Chitsauko 13 — Zviratidzo zveKutungamirira kwaMwari
GSAM 198.1“Ko Mwari akamboedza here kuenda kundozvitorera rudzi kubva pakati perumwe rudzi, nemiedzo, nezviratidzo, nezvishamiso, nehondo, noruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, nezvinhu zvinotyisa zvikuru, sezvose zvamakaitirwa naJehovha Mwari wenyu muEgipita muchizviona nameso enyu? Iwe wakaratidzwa izvi, kuti uzive kuti Jehovha ndiye Mwari; hakuna mumwe kunze kwake.”1
GSAM 198.2Ndizvo zvakaitwa naJehovha paakatora vanhu kubva pakati porudzi rwaishumira vamwari venhema, kuti avabudise avaendese kwaaigona kuvaudza murayiro wake, uye kwaaigona kuvapa iwo wakanyorwa pamahwendefa amabwe. Zvishamiso izvi hazvina kuitwa kuti zvigutse chido chavo chokuona zvinhu zvitsva; asi kuti vazive zvirokwazvo kuti iye akanga “aita zvinhu zvikuru muEgipita; mabasa anoshamisa munyika yaHamu, nezvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku,”2 uye akanga ataura navo ari pakati pomoto noutsi pamusoro pegomo reSinai raibvira, akanga ari Mwari mupenyu uye wechokwadi, Musiki wezvinhu zvose.
GSAM 198Kudanwa kwaMozisi Kubva muGwenzi Raibvira
GSAM 198.3Mozisi pachake aisagona kuita kuti vaIsraeri vabve muEgipita nokungoti kwavari, “Pandaifudza mapoka ezvipfuwo murenje, ndakakufungai netsitsi muri muuranda hwenyu, zvino ndauya kuzokutungamirirai mubude muEgipita, sezvandakaedza kuita pandakauraya muEgipita nguva pfupi ndisati ndatizira kunyika yeMidhiani.”
GSAM 199.1Kunyange Mozisi akatoda kuona gwenzi raibvira asi risingatsvi richipera, nokunzwa inzwi raibva pakati pomurazvo, kuti agutsikane kuti ndiye aifanira “kuenda kundotungamirira vanhu vabude muEgipita.” Akagamuchira basa rake, kudanwa kwake kwakakwirira uye kutsvene, nenzira iyi inoshamisa. Kurondedzerwa kwazvo kwaizoita kuti hama dzake dziteerere pakarepo, vogadzirira mupfungwa dzavo zvakanga zvichizotevera, nokudaro vachigamuchira Mozisi somutungamiriri wavo pasi paMwari.
GSAM 199.2Kana pakambova nenguva kubva pakumuka kwoMuponesi apo vateveri vake vaichema uye vakaora mwoyo vaida kunyaradzwa nokuvapo kwake namashoko ake anokurudzira, yakanga iri nguva iyoyo apo vamwe vatendi vaisuwa uye vaitambudzwa vakaramba vakabatirira nokutenda kwakasimba pashure po“kudanidzira kwepakati pousiku” kwa1844; uye kana Mwari akambotaura zvakananga netsitsi kuvanhu vaichema, zvinoita sokuti zvirokwazvo aizodaro panguva yakadai, uye kuvanhu vakadai.
GSAM 199Chipikirwa Chokuvapo kwaShe
GSAM 199.3Iye asina muganhu panzira kana pazvinhu zvaanoshandisa pabasa rake, uye akaisa zvipo zvoMweya muchechi yake “paakakwira kumusoro,”3 akapikira kuva navateveri vake pakuparidza vhangeri, “kusvikira pakuguma kwenyika.”
GSAM 199.4Nguva dzose Ishe akanga akagadzirira kuratidza simba rake nezvipo zvake pakati pavaya vaimutsvaka nomwoyo wose. Haana here kuti, paakavapa basa rokuparidza vhangeri, “Zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda: vachadzinga madhimoni muzita rangu; vachataura nendimi itsva; vachabata nyoka; uye kana vakanwa chinhu chipi nechipi chinouraya, hachingavakuvadzi; vachaisa maoko pamusoro pavarwere, vachapora”?4
GSAM 199Zvipo zvoMweya Panguva Yokuvandudzwa kweChechi
GSAM 199.5Pakava nokuratidzwa kunoshamisa kwesimba raShe nokuonekwa kwechipo chechiporofita panguva yoKuvandudzwa kweChechi muzana remakore rechigumi nenhanhatu, uye munguva dzakatevera. D’Aubigné anotaura nezvezviporofita zvaJohn Huss. Charles Buck, mubhuku rake rinonzi Nhau Pfupi Dzechitendero, anorondedzera kuporofita kwaGeorge Wishart, muna1546. John Wesley, mumabhuku ake, anorondedzera zviporofita zvaJonathan Pyrah nokuzadziswa kwazvo. Mukuru J. B. Finley, mubhuku raakanyora roupenyu hwake, anorondedzera chiratidzo chinoshamisa nokuporeswa kwaakaitwa iye pachake, muzhizha ra1842. Murevereri wechiKristu, pepanhau rechechi yeMethodist, rakabudisa nyaya inofadza yechiratidzo chinoshamisa nezvakabva machiri, icho chakapiwa Chiremba Bond, wechechi iyoyo, panguva youshumiri hwake. Izvi zvakanga zviri zviratidzo kuna avo vaitsvaka Ishe nokuzvininipisa, zvokuti akanga asina kushanduka, uye kuti aizoramba achitaura navanhu vake nechipo chechiporofita.
GSAM 200Chechi yeVakasara Ichava neMweya wechiporofita
GSAM 200.1MuMagwaro mune mashoko akajeka uye akananga anoti Ishe acharatidza nenzira inokosha zvipo zvoMweya wake, kunyanya chipo chechiporofita, pakati pavanhu vachawanikwa vakamirira kuuya kwake. Rugwaro rwokutanga rwatinoda kuti mucherekedze rwuri mutsamba yakanyorerwa vaKorinde, uye runoti: “Ndinogara ndichivonga Mwari wangu pamusoro penyu, nokuda kwenyasha dzaMwari dzamakapiwa munaJesu Kristu; kuti pazvinhu zvose makafumiswa maari, mukutaura kwose nomukuziva kwose; uchapupu hwaKristu sezvahwakasimbiswa mamuri: kuti murege kusarirwa pachipo chipi nechipi; muchimirira kuuya kwaShe wedu Jesu Kristu; iye uchakusimbisaiwo kusvikira pakuguma, kuti muve vasina chavangapomerwa pazuva raShe wedu Jesu Kristu.”5
GSAM 200.2MunaZvakazarurwa tinoverenga nezve“vakasara”—chechi yokupedzisira yevhangeri: “Dhiragoni yakatsamwira mukadzi [chechi], ikaenda kundorwa navakasara vorudzi rwake, vanochengeta mirairo yaMwari, uye vane uchapupu hwaJesu Kristu.”6 Tinobvunza kuti “uchapupu hwaJesu” chii, huchava nechechi yokupedzisira, uye hunoti kana hwasimbiswa hugadzirire nzira yokuratidzwa kwezvipo zvose zvoMweya? Mhinduro yomubvunzo uyu tinoiwana muuchapupu hwomutumwa kunaJohane pachitsuwa chePatimosi: “Ndakawira patsoka dzake kuti ndimunamate. Akati kwandiri, Chenjera, urege kudaro: ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako dzine uchapupu hwaJesu: namata Mwari: nokuti uchapupu hwaJesu ndihwo Mweya wechiporofita.”7
GSAM 201.1Tsananguro iyi yakapiwa nomutumwa inoratidza kuti “Mweya wechiporofita” unoratidzwa muchechi yakamirira Kristu ndiwo unogadzirira nzira yezvipo zvose, uye kuti chechi ye“vakasara” inorwiswa nokuda kwokuva nechipo ichocho pakati pavo.
GSAM 201Uchapupu hwaPauro Pamusoro peZvipo
GSAM 201.2Tsamba yaPauro kuvaTesaronika inoratidza kuti zuva raShe—zuva rokupedzisira rokuitwa kwomutongo—richauya kuvoruzhinji “sombavha usiku;” asi kuti harizobati vana vaShe vakatendeka saizvozvo nokuti ivo “vana vechiedza, navana vemasikati.” Pakurayira kwake vanhu ivavo vakarinda anoti, “Musadzima Mweya. Musazvidza zviporofita. Edzai zvose; batisisai zvakanaka.”8
GSAM 201.3Pamusoro peshoko rechiGiriki rokuti propheteias, rakashandurwa pano kuti zviporofita, Greenfield, muDuramazwi rake rechiGiriki, anoti, “Kushandiswa kwechipo chechiporofita, mupfungwa iyi, 1 VaTesaronika 5:20.” Maduramazwi aParkhurst, Robinson, naLiddell naScott anobvumiranawo naizvozvi. Naizvozvo uhu uchapupu hwakajeka hwokuti chipo chechokwadi chechiporofita chichava nechechi yakamirira kuuya kwechipiri kwaKristu. Vanorayirwa kuti varege kuzvidza chipo, asi kuti vachiedze; kana vawana kuratidzwa kwacho kwakanaka, “vachibatisise.”9
GSAM 201Kuzadziswa kweChipikirwa
GSAM 201.4Takambotaura kuti Ishe akatanga sei kuratidza chipo chechiporofita panguva yokuparidzwa kweshoko romutumwa wokutanga neshoko romutumwa wechipiri. Chipo ichi chave chichiwedzera kuratidzwa kubva pakupera kwamazuva 2300. Ishe akazvisarudzira mudziyo wake nokuda kweizvi, achisarudza somumiririri wake mumwe akanga asina kungosiya zvose nokuda kwake chete, asiwo akanga ava pakati poupenyu norufu, “asina simba kupfuura vose vasina simba.”10 Pasati papera mwedzi miviri kubva pakupfuura kwenguva yakanga yakatarwa, Muzvare Ellen G. Harmon, wokuPortland, Maine, aingova namakore anenge gumi namanomwe panguva iyoyo, akatanga kugamuchira zvakazarurwa kubva kunaShe.
GSAM 202.1Sezvo ndakava nomukana wokukurukura navaya vaigara kuPortland panguva yechiratidzo chokutanga, uye ndaizivawo Mai Haines, avo mumba mavo ndimo makapiwa Muzvare Harmon chiratidzo chavo chokutanga, ndicharondedzera zvakaitika sezvandakazviudzwa navanhu ivavo.
GSAM 202.2Muzvare Harmon vakanga vachirwara zvikuru panguva iyoyo. Kwemavhiki anoverengeka vakanga vasingatombokwanisi kutaura nenzwi raipfuura zevezeve. Mumwe chiremba akanga ati chirwere chavo chaiva chokuwonda chemumapapu chaienda nokuungana kwemvura mumuviri. Akati bapu ravo rokurudyi rakanga raora, uye rokuruboshwe rakanga richirwarawo zvikuru, nomwoyo wavo wakanga wakanganiswa. Akati aifunga kuti kunyange vakararama kwenguva yakareba sei, yaizongova pfupi kwazvo, uye vaigona kufa chero nguva. Vaifema zvakaoma kwazvo kana vakarara vakati sandara. Usiku vaingowana zororo kana vatsigirwa nezvitsamiro pamubhedha, vachiita sokunge vagere. Kukosora kwaiwanzovabata nokubuda ropa mumapapu zvakanga zvavapedza simba romuviri zvikuru.
GSAM 202Chiratidzo Chokutanga chaMuzvare Harmon
GSAM 202.3Panguva yavakapiwa chiratidzo chavo chokutanga, vakanga vachigara mumusha maMai Haines. Kwakanga kuri mangwanani, uye vakanga vachinamata semhuri. Paiva navanhu vashanu, vose dziri hanzvadzi mukutenda. Vamwe vakanga vanyengetera, uye Muzvare Harmon vakanga vachinyengetera nezwi rezevezeve, apo simba raMwari rakaburuka nenzira inoshamisa zvikuru, richibata pachena vose vaivapo. Pakarepo havana kuzoziva zvose zvaiitika zvakavapoteredza—vakanga vava muchiratidzo.
GSAM 202.4Pamusangano wakatevera vakarondedzera kuvatendi vomuPortland zvavakanga varatidzwa. Vatendi ivavo vakava nechivimbo chakazara chokuti zvakanga zvabva kunaShe. Paiva navanhu vanenge makumi matanhatu panguva iyoyo muPortland vakazvigamuchira sebasa raShe. Paiva nesimba raiperekedza chiratidzo chacho nokurondedzerwa kwacho, raigona kungobva kunaMwari chete. Mwoyo wavo waigara wakazadzwa nokukosha kwezvinhu zvokusingaperi, uye vaiita sevakazara nokutya kwokuremekedza kusingatauriki nokuti mumwe muduku uye asina simba saivo angasarudzwa somudziyo uyo Ishe aizopa nawo chiedza kuvanhu vake. Vakataura kuti, pavaiva muchiratidzo, vaiita sevakakomberedzwa navatumwa vaipenya vari muzvivanze zvokudenga zvine kubwinya, umo mune mufaro norugare chete, uye kuti kudzoka kuzvinhu zvisingagutse zvoupenyu hunofa huno kwaiva kuchinja kunosuwisa.
GSAM 203Pfupiso yeChiratidzo Chokutanga
GSAM 203.1Pfupiso pfupi inotevera yechiratidzo chavo chokutanga, sezvavakairondedzera kuvatendi vomuPortland, icharatidza chimwe chinhu pamusoro pezvakaita zviratidzo zvavo zvose:—
GSAM 203.2“Pandaiva ndichinyengetera, simba raMwari rakauya pamusoro pangu sezvandakanga ndisina kumborinzwawo kare. Ndakanga ndakakomberedzwa nechiedza, uye ndaikwira ndichienda kumusoro-soro kubva panyika. Ndakatendeuka kuti nditsvake maAdventist munyika, asi handina kuvawana, ipapo inzwi rikati kwandiri, ‘Tarirazve, uye tarira kumusoro zvishoma.’ Ipapo ndakasimudza meso angu, ndikaona nzira yakatwasuka uye nhete, yakanga yakakwidziridzwa pamusoro-soro penyika. Munzira iyi maAdventist vaifamba vachienda kuguta, rakanga riri kumugumo uri mberi wenzira. Vakanga vaine chiedza chaipenya chakaiswa shure kwavo pakutanga kwenzira, icho mutumwa akandiudza kuti chaiva ‘kudanidzira kwepakati pousiku.’ Ichi chaipenya munzira yose, chichipa tsoka dzavo chiedza, kuti varege kugumburwa. Uye kana vakaramba vakatarira kunaJesu, aiva mberi kwavo achivatungamirira kuguta, vakanga vakachengeteka. Asi pasina nguva vamwe vakaneta; vakati guta rakanga riri kure kwazvo, uye vakanga vachitarisira kuti vangadai vatopinda mariri kare. Ipapo Jesu aivakurudzira nokusimudza ruoko rwake rworudyi rune kubwinya, uye muruoko rwake maibuda chiedza chaipenya, chaipararira pamusoro pemaAdventist, ivo vachidanidzira vachiti, Hareruya! Vamwe vakaramba nechimbichimbi chiedza chaiva shure kwavo, vachiti akanga asiri Mwari akanga avatungamirira kusvika ipapo. Chiedza chaiva shure kwaivava chakadzima, chikasiya tsoka dzavo murima guru, ivo vakagumburwa, vakabvisa meso avo pachinangwa, vakarega kuona Jesu, ndokuwa vachibva munzira vachidzika munyika yaiva pasi, ine rima nouipi. Pasina nguva takanzwa inzwi raMwari semvura zhinji, iro rakatizivisa zuva neawa yokuuya kwaJesu. Vatsvene vapenyu vakaziva uye vakanzwisisa inzwi, asi vakaipa vakafunga kuti kwaiva kutinhira nokudengenyeka kwenyika. Mwari paakataura nguva yacho, akadurura Mweya Mutsvene pamusoro pedu, zviso zvedu zvikatanga kupenya nokuvheneka nokubwinya kwaMwari, sezvakaita chaMozisi paakaburuka paGomo reSinai.”11
GSAM 204Kurondedzerwa kweMamiriro aMai White Pavaiva muChiratidzo
GSAM 204.1Tisati taenderera mberi nenhoroondo inobaya mwoyo yokuratidzwa kunoshamisa uku kwoMweya waMwari, ndichataura zvimwe zvinhu pamusoro pezviratidzo izvi. Nguva yokutanga yandakaona Mai E. G. White, vaimbonzi Muzvare Harmon, yaiva munaGumiguru, 1852. Pazuva iroro ndakavaona vari muchiratidzo chakatora nguva inopfuura awa imwe. Kubva panguva iyoyo ndakava nomukana wakanaka wokuvaona vari muchiratidzo kanenge makumi mashanu. Ndaivapo apo vanachiremba vakavaongorora vari mumamiriro aya, uye ndinofara kupa uchapupu hwezvandakaona uye zvandinoziva. Ndinovimba kuti kurondedzerwa kwezvakaitika panyaya iyi hakuzoraswi zvisina hanya nokuda kwefungidziro dzisina hwaro dzevaya vasina kumbovaona vari mumamiriro aya.
GSAM 204.2Pavanotanga kupinda muchiratidzo vanodanidzira katatu vachiti “Kubwinya!” nenzwi rinozadza mwoyo nomufaro, rinonzwika richimaungira richidzokororwa; kudanidzira kwechipiri, kunyanya kwechitatu, kunenge kuri kuderera, asi kuchibaya mwoyo kupfuura kwokutanga. Inzwi racho rinoita seremunhu ari kure nemi, ava kutobva pakunzwika. Kwemasekonzi anenge mana kana mashanu vanoita sevanowira pasi somunhu afenda, kana apera simba; ipapo vanoita sevazadzwa pakarepo nesimba rinopfuura romunhu, dzimwe nguva vachisimuka pakarepo netsoka dzavo vachifamba-famba mumba. Vanowanzofambisa maoko avo, vachinongedzera kurudyi kana kuruboshwe musoro wavo uchitendeuka. Kufamba kwose uku kunoitwa nenzira ine unaku zvikuru. Pasinei nokuti chanza kana ruoko rwavo rwakamira sei, hakuna munhu anogona kurufambisa. Meso avo anogara akasvinura, asi havabwairi; musoro wavo wakasimudzwa, uye vanotarira kumusoro. Havangotariri vasina chavanoona, asi chiso chavo chinenge chichiratidza kufara; chinongosiyana nezvavanogara vakaita pakuti vanoita sevanotarisisa chimwe chinhu chiri kure. Havafemi, asi tsinga yavo inorova nenguva yakarongeka. Chiso chavo chinoratidza kufara, uye chinoramba chine ruvara rwakanaka rweropa sezvachinoita pavanenge vakangogara zvavo.
GSAM 205Kuenzaniswa Nezvakaitika Kuna Dhanieri
GSAM 205.1Mamiriro ake panyaya yokufema, kupera simba, nokusimbiswa apo mutumwa waMwari anomubata, zvose zvinonyatsoenderana nokurondedzera kwakaita muporofita Dhanieri zvaakasangana nazvo pachiratidzo, paanoti: “Naizvozvo ndakasiyiwa ndoga, ndikaona chiratidzo ichi chikuru, simba rikasasara mandiri; nokuti kunaka kwangu kwakashanduka kukava kuora, ndikasava nesimba rakasara.” “Nokuti muranda washe wangu uyu angagona sei kutaura nashe wangu uyu? Nokuti kana ndirini, pakarepo simba harina kusara mandiri, uye mweya wokufema hauna kusara mandiri. Ipapo mumwe akafanana nomunhu akauyazve, akandibata, akandisimbisa, akati: Haiwa, iwe munhu unodikanwa zvikuru, usatya; rugare ngaruve newe; iva nesimba, zvirokwazvo, iva nesimba. Zvino wakati ataura neni, ndakasimbiswa, ndikati: Ishe wangu ngaataure, nokuti mandisimbisa.”12
GSAM 205UCHAPUPU HWEVAKAZVIONERA
GSAM 205M. G. Kellogg, M.D
GSAM 205.2Pamusoro pemamiriro aMai White vari muchiratidzo, zvingava zvakanaka kupa mashoko mashomanana evakazvionera. Okutanga anobva kuna M. G. Kellogg, M.D., uyo anotaura nezvechiratidzo chokutanga chakapiwa muMichigan, musi wa29 Chivabvu, 1853, pamusangano wakaitirwa kuTyrone, muruwa rweLivingston. Anoti:—
GSAM 206.1“Hanzvadzi White vakanga vari muchiratidzo kweanenge maminitsi makumi maviri kana hafu yeawa. Pavakatanga kuva muchiratidzo, munhu wose aivapo airatidza kunzwa simba nokuvapo kwaMwari, uye vamwe vedu takanzwa zvirokwazvo Mweya waMwari uchigara pamusoro pedu nesimba guru. Takanga tichinyengetera uye tichiita musangano wokugoverana zvokutenda, mangwanani eSabata nenguva dzinenge pfumbamwe. Hama White, baba vangu, naHanzvadzi White vakanga vanyengetera, uye panguva iyoyo ndini ndainyengetera. Pakanga pasina manyemwe kana kuratidza kufara kukuru. Asi takakumbira Mwari nomwoyo wose kuti aropafadze musangano nokuvapo kwake, uye kuti aropafadze basa muMichigan. Hanzvadzi White pavakadanidzira nomufaro wokukunda vachiti, ‘Mbiri! m-b-i-r-i-! m-b-i-r-i-!’ sezvamakagara muchivanzwa vachidaro pavanotanga kuva muchiratidzo, Hama White vakasimuka vakaudza vanhu kuti mudzimai wavo akanga ari muchiratidzo. Vatsanangura maitirwo ezviratidzo zvavo, uye kuti vakanga vasingafemi vari muchiratidzo, vakakoka ani naani aida kuuya mberi kuzovaongorora. Chiremba Drummond, uyo aivawo muparidzi muAdventist aichengeta zuva rokutanga revhiki, akauya mberi. Asati avamboona Hanzvadzi White vari muchiratidzo, akanga ataura kuti zviratidzo zvavo zvaibva pakukwezva nokutonga pfungwa, uye kuti iye aigona kuvaita kuti vaone chiratidzo. Pashure pokunyatsovaongorora, chiso chake chakacheneruka zvikuru, akati, ‘Havafemi!’
GSAM 206.2“Ndine chokwadi chose kuti havana kufema panguva iyoyo vari muchiratidzo, kana pane zvimwe zviratidzo zvakawanda zvavakava nazvo ini ndiripo. Kubuda kwavo muchiratidzo kwaioneka pachena sokutanga kwavo kuva machiri. Chiratidzo chokutanga chakatizivisa kuti chiratidzo chakanga chapera kwaiva kutangazve kwavo kufema. Vakakweva mweya wokutanga wakadzika, wakareba, uye wakazara, nenzira yairatidza kuti mapapu avo akanga asina kana mweya zvachose. Vakati vakweva mweya wokutanga, maminitsi akati wandei akapfuura vasati vakweva wechipiri, uyo wakazadza mapapu sezvakanga zvaita wokutanga; ipapo vakambomira kwemaminitsi maviri, ndokukweva mweya wechitatu, pashure pazvo kufema kukava kwenguva dzose.” Zvakasainwa kuti, “M. G. Kellogg, M.D., Battle Creek, Michigan, 28 Zvita, 1890.”
GSAM 207F. C. Castle
GSAM 207.1Tinopa mashoko anotevera omumwe munhu akaona Mai White vachiongororwa nachiremba vari muchiratidzo kuStowe, Vermont, muzhizha ra1853. Anoti:—
GSAM 207.2“Paiva nachiremba, uye akavaongorora sezvaakaudzwa nouchenjeri nezvidzidzo zvake, kuti awane chikonzero chezvaiitika. Kenduru rakabatidzwa rakabatwa pedyo nemaziso avo, ayo akanga akanyatsosvinura; hapana tsandanyama yeziso yakapfakanyika. Ipapo akaongorora kurova kwetsinga dzavo, uyewo kufema kwavo, asi pakanga pasina kufema. Pakupedzisira akagutsikana kuti zvakanga zvisingagoni kutsanangurwa nemitemo yezvinhu zvakasikwa kana yesayenzi.” Zvakasainwa kuti, “F. C. Castle.”
GSAM 207D. H. Lamson
GSAM 207.3Uchapupu hunotevera hune chokuita nokuongororwa kwakaitwa Mai White vari muchiratidzo, pamusangano wakaitirwa mumba maMukuru James White, mumugwagwa waMonroe, Rochester, New York, musi wa26 Chikumi, 1854:—
GSAM 207.4“Panguva iyoyo ndaiva namakore gumi namanomwe. Zvinoita sokunge ndichiri kunzwa kudanidzira kuya kunobaya mwoyo kwavakaita vachiti, ‘M-b-i-r-i!’ Ipapo vakadzika zvinyoronyoro vachidzokera pasi, vasina kudonha, asi vachidzika zvinyoronyoro, vakatsigirwa mumaoko omunhu aivabatsira. Vanachiremba vaviri vakapinda, mumwe akwegura nomumwe wechiduku. Hama White vaida zvikuru kuti vanyatsoongorora Hanzvadzi White, uye vakaita saizvozvo. Chionioni chakaunzwa, uye mumwe wavo akachibata pamberi pomuromo wavo vachitaura; asi pasina nguva vakarega kuita izvi, vakati, ‘Havafemi.’ Ipapo vakanyatsoongorora mativi omuviri wavo vachitaura, kuti vawane chimwe chiratidzo chokufema kwakadzika, asi havana kuchiwana. Pavakapedza chikamu ichi chokuongorora, Hanzvadzi White vakasimuka vakamira, vachiri muchiratidzo, vakasimudza Bhaibheri mudenga, vachivhura pano nepapo, vachitaura ndima dzacho zvakarurama, kunyange zvazvo maziso avo akanga akatarisa mudenga, asina kutarisa mubhuku.
GSAM 208.1“Vakaoneswa matambudziko manomwe okupedzisira. Ipapo vakaona kukunda kwavatsvene, uye zvinoita sokunge ndichiri kunzwa kunyange nazvino kudanidzira kwavo kwokukunda. Ndinopupurira zvinhu izvi nomwoyo wakasununguka.” Zvakasainwa kuti, “Mukuru D. H. Lamson, Hillsdale, Michigan, 8 Kukadzi, 1893.”
GSAM 208Mai Drusilla Lamson
GSAM 208.2Humwe uchapupu pamusoro pokuongororwa kumwe cheteko nachiremba hunopiwa naMai Drusilla Lamson, chirikadzi yehama yaMukuru Lamson, uye mutariri wechipatara chokudzorerwa utano cheClifton Springs, New York. Vachitaura nezvemusangano wa26 Chikumi, 1854, vanoti:—
GSAM 208.3“Ndinoyeuka musangano pakaitwa muedzo wacho, wokuedza zvakanga zvagara zvichitaurwa naHama White, kuti Hanzvadzi White vaisafema vari muchiratidzo, asi handigoni kuyeuka zita rachiremba aivapo.... Anofanira kunge aiva Chiremba Fleming, nokuti ndiye chiremba aimbodanwa dzimwe nguva kuzopa mazano. Zvisinei, iye zvino akafa. Chandinogona kutaura ndeichi, kuti muedzo wakaitwa, uye hapana chiratidzo chokufema chakaonekwa pachionioni.” Zvakasainwa kuti, “Drusilla Lamson, Clifton Springs, New York, 9 Kurume, 1893.”
GSAM 208.4Hehuno humwezve uchapupu hwomumwe aivapo panguva yataurwa pamusoro:—
GSAM 208David Seeley
GSAM 208.5“Izvi ndezvokusimbisa kuti ndakaverenga uchapupu huri pamusoro hwaDavid Lamson naMai Drusilla Lamson, pamusoro pemashoko akataurwa nachiremba achiongorora Mai E. G. White vari muchiratidzo, musi wa26 Chikumi, 1854. Ndaivapo pamusangano iwoyo, ndikaona kuongororwa kwacho. Ndinobvumirana nezvinotaurwa naHama naHanzvadzi Lamson, uye ndingawedzera kuti Chiremba Fleming nomumwe chiremba wechiduku ndivo vakaita kuongorora kwacho. Mai White pavakasimuka vakamira, sezvavataura, vachitaura ndima dzeMagwaro, Chiremba Fleming akakumbira kenduru rakabatidzwa. Akabata kenduru iri pedyo sezvaaigona nemiromo yavo asingavapisi, panzvimbo yaigona kusvikwa nomweya wavo kana vaifema. Murazvo hauna kana kumbobvunda zvishomanana. Ipapo chiremba akataura nesimba achiti, ‘Izvozvo zvinopedza mubvunzo uyu nokusingaperi, hapana mweya wokufema mumuviri wavo.’” Zvakasainwa kuti, “David Seeley, Fayette, Iowa, 20 Nyamavhuvhu, 1897.”
GSAM 209VaA. F. Fowler naMai A. F. Fowler
GSAM 209.1Mashoko anotevera ane chokuita nokuongororwa kwakaitwa Mai White vari muchiratidzo muhoro yaWaldron, kuHillsdale, Michigan, mumwedzi waKukadzi, 1857. Chiremba Lord, chiremba wokuHillsdale akanga ashanda kwamakore makumi mashanu, akanyatsovaongorora, uye pamusoro pazvo ndinopa uchapupu hunotevera:—
GSAM 209.2“Taivapo apo Hanzvadzi E. G. White vakava nechiratidzo muhoro yaWaldron, kuHillsdale, muna Kukadzi, 1857. Chiremba Lord akavaongorora, akati, ‘Mwoyo wavo unorova, asi hapana kufema. Upenyu huripo, asi mapapu haashandi; handigoni kutsanangura mamiriro aya.’” Zvakasainwa kuti, “A. F. Fowler, Mai A. F. Fowler, Hillsdale, Michigan, 1 Ndira, 1891.”
GSAM 209C. S. Glover
GSAM 209.3Pano panopiwa mamwe mashoko pamusoro pechiratidzo chimwe chetecho:—
GSAM 209.4“Ndaivapo apo Hanzvadzi White vakava nechiratidzo chataurwa pamusoro muhoro yaWaldron, kuHillsdale. Mukuwedzera kumashoko ari pamusoro, ndakanzwa chiremba achiti mamiriro aHanzvadzi White vari muchiratidzo akanga ‘achipfuura zivo yake.’ Akatiwo, ‘Pane chinhu chinopfuura simba rezvakasikwa pano.’” Zvakasainwa kuti, “C. S. Glover, Battle Creek, Michigan, 19 Ndira, 1891.”
GSAM 209VaCarpenter naMai Carpenter
GSAM 209.5Heano mashoko echitatu pamusoro pechiitiko chimwe chetecho:—
GSAM 209.6“Izvi ndezvokusimbisa kuti taivapo muhoro yaWaldron, kuHillsdale, Michigan, muna Kukadzi, 1857, apo Mai E. G. White vakava nechiratidzo, uye vachiri mumamiriro iwayo vakaongororwa naChiremba Lord, uye takanzwa mashoko ake aakataura pachena pamusoro pechiitiko ichi, sezvataurwa pamusoro naHama naHanzvadzi Fowler.” Zvakasainwa kuti, “W. R. Carpenter, Eliza Carpenter, Noblesville, Indiana, 30 Nyamavhuvhu, 1891.”
GSAM 210D. T. Bourdeau
GSAM 210.1Zvino cherechedzai muedzo wakaitwa Mai White vari muchiratidzo kuBuck’s Bridge, muruwa rweSt. Lawrence, New York:—
GSAM 210.2“Musi wa28 Chikumi, 1857, ndakaona Hanzvadzi Ellen G. White vari muchiratidzo kokutanga. Ndakanga ndisingatendi zviratidzo; asi chimwe chiitiko, pakati pezvimwe zvandingataura, chakandigutsa kuti zviratidzo zvavo zvaibva kuna Mwari. Kuti ndigutsikane mupfungwa dzangu kana vaifema kana kuti kwete, ndakatanga kuisa ruoko rwangu pachipfuva chavo kwenguva yakakwana kuti ndizive kuti kufamba kwemapapu kwakanga kusipo, sezvazvaizova dai vakanga vari chitunha. Ipapo ndakaisa ruoko rwangu pamuromo wavo, ndikadzvanya mhino dzavo nomunwe mukuru nomunwe wokutanga, zvokuti vakanga vasingagoni kubudisa kana kupinza mweya, kunyange kudai vaida kuita saizvozvo. Ndakavaramba ndakavabata saizvozvo noruoko rwangu kweanenge maminitsi gumi, nguva yakareba zvokuti mumamiriro enguva dzose vangadai vakadzipwa nokushaya mweya; havana kana kumbokanganiswa nomuedzo uyu. Kubvira pandakaona chiitiko ichi chinoshamisa, handina kana kamwe kava nomwoyo wokupokana kuti zviratidzo zvavo zvinobva kuna Mwari.” Zvakasainwa kuti, “D. T. Bourdeau, Battle Creek, Michigan, 4 Kukadzi, 1891.”
GSAM 210Chiremba Aiva Svikiro Achiedza Chiratidzo
GSAM 210.3Ndichataura nezvokumwezve kuongorora kwakaitwa nachiremba kwandakaona kuParkville, muruwa rweSt. Joseph, Michigan, musi wa12 Ndira, 1861.
GSAM 210.4Pakupera kwemashoko okurayira akapiwa naMai White kuungano huru yakanga yaungana muimba yokusanganira yemaAdventist, chikomborero chaMwari chakauya pamusoro pavo nesimba rinoshamisa, vakatorwa muchiratidzo vakagara pachigaro chavo. Paiva nomumwe Chiremba Brown, murume aiva noutano uye akasimba mumuviri, aiva svikiro. Akanga ataura kuti zviratidzo zvavo zvakanga zvakafanana nokusvikirwa nemweya, uye kuti kana vakava nechiratidzo iye aripo, aigona kuvabudisa machiri muminiti imwe. Pakapiwa kokero kuna vose vaida kuuya mberi, kuti nokuvaongorora vazvigutse pamusoro pemamiriro avo vari muchiratidzo. Chiremba akauya mberi, asi asati atombosvika pahafu yokuongorora kwake, chiso chake chakacheneruka sechomufi, akadedera seshizha romuti weaspen. Mukuru White vakati, ‘Chiremba angatiudza here mamiriro avo?’ Akapindura achiti, ‘Havafemi,’ ndokukurumidza kunanga kumusuo. Vaiva pamusuo vaiziva kuzvikudza kwake vakati, ‘Dzokerai, muite sezvamakati muchaita; budisai mukadzi uyo muchiratidzo.’ Achinetseka zvikuru akabata mubato womusuo, asi haana kubvumirwa kuuvhura kusvikira vaiva pedyo nomusuo vabvunza kuti, ‘Chiremba, chii ichi?’ Akapindura achiti, ‘Mwari oga ndiye anoziva; ndibvumirei kubuda mumba muno;’ ndokubva abuda.
GSAM 211.1Zvaiva pachena kuti mweya waimufurira sesvikiro wakanga usina rugare pamberi pesimba raitonga Mai White vari muchiratidzo, sezvakanga zvakaitawo vaiva namadhimoni mumazuva oMuponesi, vakabvunza vachiti, “Mauya pano kuzotitambudza nguva isati yasvika here?”13
GSAM 211.2Muchiitiko ichi munoonekwa kufanana nezvakanyorwa pamusoro pezvakaitika kuna muporofita Dhanieri. Paakatanga kuva muchiratidzo noMweya waIshe, vaKardhea vaivapo—vahedheni vakanga vasingazivi Mweya iwoyo—vakatya zvikuru, uye “vakatiza kundovanda.”14
GSAM 211Muzvare Harmon Vanorayirwa Kurondedzera Zviratidzo Zvavo
GSAM 211.3Inenge vhiki imwe pashure pechiratidzo chavo chokutanga, pamusangano wakaitirwa mumba mababa vavo, Muzvare Harmon vakava nechiratidzo chechipiri, mavakarayirwa kuzivisa vamwe zvakanga zvaziviswa kwavari. Vakanetseka zvikuru kuti vaizogona sei kuita zvavakarayirwa naIshe. Utano hwavo hwakanga hwakaipa kwazvo zvokuti vakanga vachitambura mumuviri, uye pazvaiita sokuonekwa, vakanga vasara nenguva pfupi chete yokurarama. Vaingova namakore gumi namanomwe, vari vaduku mumuviri uye vasina simba, vasina kujaira kushamwaridzana navanhu, uye nomuzvarirwo vaitya uye vaizvinyararira zvokuti kusangana navanhu vavasingazivi kwaivarwadza. Vakanyengetera nomwoyo wose kwamazuva akati wandei, uye kusvikira usiku hwava kure, kuti mutoro uyu ubviswe kwavari, uiswe pane mumwe aigona kuutakura zviri nani. Asi chiedza chokuratidza basa ravo hachina kumboshanduka, uye mashoko omutumwa akaramba achinzwika achiti, ‘Zivisa vamwe zvandakakuzivisa.’
GSAM 212.1Vachiri mumamiriro aya okupishana pfungwa, Muzvare Harmon vakapinda mumwe musangano wakaitirwa mumba mababa vavo. Pamusangano uyu vose vaivapo vakabatana mukuvanyengeterera nomwoyo wose, uye vakazvitsaurirazve kuna Ishe, vakanzwa vachida kushandiswa kuti iye akudzwe. Vachinyengetera, rima guru rakanga rakavapoteredza rakanyangarika; uye sezvavakazotaura pashure, chiedza chinopenya, chakafanana nebhora romoto, chakauya kwavari, uye pachakawira pamusoro pavo, simba ravo rakabviswa, vakaita sokunge vari pamberi paJesu navatumwa. Zvakadzokororwazve kuti, ‘Zivisa vamwe zvandakakuzivisa.’ Vakataura kuti vakakumbira nomwoyo wose kuti kana vachifanira kuenda kundorondedzera zvavakanga varatidzwa naIshe, vachengetedzwe kuti varege kuzvikudza. Ipapo mutumwa akavaudza kuti munyengetero wavo wakanga wapindurwa, uye kuti kana vaizova mungozi yokuzvikudza vaizotambudzwa nourwere. Mutumwa akati kwavari, ‘Kana ukasvitsa shoko nokutendeka, ukatsungirira kusvikira pakuguma, uchadya muchero womuti woupenyu, nokunwa parwizi rwemvura youpenyu.’
GSAM 212Kushanya kwaMuzvare Harmon kuPoland, Maine
GSAM 212.2Muzvare Harmon vakanga varatidzwa kuti vaifanira kuenda kuPoland, Maine, kundorondedzera chiratidzo chavo. Zuva rakatevera chiratidzo ichi chechitatu, pasina aizvitarisira, murume wehanzvadzi yavo akasvika nengoro pamusuo wemba yababa vavo, akati aida kuenda navo kuPoland. Vari ikoko vakaita musangano mavakarondedzera chiratidzo. Hazen Foss,15 uyo akanga apererwa netariro, haana kugona kunyengetedzwa kuti apinde pamusangano wokunamata, asi ari panze nenzeve yake pedyo nomusuo, akavanzwa vachirondedzera chiratidzo chavo, akati, ‘Chiratidzo chavakarondedzera chakafanana nezvandakaratidzwa sezvingaita kurondedzera kwavanhu vaviri chinhu chimwe chete.’ Mangwanani akatevera akasangana naMuzvare Harmon asingazvitarisiri, akavaudza kuti ‘vave vakatendeka pakutakura mutoro, napakurondedzera uchapupu hwavaizopiwa naIshe, uye vaisazosiyiwa naMwari.’ Kuvamwe akati, ‘Ndiye mudziyo wakaiswa mutoro uyu pamusoro pawo naIshe.’ Zvirokwazvo aifanira kuziva, nokuti akanga aona munhu iyeye muchiratidzo chaakaudzwa kuti mutoro wakanga ‘wabviswa’ paari.
GSAM 213.1Basa raMuzvare Harmon kubvira panguva iyoyo raiva rokufamba kubva pane imwe nzvimbo kuenda kune imwe mumatunhu eNew England, vachirondedzera zvavakanga varatidzwa. Pane dzimwe nguva vaiudzwa muchiratidzo kwokuenda, uye vaiudzwawo matambudziko avaizosangana nawo. Mashoko avo ainyanya kutsiura vaya vaitsvedzerera kupinda mudzidziso yokuuya kwaKristu kwomweya, uye kukurudzira vose kuti vabatisise zvavakanga vasangana nazvo munguva yakapfuura.
GSAM 213.2Vanoti pamusoro pezvavakasangana nazvo: “Vamwe vakarega kushanda zvachose, vakabvisa paukama hwekutenda vose vaisagamuchira maonero avo panyaya iyi.... Mwari akandizivisa zvikanganiso izvi muchiratidzo, akandituma kuvana vake vakanga vachitsauka kuti ndivazivise; asi vazhinji vavo vakaramba shoko zvachose, vakandipomera kuti ndakanga ndichizvienzanisa nenyika. Ukuwo, maAdventist ezita chete akandipomera kuti ndaiva nokushingaira kwokunyanyisa, uye ndakataurwa zvenhema, uye navamwe nenzira yakaipa, kuti ndakanga ndiri mutungamiriri wokunyanyisa kwandaitoshandira kubvisa.”16 Tichadzidza zvakawanda pamusoro paizvozvi muchitsauko chinotevera.
Notes
- Dheuteronomio 4:34, 35. ↩
- Mapisarema 106:21, 22. ↩
- VaEfeso 4:8-15. ↩
- Mako 16:17, 18. ↩
- 1 VaKorinde 1:4-8. ↩
- Zvakazarurwa 12:17. ↩
- Zvakazarurwa 19:10. ↩
- 1 VaTesaronika 5:5, 19-21. ↩
- Kana muchida kuongorora zvizere uchapupu hweBhaibheri hwokuramba kuripo kwezvipo zvoMweya, onai Chipo Chechiporofita muChechi yeVhangeri, kabhuku kane mapeji 120, kanowanikwa pane ipi neipi yedzimba dzedu dzokudhinda. ↩
- Sezvakaratidzwa Hazen Foss. Onai Chitsauko 11. ↩
- Zvinyorwa Zvokutanga, mapeji 14, 15. ↩
- Dhanieri 10:8, 17-19. ↩
- Mateo 8:29. ↩
- Dhanieri 10:7. ↩
- Ona Chitsauko 11. ↩
- Zvinyorwa Zvokutanga, peji 22. ↩