Adventist Pioneer
Library
aplib.orgLibrary
Table of Contents
10 / 31
10 / 31

Chitsauko 7 — Kufambira Mberi Nokukurumidza kweShoko

John Norton Loughborough

GSAM 126.1“Zvino ndakaona mumwe mutumwa ane simba achiburuka kudenga, akapfeka gore; muraraungu wakanga uri pamusoro pomusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake dzakaita sembiru dzomoto; muruoko rwake akanga ane kabhuku kakazaruka; akaisa rutsoka rwake rworudyi pamusoro pegungwa, noruboshwe pamusoro penyika, akadanidzira nenzwi guru, seshumba kana ichidzvova; uye paakadanidzira, mabhanan'ana manomwe akanzwisa manzwi awo.... Zvino mutumwa wandakaona amire pamusoro pegungwa napamusoro penyika akasimudzira ruoko rwake kudenga, akapika naiye mupenyu nokusingaperi-peri, akasika denga nezviri mariri, nenyika nezviri mairi, negungwa nezviri mariri, kuti hapachazovi nenguva; asi mumazuva enzwi romutumwa wechinomwe, paachatanga kuridza, chakavanzika chaMwari chichapedziswa, sezvaakazivisa kuvaranda vake vaporofita.”1

GSAM 126Mutumwa Chiratidzo cheNhume Dzavanhu

GSAM 126.2Sezvakatoratidzwa, basa rokuparidza vhangeri rakapiwa munhu, uye Ishe akapikira chikomborero chake panzira iyi kusvikira “pakuguma kwenyika.”2 Naizvozvo mutumwa akatakura shoko iri anofanira kuva chiratidzo cheshoko rine chokuita nenguva, rinofanira kuparidzirwa vagari venyika. Shoko racho rinoziviswa richibva mubhuku “rakazaruka,” zvichiratidza pachena kuti rakambenge rakavharwa. Nhume idzi dzinokudzwa naMwari; nokuti “muraraungu,” chiratidzo chesungano yaMwari, uri pamusoro padzo, uye dzakamira dzakapfeka chiedza chokubwinya kwaMwari, dzichizivisa shoko nesimba roMusiki wezvinhu zvose. Chinoziviswa pano ishoko rine chokuita nenguva, raimbova “rakanamirwa chisimbiso,” asi zvino rava kuziviswa richibva mubhuku “rakazaruka.”

GSAM 127.1Muzvitsauko zvakapfuura zvakaratidzwa kuti Ishe akatara nguva yaizopiwa chiedza chine chokuita nokuguma kwenguva huru yechiporofita—mazuva 2300—inotungamirira kukutongwa kwekuongorora; kuti chiporofita chokuti zivo yaizowedzerwa chakazadziswa chaizvo nokumutswa kwevakawanda vaakazivisa chiedza ichocho; uye kuti akatarawo nguva yaizodzidzwa “mufananidzo womuonde,” nokumutsa vadzidzisi vake panguva iyoyo nepanzvimbo iyoyo kuti vabude vazivise mufananidzo iwoyo kunyika. Nenzira yakanyatsojeka saizvozvo akatarawo nguva yaizokura shoko rine chokuita nenguva kusvikira pakudanidzira kwaro kukuru, uye ndizvo chaizvo zvakazadziswa.

GSAM 127Kudanidzira Kukuru kweShoko Rokutanga

GSAM 127.2Nguva yaifanira kunzwika kudanidzira kukuru kwekuzivisa uku inyaya inofadza kuongorora. Pano inoiswa pakati pokuridzwa kwehwamanda yechitanhatu neyechinomwe, sezvinoonekwa kwete chete nepanzvimbo payo muzvinyorwa zveMagwaro, asiwo neshoko racho pacharo, rinoti: “Mumazuva enzwi romutumwa wechinomwe, paachatanga kuridza, chakavanzika chaMwari chichapedziswa, sezvaakazivisa kuvaranda vake vaporofita.” Uhwu uchapupu hunopedza mubvunzo hwokuti nguva inoziviswa mushoko iri inosvika pakuridzwa kwehwamanda yechinomwe.

GSAM 127Nguva Yokudanidzira Kukuru

GSAM 127.3Mutumwa wechinomwe paanoridza, tinoverenga kuti “temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa, uye mutemberi yake makaonekwa areka yesungano yake.”3 Mubasa renzvimbo tsvene yapanyika, kamuri raiva neareka—nzvimbo tsvene-tsvene—raizarurwa kamwe chete pagore; izvozvo zvaiitwa pazuva rokuyananisira, nechinangwa chokudzima zvivi—kucheneswa kwenzvimbo tsvene. Nguva yakataurwa nevaporofita, yaizoitwa basa iri rokuchenesa naKristu, iri pakuguma kwemazuva 2300.4 Zvinotaurwawo kuti mutumwa wechinomwe paanoridza, manzwi ari kudenga anoti nguva yokuti vakafa vatongwe yasvika.5

GSAM 128.1Chiratidzo ichi chechiporofita chiri muna Zvakazarurwa 10 chinoratidza nguva yaizobuda shoko iri “nenzwi guru,” pakupedzisira “seshumba kana ichidzvova.” Maererano nechiporofita ichi, nguva yaizokura shoko kusvikira pakudanidzira kwaro “kukuru” inobva pakuguma kwehwamanda yechitanhatu ichisvika pakuguma kwenguva iya yechiporofita inotungamirira kukucheneswa kwenzvimbo tsvene, ndiko kuti, pakuguma kwemazuva 2300. Hwamanda ina dzokutanga dzakazadziswa muhondo dzemaGoth, maVandal, maHun, navamwe, dzakakamura Roma yoKumadokero kuita zvikamu gumi kana umambo gumi.

GSAM 128Hwamanda Yechishanu

GSAM 128.2Hwamanda yechishanu inoratidza kusimuka kwechiIslam negore racho redzidziso dzokukanganisa, asi zvikurukuru nguva ye“mwedzi mishanu,” kana makore chaiwo ane zana namakumi mashanu kubva panguva yavakanga “vane mambo pamusoro pavo.” Musi wa27 Chikunguru 1299, Othman, muvambi woumambo hweOttoman, akapinda nechisimba munyika yeNicomedia. Kubvira panguva iyoyo vanhu veOttoman vakashungurudza noku“tambudza” umambo hweRoma yoKumabvazuva kusvikira musi wa27 Chikunguru 1449, makore ane zana namakumi mashanu okuridzwa kwehwamanda yechishanu. Panguva iyoyo vaTurk vakauya nemauto avo kuzorwisa guta reConstantinople pacharo, vachishandisa upfu hwepfuti muhondo yavo; uye nepfuti huru yairema kwazvo, iyo munyori wenhoroondo Gibbon anoti yaida nzombe makumi matanhatu kuti idhonzwe, vaipfura matombo makuru kumasvingo eConstantinople.

GSAM 128Kuguma kweHwamanda Yechitanhatu

GSAM 128.3Panenge panguva iyi John Palleologus, anonzi nevanyori venhoroondo ndiye aiva mambo wokupedzisira wechiGiriki, akafa. Constantine Decozes ndiye akanga aine kodzero yokugara pachigaro choumambo, asi zvinonzi kutya kwake Amurath, sultani wevaTurk, akanga achirwa hondo iyi naye, kwakamuita kuti akumbire mvumo kuna Amurath yokugara pachigaro choumambo. Chiito chakadaro chaingangoita sokuregedzera chigaro choumambo kuvaTurk. Chokwadi, pasina nguva refu vanhu veOttoman vakanga vatora guta reConstantinople noumambo hweRoma yoKumabvazuva. Nokudaro ivo “vakauraya” umambo ihwohwo mune zvoutongi, hwavaimbove “vatambudza.” Vaifanira ku“huuraya” kwe“awa, nezuva, nomwedzi, negore.”

GSAM 129.1Kana tikatora izvi senguva yechiporofita, zuva richimirira gore, yaizova nguva yakareba zvakadini? Kuverenga kwacho kuri nyore: gore, mazuva 360, kana makore 360; mwedzi, mazuva 30, kana makore 30; uye zuva rimwe, gore rimwe—pamwe chete, mazuva 391, kana kuti makore chaiwo 391. Awa, zvairi chikamu chimwe pazvikamu makumi maviri nezvina zvezuva, sechiratidzo yaizova hafu yomwedzi, kana mazuva gumi namashanu. Naizvozvo nguva yose yokutonga kwakazvimirira kwevaIslam munyika yeRoma yoKumabvazuva yaizova makore 391 namazuva 15. Kana nguva iyi ikawedzerwa pana 27 Chikunguru 1449, inotisvitsa pana 11 Nyamavhuvhu 1840, pakuguma kwenguva yokuzvimirira kwevaTurk, sezvakaratidzwa pasi pehwamanda yechitanhatu.

GSAM 129Chiremba Josiah Litch Anofanotaura Kuwa kwoUmambo hweOttoman

GSAM 129.2Muna 1838 Chiremba Josiah Litch, wokuPhiladelphia, Pa., agamuchira chokwadi chakatsanangurwa naWilliam Miller, akabatana nebasa rokuita kuti shoko rizivikanwe zvikuru. Akanyora nyaya dzokudhindwa kuti dziverengwe navanhu pamusoro pehwamanda nomwe dzomuna Zvakazarurwa. Akataura asingazenguriri kuti hwamanda yechitanhatu yaizorega kurira uye simba reOttoman raizowa musi wa11 Nyamavhuvhu 1840, uye kuti izvozvo zvaizoratidza nyika kuti zuva muchiporofita chine zviratidzo rinomirira gore renguva chaiyo.

GSAM 129.3Dzimwe hama, kunyange dzaibvumirana naye pachinhu ichi, dzakadedera nokutya zvaizoitika “kana zvikasaitika” sezvaakanga ataura. Zvisinei, izvi hazvina kumutyisa, asi akaenderera mberi achiita zvose zvaaigona kuti zvaaifunga panyaya yevaTurk zvizivikanwe navanhu. Mapepanhau akaparadzira zvaakanga ataura pamusoro penyaya iyi. Masangano evasingatendi muna Mwari akakurukura nyaya iyi mumisangano yawo, akati, “Heuno munhu ane chaanotsunga kuisa pamuedzo, uye kana nyaya iyi ikaitika sezvaanotaura, ichasimbisa pasina kupokana zvaanoti zuva muchiporofita rinomirira gore, uye kuti mazuva 2300 ndiwo makore akawanda saizvozvo, uye kuti achaguma muna 1844.”

GSAM 130.1Kudhindwa kwehurukuro yaChiremba Litch kwakamutsa vanhu kwose kwose, uye nokudaro zviuru zvizhinji zvakakurudzirwa kurindira kuguma kwemakakatanwa akanga amuka pakati paMehemet Ali, pasha weIjipiti, nasultani wevaTurk. Mazana avanhu akati, “Kana nyaya iyi ikaguma sezvakataurwa nachiremba, ichasimbisa mutemo we‘zuva richimirira gore’ wokududzira nguva inoratidzwa nezviratidzo, uye tichava maAdventist.”

GSAM 130Sultani wevaTurk Ari Muhondo naPasha weIjipiti

GSAM 130.2Kwemakore akati wandei 1840 asati asvika, sultani akanga akapinda muhondo naMehemet Ali, pasha weIjipiti. Muna 1838 kusawirirana pakati pasultani nomutongi weIjipiti aiva pasi pake kwakambomiswa nesimba renhume dzedzimwe nyika. Asi muna 1839 kurwisana kwakatangazve, kukapfuurira kusvikira, muhondo huru pakati pemauto asultani neaMehemet, uto rasultani raparadzwa chose, nezvikepe zvake zvatorwa naMehemet zvikaendeswa kuIjipiti. Sultani akanga apedzwa simba kwazvo zvokuti, hondo payakatangazve muna Nyamavhuvhu, aingova nezvikepe zviviri zvikurusa zvehondo nezvitatu zvinokurumidza zvehondo, izvo zvaiva zvisaririra zvinosuwisa zvezvikepe zvehondo zvevaTurk zvaimbova nesimba. Mehemet akaramba zvachose kuregedza zvikepe izvi achizvidzosera kuna sultani, akataura kuti kana nyika dzine simba dzikaedza kuzvitora kwaari, aizozvipisa. Ndizvo zvakanga zvakaita zvinhu apo, muna 1840, England, Russia, Austria, nePrussia dzakapindira, dzikasarudza kugadzirisa gakava iri; nokuti zvakanga zviri pachena kuti, kana akasiyiwa akadaro, Mehemet aizokurumidza kutora chigaro choumambo chasultani.

GSAM 131Kupindira kweNyika Dzine Simba Dzakabatana

GSAM 131.1“Sultani akagamuchira kupindira uku kwenyika dzine simba dzakabatana, nokudaro akaregedzera nyaya yacho mumaoko adzo achizvidira. Musangano wenyika idzi wakaitirwa muLondon, sheik, Effendi Bey Likgis, aripo somumiriri weOttoman akapiwa masimba ose. Chirevo chokupedzisira chaifanira kuteererwa chakanyorwa kuti chinopiwa pasha weIjipiti; machiri sultani aizomupa utongi hweIjipiti hwaizogarwa nhaka navana vake, uye rutivi rwose rweSiriya runobva pachikamu chegungwa chinopinda munyika paSuez kusvikira paGungwa reTibheriasi, pamwe chete noruwa rweAcre, kuti arutonge kwoupenyu hwake hwose; iye, kune rumwe rutivi, aifanira kubva mune dzimwe nzvimbo dzose dzoumambo hwasultani dzaakanga agara panguva iyoyo, uye kudzosera zvikepe zvehondo zveOttoman. Kana akaramba zvaaipiwa izvi nasultani, nyika ina idzi dzaizotora nyaya yacho mumaoko adzo, dzoshandisa dzimwe nzira dzadzaiona dzakakodzera kuti dzimuite abvume zvakanga zvatemwa.

GSAM 131.2“Zvakanga zviri pachena kuti chirevo chokupedzisira ichi chaifanira kuteererwa changopiwa Mehemet Ali, nyaya yacho yaizobva yava kunze kwesimba rowokutanga [sultani] nokusingaperi, uye kubva panguva iyoyo kurongwa kwezvinhu zvake kwaizova mumaoko enyika dzokunze dzine simba.

GSAM 131Chiporofita Chakazadziswa—Kuguma KwoKuzvimirira kwevaTurk

GSAM 131.3“Sultani akatuma Rifat Bey nechikepe chehurumende chaifambiswa nesimba remhute kuAlexandria, kuti azivise pasha chirevo chokupedzisira chaifanira kuteererwa. Chakaiswa mumaoko ake, akachigamuchira, musi wegumi nomumwe waNyamavhuvhu 1840! Pazuva iroro sultani akanyorerawo nhume dzenyika ina dzine simba, achibvunza kuti nderipi zano raizoteverwa kana pasha akaramba kuteerera zvakanga zvatemwa muchirevo chokupedzisira; ivo vakapindura kuti gadziriro yakanga yaitwa, uye pakanga pasina chikonzero chokuti azvinetse pamusoro pechinhu chipi nechipi chaizomuka. Pazuva iri nguva yamakore ane mazana matatu namakumi mapfumbamwe nerimwe namazuva gumi namashanu yakatarirwa kupfuurira kwesimba reOttoman yakaguma; zvino kuzvimirira kwasultani kwakanga kuripi?—Kwapera!”6

GSAM 132.1Kubva pazuva iroro kusvikira nhasi sultani akafanira kuita zvaanorayirwa nenyika dzine simba, achiona umambo hwake huchikamurwa, rutivi norutivi ruchitorwa nadzo kuti dzirushandise.

GSAM 132Vanhu Vanomutsirwa Chido Chokuziva Chiporofita

GSAM 132.2Kuzadziswa uku kunoshamisa kwechiporofita kwakabata zvikuru pfungwa dzavanhu. Kwakawedzera chido chavanhu chokunzwa pamusoro pechiporofita chakanga chazadziswa nechakanga chichizadziswa. Chiremba Litch akati mumwedzi mishomanana pashure pa11 Nyamavhuvhu 1840, akanga agamuchira tsamba dzaibva kuvasingatendi muna Mwari vakakurumbira vanopfuura chiuru chimwe, vamwe vacho vari vatungamiriri vemasangano evasingatendi muna Mwari, vachitaura kuti vakanga varega kurwisa Bhaibheri, uye vakanga varigamuchira sokuzvizarurira kwaMwari kumunhu. Vamwe vavo vakatendeukira kuna Mwari nomwoyo wose, uye vanoverengeka vavo vakava vakurukuri vanogona musangano guru rokuuya kwechipiri. Vamwe vakataura kuna Chiremba Litch vachiti: “Takambotaura kuti vatsananguri vechiporofita vanotora mashoko mumapeji ekare enhoroondo anonhuwa kuti vatsigire zvavanotaura pamusoro pokuzadziswa kwechiporofita; asi pachiitiko ichi tine zvinhu chaizvo zviri kuitika pamberi pameso edu.”

GSAM 132.3Kuti ndiratidze kuti, hwamanda yechitanhatu payakangoguma, shoko rokuuya rakatanga sei kupararira “nenzwi guru,” ndichataura chimwe chiitiko chandakarondedzerwa nomumwe wevaiita basa reshoko iri.

GSAM 132.4Mugore ra1840, E. C. Williams, mugadziri mukuru wamatende namaseiri ezvikepe, wokuRochester, N.Y., akagamuchira shoko, akakoka Vakuru Miller naHimes kuti vauye kuRochester vataure kuzviuru zvavanhu veguta iroro. Vakapindura kuti vakanga vasina mari yaidiwa kuti vawane imba huru yaikwana vanhu vacho. Akapindura kuti, “Ndine tende rakaurungana rine mafiti 120 kubva kurutivi rumwe kusvikira kune rumwe napakati paro. Ndicharimisa, ndigoisa zvigaro mariri, nokuritarisira, pasina muripo. Uyai muzivise shoko.” Akati kwandiri, “Vakauya, uye tende racho harina kutokwana hafu yavakauya kuzonzwa, saka ndakawedzera chidimbu chamafiti makumi mana, ndikaita tende rine mafiti 160 x 120. Tende iri raizara navanhu zuva rimwe nerimwe, uye mazana avanhu aiungana pedyo naro kunze, vose vachida kwazvo kunzwa shoko.”

GSAM 133Mazana Ari Kuzivisa Shoko

GSAM 133.1Kuti vabatsire vanhu vaiva nechido chaiwedzera, matende makuru akashandiswa, uye misangano yakaitirwa pasi pemiti munguva yezhizha. Zvimwe zvezvivako zvikurusa zvemachechi nedzimba huru dzavanhu zvakashandiswa munguva yechando, uye zvose zvakazara chose navateereri vaiva nechido. Panzvimbo pokuti Mukuru Miller arambe achizivisa shoko “anenge ari oga,” sezvaakanga akaita 1840 asati asvika, vanenge mazana matatu vakabatana naye pakuzivisa pachena kuguma kwenguva yemazuva 2300, uye pakudanidzira kuti, “Hapachazovi nenguva,” uye kuti, “Nguva yokutonga kwake yasvika.” Nokudaro tinoona kuti, nguva yaIshe payakasvika yokuti shoko rifambire mberi munyika yose, shoko rake rakazadziswa, uye mamiriyoni akanzwa chido chokuteerera kudana kwacho.

GSAM 133.2Zvakanga zvakaita sangano muAmerica ndizvo zvazvakanga zvakaitawo mune dzimwe nyika. Kubvira mugore ra1840, panzvimbo pavanhu vashomanana vaiparadzira zvinyorwa zvavo, makumi namakumi avanhu vakaita sevakangoerekana vabuda pamberi kuti vazivise kudanidzira kwacho. MuEngland maiva navashumiri vane mazana manomwe veChechi yeEngland chete vaizivisa shoko, tisingatauri nezvemakumi namakumi avamwe vaiita basa rimwe chetero. Munyika dzinotungamirira dzinopfuura makumi maviri dzapanyika, shoko rakanga richipararira nokushingaira kwakaita kuti aiona ati, “Vanhu ava vakazvipira nomwoyo wose zvinoshamisa.”

Notes

  1. Zvakazarurwa 10:1-7. ↩
  2. Mateo 28:19, 20. ↩
  3. Zvakazarurwa 11:19. ↩
  4. Dhanieri 8:14. ↩
  5. Zvakazarurwa 11:18. ↩
  6. Ona Pfungwa pamusoro paDhanieri naZvakazarurwa, mapeji 497, 498. ↩

Note

Back