Chitsauko 17 — Chokwadi Chichifambira Mberi Mumiedzo
GSAM 265.1“Sezvinotsvaka mufudzi boka rake pazuva raanenge ari pakati pamakwai ake akapararira, saizvozvo ndichatsvaka makwai angu, ndigoarwira kubva panzvimbo dzose kwaakaparadzirwa pazuva ramakore nerima.”1
GSAM 265.2Vaya vakanga vagamuchira shoko romutumwa wechitatu kusvikira panguva iyi (1847) vaiva varombo pazvinhu zvenyika ino, nokudaro vaisagona kubatsira zvikuru nemari pakuparadzira shoko. Mukuru White nomudzimai wake pamwe naMukuru Bates vakaona kukosha kwokushanda ivo pachavo pakati pehama dzakanga dzakapararira, uyewo kukosha kwokugadzira zvokurava zvokuisa mumaoko avanhu, kuti zvivabatsire kusvika pakuziva chokwadi. Turakiti raMukuru Bates pamusoro penyaya yeSabata rakamubatsira zvikuru pakutsanangura nyaya iyi, paaienda kunzvimbo dzakasiyana-siyana uye paraiparadzirwa netsamba. Akashanda nokutsungirira kukuru kwazvo.
GSAM 265Chibayiro cheHanzvadzi Yechiduku Nokuda Kwechokwadi
GSAM 265.3Pane imwe nguva, asina mari yokubhadhara rwendo rwake, akanga oda kusimuka achifamba netsoka kubva kuMassachusetts kuenda kuNew Hampshire. Panguva iyoyo chaiyo akagamuchira tsamba kubva kune imwe hanzvadzi yechiduku yakanga yabvuma kuita basa romumba ichipiwa $1 pavhiki, kuti ive nechimwe chinhu chokubatsira nacho basa raMwari. Yapera vhiki imwe ichishanda, yakanzwa zvakasimba kwazvo mumwoyo kuti Mukuru Bates aida mari, zvokuti yakaenda kumushandirwi wayo ikapiwa mari isati yaishandira, kuti igone kumutumira $5 pakarepo. Nemari iyi akabhadhara rwendo rwake rwokuenda kuNew Hampshire nechokufambisa chavanhu vose. Panzvimbo dzose akaita misangano yakanaka, uye mweya mizhinji yakagamuchira chokwadi.
GSAM 266Kutanga Musha Nemidziyo Yokukwereta
GSAM 266.1Kuti tiratidze mweya wokuzvipira waitungamirira mapiyona okutanga mushoko iri, tinotora zvinotevera pane zvakataurwa naMai White pamusoro pemamiriro avo muchando cha1847-48, pavaigara mumakamuri omusha mukuru waS. Howland, kuTopsham, Maine, mavakatanga musha nemidziyo yokukwereta:—
GSAM 266.2“Takanga tiri varombo, uye takapfuura nenguva dzakaoma. Murume wangu aishanda kutakura matombo panjanji, izvo zvakasvuura ganda reminwe yake, ropa rikabuda panzvimbo zhinji. Takanga tasarudza kusararama tichimirira vamwe, asi kuti tizviriritire, tivewo nechokubatsira vamwe nacho. Asi zvinhu hazvina kutifambira zvakanaka. Murume wangu akashanda nesimba zvikuru, asi haana kukwanisa kuwana mari yaaifanira kubhadharwa pabasa rake.
GSAM 266Mukuru White Achitema Huni
GSAM 266.3“Murume wangu akasiya basa renjanji, akaenda nedemo rake musango kunotema huni. Achiita marwadzo airamba aripo parutivi rwake, aishanda kubva mangwanani-ngwanani kusvikira kwasviba kuti awane masendi anenge makumi mashanu pazuva. Marwadzo makuru aimutadzisa kurara usiku. Pasina nguva takagamuchira tsamba kubva kuhama dzomumatunhu akasiyana-siyana dzichitikoka kuti tishanyire kwadziri; asi sezvo takanga tisina mari yokutibudisa mudunhu redu, takapindura kuti nzira yakanga isati yazaruka pamberi pedu.
GSAM 266.4“Takagamuchira tsamba kubva kuna Hama Chamberlain, vokuConnecticut, vachitikurudzira kupinda mumusangano mudunhu iroro. Takasarudza kuenda kana taigona kuwana mari. Murume wangu akaverengerana nomushandirwi wake, akaona kuti akanga achifanira kupiwa madhora gumi. Nehafu yemari iyi ndakatenga zvipfeko zvaidiwa zvikuru, ipapo ndikasonera zvigamba pajasi romurume wangu, ndichitosonera zvigamba zvacho pamwe chete, zvokuti zvakanga zvakaoma kusiyanisa jira rokutanga pamaoko ejasi. Takanga tasara nemadhora mashanu okutiendesa kuDorchester, Mass. Bhokisi redu rokufambisa raiva nezvinenge zvose zvataiva nazvo panyika. Asi taiva norugare rwepfungwa nehana yakachena, uye izvi taizvikoshesa kupfuura kugarika kwapanyika.
GSAM 267.1“Takapfuura nepamba paHama Nichols, uye tisati tabva, Hanzvadzi Nichols vakapa murume wangu madhora mashanu, akabhadhara rwendo rwedu rwokuenda kuMiddletown, Conn. Takanga tiri vatorwa muguta iroro, uye takanga tisati tamboona imwe yehama dzomudunhu iroro. Takanga tasara nemasendi makumi mashanu chete. Murume wangu haana kushinga kushandisa mari iyoyo kuhaya ngoro, saka akakanda bhokisi redu pamusoro pomurwi wamapuranga, tikafamba tichitsvaka mumwe munhu wokutenda kumwe nesu. Pasina nguva takawana Hama Chamberlain, vakatiendesa kumba kwavo.”
GSAM 267Musangano paRocky Hill, Conn.
GSAM 267.2Musangano uyu wakaitirwa paRocky Hill, mukamuri huru yakanga isati yapera kuvakwa mumba maHama Belden. Chikamu chinotevera chinobva mutsamba yakanyorwa naMukuru White kuna S. Howland, chinopa mamwe mashoko anofadza pamusoro pomusangano wacho:—
GSAM 267.3“Musi wa20 Kubvumbi [1848], Hama Belden vakatumira ngoro yavo kuMiddletown kuzotitora pamwe nehama dzakanga dzakapararira muguta iroro. Takasvika pamba pavo [Rocky Hill] nenguva dzinenge ina dzamasikati, uye papera maminitsi mashomanana Hama Bates naHama Gurney vakapinda. Manheru iwayo takaita musangano wavanhu vanenge gumi navashanu. Mangwanani eChishanu hama dzakaramba dzichiuya kusvikira tava vanenge makumi mashanu. Havasi vose ava vakanga vanyatsobvuma chokwadi. Musangano wedu wezuva iroro wakanga uchifadza zvikuru. Hama Bates vakatsanangura mirairo zvakajeka, uye kukosha kwayo kwakasimbiswa neuchapupu hwaiva nesimba. Shoko rakasimbisa vakanga vatova muchokwadi, rikamutsa vakanga vasati vanyatsosarudza.”2
GSAM 267Kukokwa kuRuwa rweOswego, N.Y.
GSAM 267.4Nokuda kwokuparadzirwa kweturakiti raMukuru Bates pakati pemaAdventist, vanhu vokune mamwe matunhu vakatanga kuchengeta Sabata. Hiram Edson, wokuPort Gibson, N.Y., akanyora achikoka Mukuru White naMai White pamwe nevamwe kuti vapinde mumusangano wavachengeti veSabata kuVolney, muRuwa rweOswego, muna Nyamavhuvhu 1848. Akati hama zhinji dzaiva varombo, uye aisagona kuvimbisa kuti dzaizokwanisa kubatsira zvikuru pakubhadhara mari dzaizoshandiswa. Mukuru White akanga awana $40 pabasa raakanga aita mumunda wouswa hwokuomeswa. Chikamu chemari iyi chakashandiswa kutenga zvipfeko zvaidiwa zvikuru, yakasara ikabhadhara rwendo rwavo rwokuenda kuVolney nokudzoka.
GSAM 268.1Musangano uyu wokumadokero kweNew York wakaitirwa mumba maichengeterwa ngoro yaVaArnold. Paiva navanhu vanenge makumi matatu navashanu, vose vaigona kuunganidzwa murutivi irworwo rwedunhu, asi zvakanga zvakaoma kuwana kunyange vaviri vaibvumirana pakati pavo. Mumwe nomumwe aitsigira pfungwa dzake nesimba, achiti dzaienderana neBhaibheri. Vose vaida zvikuru kuparadzira maonero avo nokuaparidza. Vakaudzwa kuti Mukuru White nomudzimai wake vakanga vasina kubva kure zvakadaro kuti vauye kuzovateerera, asi vakanga vauya kuzovadzidzisa chokwadi. VaArnold vaifunga kuti makore ane chiuru omuna Zvakazarurwa 20 akanga atopfuura, uye kuti vane zviuru zana namakumi mana nezvina vanotaurwa muna Zvakazarurwa ndivo vakamutswa pakumuka kwaKristu.
GSAM 268VaArnold Vanopikisa Tsika Dzakarayirwa
GSAM 268.2Zviratidzo zvaIshe wedu pakufa kwake pazvaiva pamberi peboka iri, uye vava kuda kurangarira kutambudzika kwake, VaArnold vakasimuka vakati vakanga vasingatendi mune zvavakanga vava kuda kuita,—kuti chirairo chaShe kwaiva kuenderera mberi kwePaseka, kwaifanira kuchengetwa kamwe chete pagore.
GSAM 268.3Kusiyana uku kunoshamisa kwemaonero kwakaremedza Mai White zvikuru. Vainyatsoziva kuti VaArnold vakanga vakarasika, uye kusuwa kukuru kwakavaremedza mumwoyo, nokuti zvaiita sokuti Mwari akanga achizvidzwa. Vamwe vakatya kuti vakanga vava kufa; asi Vakuru Bates, White, Chamberlain, Gurney, naEdson vakavanyengeterera, Ishe akanzwa nomutsa minyengetero yavaranda vake, vakawanazve simba. Chiedza chokudenga chakagara pavari, uye pasina nguva vakanga vasisazivi zvinhu zvapanyika. Vari muchimiro ichi, vakaratidzwa kumwe kurasika kwavaivapo, pamwe nechokwadi chaipesana nokurasika uku, zvichiratidza kuti maonero aya aipikisana, avaiti aienderana neBhaibheri, aingoenderana chete nemafungiro avo pamusoro peBhaibheri, uye kuti vaifanira kurega kurasika kwavo, vabatane pashoko romutumwa wechitatu. Musangano wakaguma nokubwinya; chokwadi chakakunda. Vaya vaiva nemaonero aya aishamisa uye akasiyana vakareurura kurasika kwavo, vakabatana pachokwadi chiripo cheshoko romutumwa wechitatu, uye Mwari akavaropafadza zvikuru.
GSAM 269Chiratidzo Chaiva Nokushandiswa Kunoshamisa kweBhaibheri
GSAM 269.1Nhoroondo inotevera yomusangano uyu yakapiwa naVaAlexander Ross, musi wa4 Ndira 1884. Vakanga vari mumwe wavanhu makumi matatu navashanu vaiva pakuungana kuduku uku. Vakati:—
GSAM 269.2“Hanzvadzi White, vari muchiratidzo, vakasimuka vakatora Bhaibheri remhuri vakariisa paruoko rwavo rworuboshwe; bhuku racho rakanga riine ukuru hunowanzoitwa maBhaibheri. Vakaribata rakazaruka, vakarikwidziridza mudenga, uye vasingaritarisi, vaitendeukira kune rumwe rugwaro norumwe noruoko rwavo rworudyi, voisa munwe parugwaro, vozorudzokorora. Ndakatarisa magwaro mazhinji kuti ndione kana vaidzokorora iroro ravainge vanongedzera. Ini kana vamwe vaiva paboka iri takaatarisa ose. Panguva dzose vaisangodzokorora chete rugwaro rwavainge vanongedzera, asi vaizviita maziso avo akatarisa kumusoro, kurutivi rwakapesana nerwaiva neBhaibheri. Magwaro aya avaidzokorora ndiwo akaputsa dzidziso dzenhema dzavachengeti veSabata vakaungana kuVolney, muna Nyamavhuvhu 1848, akaita kuti tibatane pachokwadi.”
GSAM 269.3Zvirokwazvo, munhu asina kurega kurasika kwedzidziso kwakagadziriswa mumamiriro ezvinhu akadaro, namagwaro akajeka akatorwa muBhaibheri nenzira iyi inoshamisa, anofanira kunge aiva munhu akaoma kugutsa. Boka iri ravachengeti veSabata vomuRuwa rweOswego, pashure pokunge kurasika kwavo kwagadziriswa saizvozvo uye vabatana pachokwadi, vakabva pamusangano iwoyo vachienda kunoparadzira chiedza kune vamwe. Zvakabuda imomo zvakaratidza zvirokwazvo kuti rakanga riri basa raMwari. Satani anogara akagadzirira kupesanisa, kuvhiringidza, nokuparadzira, achishandisa nzira dzose dzaanogona. “Mwari haasi muvambi wenyonganyonga, asi worugare, sezvazviri mumachechi ose avatsvene.”3
GSAM 270Kuporeswa Kwechishamiso
GSAM 270.1Pashure pomusangano wambotaurwa, misangano yakaitirwa muRuwa rweMadison, kuPort Gibson, kuPort Byron, nomuGuta reNew York. Yakateverwa nomusangano wavose muConnecticut. Pane dzimwe dzenzvimbo idzi Ishe akaswedera pedyo zvikuru navaranda vake, uye simba roMurapi Mukuru rokuporesa rakauya pamusoro pavarwere mukupindura minyengetero yomwoyo wose yavanhu vake, pavaitevera murayiro wakaiswa muTsamba yaJakobho.4 Kunyange vanhu vakanga vanzi navanachiremba havachina tariro yokupora vakaporeswa pazvirwere zvavo. Zviitiko zvakadai zvakawanzoitika panguva dzakasiyana-siyana kubvira muna 1845.
GSAM 270Mapiyona Anotsungirira Matambudziko
GSAM 270.2Mukuru White, vachitaura nezvamazuva iwayo okutanga muReview and Herald yomusi wa5 Kukadzi 1880, vakati:—
GSAM 270.3“Mumabasa edu okutanga takatambura nenzara nokushayiwa zvokudya zvakafanira, uye nechando nokushayiwa zvipfeko zvakafanira. Takazvinyima kunyange zvaidiwa pakurarama kuti tichengete mari nokuda kwebasa raMwari. Panguva imwe cheteyo taizvinetesa zvikuru kwazvo kuti tipedze basa rakawanda raiita serinofanira kuitwa rokunyora, kugadzirira zvinyorwa kuti zvidhindwe, kufamba, nokuparidza tichibva kune rimwe dunhu tichienda kune rimwe.”
GSAM 270.4Gore ra1848 rakanga richiyeukwa zvikuru, munhoroondo yokuuya kwaIshe uyewo mune zvamatongerwo enyika. Chokwadi cheshoko romutumwa wechitatu chakanga chanyatsojekeswa, uye nzira yakanga ichizaruka kumativi akasiyana-siyana kuti basa rifambire mberi. Panguva iyi zviitiko munyaya dzetsika nedzezvamatongerwo enyika zvakanga zvichitora chimiro chaigona kumutsazve pfungwa dzavadzidzi vechiporofita. Pakanga pasina nyonganyonga huru chete pakati pamarudzi eNyika Yekare, asi kuHydesville, muRuwa rweWayne, N.Y., kwakatanga kuratidzwa kwamasimba edzidziso yokutaura nemweya yevakafa yamazuva ano, iyo vadzidzi veBhaibheri vakati inofanira kuva “mweya yemadhimoni, inofanira kuunganidza marudzi enyika kuhondo yezuva raShe.”
GSAM 271Nyonganyonga Yamarudzi Muna 1848
GSAM 271.1Musi wa21 Kukadzi 1848, vakuru vomumuzinda waLouis Phillippe, wokuFrance, pavakanga vakaungana vakamupoteredza, akati: “Handina kumbobvira ndagara zvakasimba pachigaro choumambo sezvandakaita manheru ano.” Manheru ezuva rakatevera, kwava kudoka, akapfeka “bhachi pfupi gobvu,” akazviita mutyairi wengoro yokuhaya, akatiza achibuda kunze kwamasvingo eguta reParis achitsvaka nzvimbo yokuvanda kuti azvichengetedze. Zvinonzi kuchinja kukuru uku kwakaerekana kwaitika nokuda kwechimwe chiito chake chaitsigira kubvutwa kwesimba napapa, izvo zvakagumbura vanhu vaaitonga navarwi vake. Pazuva iroro akanga achangopedza kuongorora kukuru kweuto reFrance muguta reParis; uye pfuti dzavo padzakanga dzaunganidzwa dzikamiswa pamwe chete, akadzokera kumuzinda. Pakarepo mumwe mukomana muduku akasvetukira pamusoro pepfuti huru, achivheyesa mureza waiva namavara matatu, achidanidzira achiti, “PASI NAPAPA! PASI NAPAPA!!” Varwi vakatangawo kudanidzira saizvozvo, kudanidzira kukakurumidza kupararira mumitsara yose, kuchiwedzera simba sezvakwaifamba, kusvikira kwabatanidzwa nokudanidzira kwokuti, “UYE PASI NAMAMBO!” Mumaawa mashomanana Paris yose yakanga yazara nenyonganyonga huru kwazvo. Varwi, vane pfuti mumaoko, vachiperekedzwa neboka ravanhu vaimukira, vakanga vachimhanyira kumuzinda wamambo. Iye, audzwa nezvemhirizhonga iyi, akakurumidza kutiza azvishandura kuti asazivikanwa.
GSAM 271Nyika Dzakapinda Mumhirizhonga
GSAM 271.2Mhirizhonga nokusagadzikana kweFrance zvakakurumidza kupararira kune dzimwe nyika. Prussia, Hanover, Sardinia, Sicily, Naples, Venice, Lombardy, Tuscany, neRoma zvakabatwa nomweya iwoyo wemhomho dzaimukira. Mumwedzi mitatu Europe yose yakanga yapindwa nemhirizhonga, uye umambo hukuru nohumambo huduku hunopfuura makumi matatu hwakanga huri mukusagadzikana kukuru kwazvo. Zvigaro zvoumambo zvakanga zvichipiswa mumigwagwa, madzimambo namadzishe makuru achitiza nokuhwanda achitya kuurayiwa. Vezvematongerwo enyika vakafanotaura kuti hurumende dzenyika dzose dzaizopandukirwa.
GSAM 272.1Vashumiri vazhinji vemaAdventist vakanga vasati vanzwa nezveshoko romutumwa wechitatu vakaona nyonganyonga iyi, vakafunga kuti kwaifanira kuva kuungana kwamarudzi nokuda kwo“kurwa kwezuva guru raMwari Wamasimbaose.”5
GSAM 272Shoko Rokuisa Chisimbiso Rinowanikwa
GSAM 272.2Panguva iyoyo chaiyo maAdventist ezuva rechinomwe akanga achidzidza muMagwaro kuti Sabata romurairo wechina raiva chiratidzo, kana kuti chisimbiso, chaMwari mupenyu, uye kuti nguva yakanga yasvika yokuparidza shoko rokuisa chisimbiso riri muna Zvakazarurwa 7:1-4, uye vakanga vachitsvaka nzira nezvinodiwa kuti vasvitse shoko iri kuvanhu. Vanhu vezuva rechinomwe pavaigadzirira basa iri, maAdventist ezuva rokutanga revhiki akanga achiti, “Manonoka neshoko renyu rokuisa chisimbiso, nokuti kurwa kwezuva guru nokuuya chaiko kwaShe zvatoswedera pedyo nesu.”
GSAM 272Mhirizhonga Inongoerekana Yanyarara
GSAM 272.3Pashure pemwedzi inenge mitatu, kumukira kwakanga kwaputika pakati pamarudzi kwakanyarara; asi kwete nokuti zvichemo zvavo zvakanga zvagadziriswa, asi nenzira iyo vanyori venhau pachavo vaisagona kutsanangura. Nezvedambudziko iri, Horace Greeley, muNew York Tribune, akati: “Takashamisika zvikuru tose kuti chii chakanga chatanga nyonganyonga iyoyo pakati pamarudzi nokukurumidza kwakadaro; asi chinotonyanya kushamisa ndechokuti chii chakaimisa.”
GSAM 272Nhengo yeSeneti Choate Pamusoro peMamiriro eNyika Dzekare
GSAM 272.4Tinosvika muna 1851, towana nhengo yeSeneti Choate, muhurukuro pamberi peDare reCongress reUnited States, ichitaura nezvemamiriro ezvinhu muNyika Dzekare, ichiti:
GSAM 272.4“Munonyatsonzwisisa zvakaita mamiriro iwayo nechimiro ichocho, zvinoita sokunge zvakafukidzwa nemimvuri, makore, nerima; kusagadzikana kwazvo kwakakwana. Kwandiri zvakaita sokuti masimba anokosha emadzimambo, nekodzero dzavanhu, nezvigumbu zvakaunganidzwa kwamakore ane chiuru zvakanga zvoda kuvhomora munondo nokuda kwokurwa umo ropa richayerera, sezvakaita muchiratidzo chaZvakazarurwa, ‘kusvikira pamatomu amabhiza,’ uye umo rudzi rumwe rwavanhu ruchapera rwose; umo bhero guru renguva richarira richizivisa imwe awa; umo nzanga yavanhu pachayo ichaedzwa nomoto nesimbi, kuti ionekwe kana ichibva kuzvisikwa nokuna Mwari wezvisikwa kana kuti kwete.”
GSAM 273“Uchapupu” hwa18 Mbudzi 1848
GSAM 273.1Kunyange zvazvo vaya vaiti mhirizhonga iyi pakati pamarudzi muna 1848 yaizotungamirira kukuuya kwaShe vakasangana nokuora mwoyo kukuru, zvakafamba sei kumaAdventist ezuva rechinomwe aiti nguva yakanga zvino yasvika yokuti “chisimbiso chaMwari mupenyu” chiiswe pamberi pavanhu? Kupindura, tinotora mashoko muturakiti rakabudiswa naMukuru Joseph Bates mumwedzi waNdira, 1849. Achitaura nezvechiitiko chakaitika musi wa18 Mbudzi 1848, anoti:—
GSAM 273.2“Boka duku rehama nehanzvadzi rakanga rakaungana pamusangano muDorchester, pedyo neBoston, Massachusetts. Musangano usati watanga, vamwe vedu vakanga vachiongorora dzimwe pfungwa mushoko rokuisa chisimbiso; paiva nokusiyana kwepfungwa pamusoro pokururama kwamanzwisisirwo eshoko rokuti ‘kukwira,’ nezvimwewo, uye sezvo takanga tanyengeterera nyaya yokubudisa shoko pamusangano weTopsham [Maine] nguva pfupi izvi zvisati zvaitika, uye nzira yokuribudisa yaisaratidzika kuva yakajeka zvakakwana, saka takatenderana kuisa zvose kuna Mwari. Pashure penguva yakati tichinyengetera nomwoyo wose tichikumbira chiedza nokudzidziswa, Mwari akapa Hanzvadzi White zvinotevera muchiratidzo.”
GSAM 273.2Tinotora mashoko acho sezvaakaataura ari muchiratidzo:—
GSAM 274Mashoko Akataurwa Muchiratidzo
GSAM 274.1“Chiedza chakabudira kupi? Mutumwa wenyu ngaatidzidzise kwakabudira chiedza. Chakatanga chiri chiduku, pamakapa chiedza chimwe pashure pechimwe. Uchapupu nemirairo zvakabatanidzwa, hazvigoni kuparadzaniswa; chinouya pakutanga mirairo gumi, yaMwari. Akafara zvikuru apo mutemo wake wakatanga kusimuka nesimba, uye nzvimbo dzakanga dzaparara dzakatanga kuvakwazve. Kubva pakusava nesimba chave nesimba nokunzvera shoko rake. Chave chichiedzwa kwenguva pfupi chete. Ndicho chisimbiso! Chiri kukwira! Chinosimuka, chichitangira panobuda zuva. Sezuva, chinotanga chichitonhora, chowedzera kudziya chichituma mwaranzi yacho. Chokwadi ichocho pachakasimuka, chaingova nechiedza chiduku machiri, asi chave chichiwedzera. Haiwa, simba remwaranzi iyi! Chinowedzera simba. Kukosha kukuru nechiedza chikuru zviri pachokwadi ichocho, nokuti chinogara nokusingaperi, apo Bhaibheri rinenge risisadiwi. Chakasimuka ikoko kumabvazuva; chakatanga nechiedza chiduku, asi mwaranzi yacho inoporesa. Haiwa, chokwadi ichocho chine simba sei; ndicho chakakwirira kupfuura zvose pashure pokunge vapinda munyika yakanaka, asi chichawedzera kusvikira vaitwa vasingafi. Chakatangira panobuda zuva, chinoramba chichifamba munzira yacho sezuva, asi hachimboviri.
GSAM 274.2“Vatumwa vakabata mhepo ina. NdiMwari anodzora masimba. Vatumwa havasati vadziregedza, nokuti vatsvene havasati vaiswa chisimbiso vose. Mikaeri paanosimuka, dambudziko iri richava panyika yose. Tarirai, dzatogadzirira kuvhuvhuta. Dzadziviswa nokuti vatsvene havasati vaiswa chisimbiso. Hongu, budisai zvinhu zvamakaona nezvamakanzwa, uye chikomborero chaMwari chichavapo. Tarirai! Kusimuka ikoko kune simba, uye kunoramba kuchiwedzera kupenya.”6
GSAM 274.3Pashure pokubuda muchiratidzo ichi Mai White vakati kumurume wavo,
GSAM 274.3“Ndine shoko kwamuri. Munofanira kutanga kudhinda pepanhau duku moritumira kuvanhu. Ngariite duku pakutanga; asi vanhu pavanoriverenga vachakutumirai mari yokudhinda nayo, uye richabudirira kubva pakutanga. Kubva pamavambo maduku aya ndakaratidzwa kuti raizova sehova dzechiedza dzakapoterera nyika yose.”
GSAM 275Zvinokahadzisa Pakuona Kwevanhu
GSAM 275.1Zviporofita izvi zvakataurwa muna 1848 pamusoro pokusimuka nokupararira kwechokwadi cheSabata. Pakuona mamiriro ezvinhu nemaonero avanhu panguva iyoyo, kufunga kwevanhu kwaizoti, “Chiporofita ichocho hachimbofi chakazadziswa.” Mumwe murume akataura kune mumwe wavashandi vedu nguva pfupi chiporofita chacho chataurwa, achiti, “Zvichakutorera makore 144,000 kuti muite zvamunoronga.” “Chiiko!” vaizodaro, “vaparidzi vatatu—Mukuru White nomudzimai wavo, naMukuru Bates—vose vasina kana sendi, vane vateveri vasingasviki zana, vose vasina mari, vachibuda vaine mazana mashomanana amakopi eturakiti rine mapeji makumi masere pamusoro penyaya yeSabata, kuti vape shoko renyevero kunyika yose! Kuzvifungira kusina musoro!” Vaya vaifunga kudaro pavaiti, “Hazviiti!” kutenda mushoko nomuuchapupu hwaivimbisa kubudirira kwaiti, “Muzita raMwari waIsraeri zvichaitwa! uye tichivimba nesimba rake zvinofanira kuitwa!”
GSAM 275Kudhindwa Kwakaitwa Pepanhau Rokutanga remaAdventist Ezuva Rechinomwe
GSAM 275.2Kubvira panguva yakapiwa uchapupu pamusoro pebasa rokudhinda, minyengetero mizhinji yakaitwa navaya vaichengeta zuva rechinomwe, kuti Ishe avhure nzira yokudhinda “pepanhau duku.” Chaishayikwa zvikuru yaiva mari yaidiwa kuti nhamba yokutanga ibudiswe. Mumwedzi waChikumi, 1849, Mukuru White vakawana mukana wokucheka maeka makumi mana ouswa hwetimoti, nejeko roruoko, vachipiwa masendi makumi manomwe namashanu paeka; nokudaro vakakwanisa kubudisa nhamba yokutanga yepepanhau duku iri. Zvingava zvakakodzera kuisa pano mufananidzo wakafanana chaizvo nepeji rokutanga repepanhau duku iri. Muverengi achaona muchikamu chokutanga mashoko aMukuru White, pavanoti, “Nzira yakanga isati yavhurwa yokuti titange basa kusvikira zvino.” Uye munogonawo kuona kuti kwaiva kuzvipira kwavo kwakaita kuti “nzira ivhurwe.”
GSAM 276Rondedzero yaMai White yeMapepanhau Okutanga
GSAM 276.1Mai White vanotaura pamusoro pokutanga kwebasa rokudhinda vachiti:—
GSAM 276.2“Murume wangu akatanga kubudisa kapepanhau kuMiddletown, mamaira masere kubva kuRocky Hill, Connecticut, uye aiwanzofamba chinhambwe ichi netsoka achidzokazve, kunyange zvazvo panguva iyoyo aikamhina. Paakaunza nhamba yokutanga kubva kuimba yokudhinda, tose takapfugama takaipoteredza, tichikumbira Ishe, nemwoyo inozvininipisa nemisodzi mizhinji, kuti chikomborero chake chive pakuedza kusina simba kwomuranda wake. Akabva anyora pamapepanhau mazita nekero dzavose vaaifunga kuti vaizoriverenga, ndokuatakura kuenda nawo kuposvo mubhegi rakagadzirwa nomucheka wekapeti. Nhamba imwe neimwe yaitakurwa kubva kuMiddletown kuenda kuRocky Hill, uye nguva dzose tisati taagadzirira kuendeswa kuposvo aiwaridzwa pamberi paShe, uye minyengetero yomwoyo wose, yakavhenganiswa nemisodzi, yaiiswa kuna Mwari kuti chikomborero chake chiperekedze nhume idzi dzakanyarara. Nokukurumidza tsamba dzakauya dzichiunza mari yokubudisa pepanhau, uye mashoko akanaka avanhu vazhinji vakanga vachigamuchira chokwadi.”7
GSAM 276Chiporofita Chokutsigirwa kwePepanhau Chinozadziswa
GSAM 276.3Tine manzwiro akadzama kupfuura kungofarira chete patinoisa pamberi penyu peji iri rokutanga repepanhau rokutanga rakabudiswa nemaAdventist ezuva rechinomwe. Vhoriyamu yose yeChokwadi Chiripo yaiva nenhamba gumi neimwe dzine mapeji masere, peji rimwe nerimwe riine zvikamu zviviri. Mashoko okuverenga aiva papeji aitora nzvimbo yakafara mainji mana nezvikamu zvishanu pazvisere uye yakareba mainji masere. Nhamba 1 ne4 dzakadhindwa muna Chikunguru, Nyamavhuvhu, naGunyana, kuMiddletown, Connecticut. Nhamba 5 kusvika ku9 dzakadhindwa kuOswego, New York, uye dzine misi yaZvita, 1849, naKurume, Kubvumbi, naChivabvu, 1850. Nhamba 11 ine musi waMbudzi, 1850, uye yakadhindwa kuParis, Maine. MuNhamba 6 Mukuru White vakati, “Patakanga tichibudisa nhamba ina dzokutanga kwakauya mari inopfuura yaidiwa kubhadhara mapepanhau. Yakashandiswa kubhadhara mari yenzendo dzedu kumisangano yatakapinda.” Mugore ra1849, nokuda kwesimba ramapepanhau aya, nebasa rokupayona raMukuru Bates, vazhinji vakagamuchira shoko muVermont, Michigan, nedzimwe nyika dzomubatanidzwa.
GSAM 278.1Tichienzanisa nemamiriro ebasa aisaratidza tariro muna 1848, tichatarisa zvimwe zvinhu sezvazviri muna 1905, uye nokudaro tigone kutonga zviri nani pamusoro pomugumo webasa iri, kuti vakarurama vaiva vaya vaipikisa mavambo akaderera eshoko here, kana kuti Mwari wokudenga akataura nomurandakadzi wake nezvesimba “rinowedzera” rebasa “rokuisa chisimbiso.”
GSAM 278Kufambira Mberi kweBasa Rokudhinda
GSAM 278.2Chokwadi ichi zvino chiri kuparidzwa nokudhindwa mundimi dzinenge makumi mana dzinonyanya kushandiswa munyika. Panzvimbo yavashumiri vatatu, zvino, tichiverenga vashumiri vakagadzwa navakapiwa mvumo yokuparidza, kune vanopfuura 600, kunze kwamazana avamwe vanoshanda savanachiremba, vadzidzisi veBhaibheri, vadzidzisi vezvikoro, navamishinari vezvokurapa. Zvinyorwa zvechechi iyi zvinobuda mumapepanhau akasiyana anopfuura makumi mashanu, ayo anodhindwa mudzimba dzokudhinda dzinoda kusvika makumi maviri dziri muEurope, Asia, Afurika, America yokuchamhembe neyokumaodzanyemba, zvitsuwa zvePacific, neAustralia. Mudzimba idzi dzokudhinda munodhindwa mabhuku, mabhukwana, namaturakiti akasiyana anopfuura chiuru nezana. Kuwana kopi yechimwe nechimwe, pamwe chete namapepanhau egore rimwe, kwaizoda mari inenge $340. Panzvimbo yavateveri zana chete, zvino kune vanoda kusvika 100,000 vanofara muchokwadi ichi. Zvirokwazvo shoko iri, sezuva, riri “kusimuka,” uye tingati, nomutauro wouchapupu hwa1848, “Haiwa, simba remwaranzi iyi!”
GSAM 278Mamiriro eNyika
GSAM 278.3Shoko paraifambira mberi kudai, mamiriro enyika akanga akaita sei? Kubvira panguva iyoyo, mumapepanhau anoverengwa navanhu vose, takagara tichipiwa mashoko pamusoro pehondo huru ichakurumidza kuvapo muEurope yose. Kunyange zvazvo paiva nokurwisana pano, nokumukira uko, “chamupupuri” chikuru chinodziviswa,—“mhepo ina” hadzitenderwi kuvhuvhuta dzose panguva imwe chete, “kusvikira varanda vaMwari vaiswa chisimbiso.” Kuti zvinhu zvinokonzera kurwisana nehondo zviripo, asi hazviputiki nokuti zvakadziviswa, zviri pachena kuna vose.
GSAM 279.1Henry Ward Beecher, nguva pfupi asati afa, akati kuchengeta mauto makuru kudaro muEurope kwaiva “kubvisa ropa roupenyu pachine nguva, nokutya kuti raizoteuka.” Mamiriro ezvinhu pakati penyika, nezvigumbu nokuvengana kwadzo, nokutyisidzirana kwadzaiita, akaafananidza no“kusagona kufamba,” kwakakonzerwa neboka ravarume vakanongedza mapanga pazvipfuva zvavamwe, pasina kana mumwe aishinga kubaya, achitya kubaiwawo. “Asi,” akadaro, “mumwe wavo achakurumidza kuona mukana wakakodzera wokubaya, ipapo kurwisana kwavose kuchauya.”
GSAM 279Kuenzaniswa kweZvombo zveHondo
GSAM 279.2Kubvira muna 1848 zvakagadzirwa zvombo zvehondo zvokuti zvakanakisisa zvenguva iyoyo, kana zvichienzaniswa nazvo, zvino zvaizongonzi zvokutambisa chete. “Sangano roRugare” reAmerica, parakadanidzira kuti kuitwe minamato yorugare paSvondo yoRugare,—15 Zvita 1895,—rakati: “Zvino, kunyange zvazvo pane kufambira mberi kuri pachena kwetsika dzavanhu, kune rumwe rutivi kune gadziriro huru dzehondo pakati penyika kupfuura nakare kose.”
GSAM 279Mukuru weHondo Miles Pamusoro peGadziriro dzeHondo
GSAM 279.3Mukuru wehondo Nelson A. Miles, muhurukuro pamusangano mukuru wavanhu muWashington, D.C., musi wa12 Ndira 1904, akati:—
GSAM 279.4“Muzera rino rine chiedza chezivo, rokufambira mberi netsika dzavanhu dzine njere nounhu hwakanaka, taizofara kutenda kuti mitoro nengozi dzehondo zvaderera; asi kunyange zvichiratidzika kuva zvinoshamisa, hakuna kumbova nenguva munhoroondo yenyika umo pfuma yakawanda kudaro yakapambadzwa pakugadzirira hondo, kana umo mamiriyoni mazhinji kudaro avarume vakarovedzwa, vane unyanzvi navanoteerera murayiro, vakashonga zvombo zvinoparadza zvikuru, vakabviswa pamabasa orugare, sezvazviri panguva ino.”
GSAM 280.1Asi chamupupuri chehondo chichiri kunonoka, basa rokuisa chisimbiso richipfuurira.