvo aitarisira kuti Ishe Jesu aizouya munguva pfupi kwazvo, haana kuziva chokwadi chokuti shoko rechitatu raizotevera shoko rokutanga nerechipiri raZvakazarurwa 14. Nokudaro chiratidzo chacho chakanga chisingatsananguriki kwaari, uye akarega kutaura pachena. Pashure pokupera kwenguva yechiporofita, mugore ra1845, akanzwa mumwe munhu achirondedzera chiratidzo chimwe chetecho, aine tsananguro yokuti, “Mashoko okutanga neechipiri akanga apiwa, uye rechitatu raizotevera.” Nguva pfupi pashure paizvozvo VaFoy vakarwara vakafa.
GSAM 147.1Nokuratidzwa kwesimba raMwari kwakadaro kwakabatana nokuparidzwa kwokuuya kwake “pamikova,” uye nomufaro wezviuru zvakanga zvichitendeuka pazvivi kuti zvishumire She uye zvimirire kuuya kwake, vanhu vakasimbiswa kaviri kuti iri zvechokwadi rakanga riri shoko raShe kunyika.
GSAM 147.2Asi 21 Kurume 1844 yakasvika ikapfuura, uye She haana kuuya. Zvisinei, kugutsikana kwavakazvipira uye vaifunga kwakanga kuri kwokuti vakanga vafamba vachiwirirana nepfungwa yaShe, uye kuti nenguva yakakodzera zvose zvaizojekeswa.