Adventist Pioneer
Library
aplib.orgLibrary
Table of Contents
31 / 31
31 / 31

Chitsauko 28 — Mukova Usingagoni Kuvharwa Nomunhu

John Norton Loughborough

GSAM 462.1“Ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka, uye hakuna munhu angagona kuuvhara; nokuti une simba duku, wakachengeta shoko rangu, uye hauna kuramba zita rangu.”1

GSAM 462.2Aya ndiwo mashoko anotaurwa kuna avo vari muchimiro cheFiradherfia chechechi yevhangeri. Chechi iyi ndiyo yakanga yamuka nokuparidzwa kwokuti kuuya kwaKristu kwava pedyo, kana kuti avo vakanga vakabatirira pane zvavakanga vanzwa pamusoro penyaya iyoyo; nokuti anoti nezvechechi yeSadhisi (iyo inotangira Firadherfia pakarepo), “Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nokunzwa sei, ubatisise, utendeuke. Naizvozvo kana ukasarinda, ndichauya kwauri sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya kwauri nayo.”2

GSAM 462.3Saka chechi yeSadhisi yakanzwa dzidziso yokuuya kwaIshe nokukurumidza. Avo vakabatirira pane zvavakanga vanzwa vakapfuurira muchokwadi apo “chigadziko chemwenje” chakabviswa, vakava chechi yeFiradherfia, yaakati kwairi, “Nokuti wakachengeta shoko rokutsungirira kwangu, neniwo ndichakuchengetedza panguva yokuedzwa ichauya panyika yose, kuedza vanogara panyika. Tarira, ndinouya nokukurumidza: batisisa chauinacho, kuti kurege kuva nomunhu anokutorera korona yako.”3 Saka kuchechi iyi yeFiradherfia ndiko kwaanoti, “Ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka, uye hakuna munhu angagona kuuvhara.”

GSAM 462.4Saka heino ziviso yakasimba yoRugwaro Rutsvene yokuti avo vanotumwa nokutungamirira kwaMwari kuti vayambire nyika nezvokuuya kwaIshe, uye vakumbire vanhu kuti vagadzirire kusangana naMwari, vanoitirwa nyasha dzakakosha naMwari mubasa ravo. Vanhu vangaedza kuvadzivisa, kukonesa kufamba kwavo, nokuvhara “mukova wokutaura,” asi kunyange zvakadaro inzwi raMwari rinonzwika pamusoro pemheremhere yose richiti, “Ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka.”

GSAM 463Kufambira Mberi Kwamakore Makumi Manomwe Namana

GSAM 463.1Mumapeji apfuura ebhuku iri tapfuura muchidimbu nomunguva yamakore makumi manomwe namana, kubva muna 1831 kusvika muna 1905, tichitevera kumuka nokufambira mberi kwamashoko okuuya, kunyanya shoko romutumwa wechitatu. Taratidza kuti, kubva pakusazivikanwa nourombo, shoko iri rakafambira mberi nesimba noukuru hwaiwedzera gore negore, kusvikira rava nemisheni yakapoteredza nyika. Zvirokwazvo harina kubudirira saizvozvo nokuti ishoko rinofadza mwoyo yenyama; nokuti rinotungamidza Sabata raIshe, iro kuchengetwa kwaro kunounza muchinjikwa unorema, kuchida kuti munhu asiyane nebasa renyika pazuva revhiki rine mabasa akawanda kupfuura mamwe ose. Harinawo kufambira mberi nokuda kwokusashorwa; nokuti rakasangana nokushorwa kubva pakutanga, uye nokushorwa kunotyisa zvikuru kunobva kune vari kunze, pamwe chete namatambudziko akaunzwa navanhu vasina kuzvitsaurira kuna Mwari avo vakambopinda pakati pedu. Pamusoro pemamiriro ezvinhu akaunzwa namano nokuedza kwavavengi vokunze, tingataura zvakanaka namashoko aDhavhidhi munyori wamapisarema tichiti, “Dai Jehovha akanga asiri kurutivi rwedu, zvino Israeri ngaati: dai Jehovha akanga asiri kurutivi rwedu, vanhu pavakatimukira, vangadai vakatimedza tiri vapenyu, kutsamwa kwavo pakwakatipfuta; ipapo mvura ingadai yakatifukidza, rukova rungadai rwakapfuura pamusoro pemweya wedu; ipapo mvura yaiva namanyawi ingadai yakapfuura pamusoro pemweya wedu. Jehovha ngaarumbidzwe, iye asina kutiisa pakati pameno avo kuti tive nyama yavo. Mweya wedu wapukunyuka seshiri pamusungo wavateyi veshiri: musungo wadambuka, uye tapukunyuka. Rubatsiro rwedu ruri muzita raJehovha, akaita denga nenyika.”4

GSAM 464Rubatsiro Muna Ishe

GSAM 464.1Ishe anozivisa kuti akaisa pamberi pavanhu vake “mukova wakazaruka, uye hakuna munhu angagona kuuvhara.” Saka hazvishamisi kuti shoko rakaramba richifambira mberi. Ishoko raMwari kuvanhu, uye rinofanira kubudirira. Muna Zvakazarurwa 7:2 basa rokugadzirira vanhu kuti vagone kumira panosvika zuva guru rokutsamwa kwaMwari rinofananidzirwa nomutumwa “achikwira achibva kumabvazuva,” kana kuti, sokushandura kunoita vamwe, “sokubuda kwezuva.” Tarirai kwayedza—kutanga mwaranzi yechiedza inooneka kumabvazuva; inobatana ichiwedzera kujeka kusvikira denderedzwa guru rezuva richinyatsooneka. “Mambo Wamasikati” paanokwira kusvika pakakwirira padenga, chiedza chake, kupisa kwake, nesimba rake zvinoramba zvichiwedzera.

GSAM 464.2Ndiko zvirokwazvo kwave kuri kufambira mberi kweshoko romutumwa wechitatu kubva muna 1848, apo zvokwadi dzarinoumbwa nadzo dzakaratidzwa zvakajeka, uye kubva panguva iyoyo taratidza kukura kunoshamisa, kunooneka uye kunoramba kuchipfuurira. Hapana chimwe chatinogona kutsanangura nacho izvi kunze kwokuti Ishe ari kusimbisa shoko rake kuna avo, munguva ino ruponeso rwake parwava pedyo, “vanochengeta Sabata kuti varege kurisvibisa,”5 uye vanodzora rutsoka rwavo kuti varege kuita zvinovafadza pazuva dzvene raMwari, nokudaro, kubudikidza no“kutenda kwaJesu,” sezvinotaurwa mushoko romutumwa wechitatu raZvakazarurwa 14, vachichengeta “mirairo yaMwari” yose. Nezvevakadaro Ishe akataura nomuporofita Isaya achiti, “Ipapo chiedza chako chichabuda samambakwedza, uye utano hwako huchakurumidza kumera: nokururama kwako [“Jehovha kururama kwedu.” Jeremia 23:6] kuchakutungamirira; uye kubwinya kwaJehovha kuchava murindi wako shure.”6 Tiine zvivimbiso zvakadai, tingatarisira sei chimwe chinhu kunze kwokuti basa richabudirira? “Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angatipikisa?”

GSAM 464Ava Vangabudirira Sei?

GSAM 464.3Tichitarisa mamiriro ezvinhu muna 1846, apo Mukuru Joseph Bates akatanga kunyora bhuku riya rokutanga, rokutanga rakambobudiswa namaAdventist ezuva rechinomwe pamusoro penyaya yeSabata, aine masendi gumi namaviri nehafu chete semari yose yaaiva nayo panyika, uye achifanira kuishandisa zuva rake rokutanga rokunyora risati rapera; tichitarisazve Mukuru James White achidhinda kapepa kake kokutanga, Chokwadi Chiripo, nemari yaakawana nokucheka uswa mumunda, achitumira pepanhau iri pasina muripo kune vose vaizoriverenga, achitaura nezvaro seshoko raizofanira kusvika kumigumo yenyika,—tichitarisa mavambo maduku aya, munhu aigona kubvunza namashoko avanhu vomumazuva aAmosi achiti, “Jakobho achamutswa nani? Nokuti muduku.”7 Kana tichienzanisa izvi nemamiriro ezvinhu muna 1905, apo kudhindwa kwezvokwadi dzeshoko kuri kuitwa mudzimba dzokudhinda makumi maviri dziri munzvimbo dzakasiyana dzenyika, kazhinji dzichishanda nesimba radzo rose kuti dzigone kupa vanhu zvokuverenga zvavanoda, zvirokwazvo tinogona kuti, Tarirai, “mukova wakazaruka” usati wavharwa nomunhu kusvika zvino.

GSAM 465.1Pamusoro paavo munguva dzokutanga vaifunga kuti basa haringatongobudiriri, tingataura namashoko ayo muporofita Zekaria akatsiura nawo avo vaifunga kudzivisa basa raMwari pakuvakwazve kweJerusarema tichiti, “Ndiani akazvidza zuva rezvinhu zviduku?”8 Pamusoro pezvinhu zvaiita samakomo amatambudziko munzira yavo, Ishe akataura nomuporofita achiti,—

GSAM 465Gomo Rinoitwa Bani

GSAM 465.2“Ndiwe ani, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchava bani; uye achabudisa ibwe raro rapamusoro pakati pokudanidzira, vachiti, Nyasha, nyasha ngarive nadzo.”9 Ndizvo zvave zvakaita basa reshoko romutumwa wechitatu, uye ndizvo zvazvichava kusvikira “ibwe rapamusoro” raunzwa, kana kuti, namamwe mashoko, kusvikira basa rapera.

GSAM 465.3Tarirai vashoma vaya muna 1846, vaiva varombo papfuma, varombo pazvinhu zvose kunze kwokutenda muna Mwari nepfuma yechokwadi, muone kuti basa ravo rakura kusvika papi. Fungai nezvokubatsira pabasa zvava mumaoko edu zvino, mabhuku ose akagadzirirwa, akashandurwa, uye akadhindwa mumitauro yakasiyana yenyika, namazana avaparidzi vemabhuku vari kuisa mabhuku aya mudzimba dzavanhu, ane mutengo wose we$400,000 gore rimwe nerimwe. Kana chikomborero chaMwari chikaramba chiri pamusoro pebasa, tinogona kutarisira kubudirira. Nezvokubatsira pabasa izvi navashandi vari kuwedzera mwedzi nomwedzi, tichivimba naKristu, hapana chimwe chatinofanira kutarisira kunze kweizvo Soromoni akaimba pamusoro pechechi yaMwari payaibuda muchimiro chayo chomurenje, “yakazendamira paruoko rwoMudiwa wayo,” paanoiisa ichitarira kunze, “yakanaka somwedzi, inopenya sezuva, inotyisa sehondo ine mireza.”10

GSAM 466Kubatsirwa Nechipo Chechiporofita

GSAM 466.1Hatina kungoona bedzi kuti kutungamirira kwaIshe kwakazarura nzira yokupararira kwechokwadi, uye kuti chikomborero chake chinooneka chakaperekedza kuedza kwokufamba munzira dzokutungamirira kwake, asi pakumuka nokufambira mberi kweshoko romutumwa wechitatu akataura navanhu vake kubudikidza nechipo chechiporofita. Izvi hazvina kuva muchimiro chokuzarurirwa kutsva kunotsiva Bhaibheri, kana kuti nenzira yokuminamisa dzidziso dzaMagwaro, asi kuti aratidze apo, munguva ino, pane ngozi yokutsauka pakureruka kwevhangeri yaKristu, apo vanhu vari mungozi yokukurirwa nomuitiro wenguva ino, vachigutsikana nechimiro chokunamata vasina simba racho.

GSAM 466.2Kana tichitarisa nyaya iyi nomuenzaniso11 wavaporofita vekare, uyo Ishe akatipa somumwe wemitemo inofanira kushandiswa pakuedza kuratidzwa kwakadai kwezvipo, tinowana zvikonzero zvimwe chete zvinoita kuti kuratidzwa kwakadai kudikanwe zvino sezvakwaidikanwa kare; kureva kuti, munguva imwe neimwe vanhu vangatsauswa panzira yechokwadi nedzidziso netsika zvakapararira uye zvinonyanya kuva zvenguva iyoyo. Muapostora Pauro, achitaura nezvokuratidzwa kwezvipo zvakaiswa naIshe muchechi, anoti ndezvo“kukwaniswa kwavatsvene, nokuda kwebasa rokushumira, nokuda kwokuvakwa kwomuviri waKristu; kusvikira tose tasvika pahumwe hwokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari, pamunhu akakwana, pachiyero chokukura chokuzara kwaKristu; kuti tirege kuzovazve vana, vanozungunuswa vachikandirwa kuno nokoko, vachitakurwa nemhepo ipi neipi yedzidziso, nokunyengera kwavanhu, namano okunyangira nawo kuti vatsause; asi tichitaura chokwadi murudo, tigokura pazvinhu zvose tichisvika kwaari, iye musoro, ndiye Kristu: kubva kwaari muviri wose, wakanyatsobatanidzwa nokusunganidzwa nezvinopiwa nenhengo dzose dzinoubatanidza, maererano nokushanda kwesimba pachiyero chenhengo imwe neimwe, unokudza muviri kuti uzvivake murudo.”12

GSAM 467.1Zvikonzero zvimwe chete zvinopiwa nevanopikisa kuratidzwa kwechipo chechiporofita munguva ino zvaigona kutaurwa nesimba rimwe chete munguva dzekare; kureva kuti, tina Magwaro, naizvozvo hatidi zvipo zvakadai. Kunyange zvakadaro, Magwaro mamwe chete aya anotiudza kuti Kristu akaisa zvipo izvi muchechi kuti zviite basa razvo kusvikira “icho chakakwana [chimiro chakakwana] chasvika,” uye kuti chechi haifaniri “kushayiwa chipo chipi nechipi, ichimirira kuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.”13

GSAM 467Tinodirei Vaporofita?

GSAM 467.2Vanhu vekare vaigona kufunga kuti vaiva nomutemo waMwari wetsika wakanyorwa nomunwe wake pachake pamahwendefa amabwe; kuti vaiva nezviga, zvakatongwa, nemirayiridzo zvakanga zvataurwa kuna Mozisi zvichibva mumuromo waMwari, uye zvakanga zvakanyorwa nokungwarira; saka chii chimwe chaidikanwa? Asi pasinei nezvokwadi dzose dzakanakisisa idzo dzavaiva nadzo, Mwari akafara kutaura kwavari “panguva dzakasiyana uye nenzira dzakasiyana navaporofita vake vatsvene.”

GSAM 467.3Tinoona kuti uchapupu hwakapiwa navaporofita vakasiyana, vakaita saIsaya, Jeremia, Ezekieri, Danieri, Hosea, navamwe, pane imwe neimwe nyaya hwaidzidzisa mutemo mukuru mumwe chete pamusoro pokuteerera Mwari; asi muporofita mumwe nomumwe aiva nokutsiura kwake kwakanangana navanhu venguva yake, nokuda kwomuitiro wavo wokukweverwa kubva pamitemo mitsvene yokururama netsika dzainge dzakapararira munguva yakapiwa chiporofita chacho.

GSAM 468Kudiwa Kwezvipo

GSAM 468.1Kunyange zvazvo zvinganzi hatina chete mirayiridzo yakanakisisa yaMagwaro eTestamente Yekare, asi pamusoro paizvozvo tine mashoko oMuponesi wedu pachake neavaapostora, saka tinodirei chimwezve chiedza? Chokwadi chinoramba chiripo chokuti vaapostora vatsvene vamwe chete ava vakatarira mberi kumazuva okupedzisira, apo “nguva dzinotambudza dzichauya,” uye apo vanhu vachava “nechimiro chokunamata, asi vachiramba simba racho,” vachitiudzawo kuti “vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzamadhimoni.”

GSAM 468.2Tichifunga nezvose izvi, vanhu vaya vanotaurwa naPauro paanonyorera vaTesaronika, avo vasingazovi murima kuti zuva raKristu rivawane sembavha, asi vachava vana vechiedza, vanokurudzirwa kuti “vaedze zvinhu zvose” panyaya yo“kuporofita,” uye kuti “vabatisise icho chakanaka.”14 Izvi zvakafanana nokuvaudza kuti vanhu vachange vakatarisira kuuya kwaIshe Jesu Kristu, uye vachawanikwa vakagadzirira zuva iroro pakupedzisira, vachava nokuratidzwa kwechipo chechiporofita “kwakanaka,” kwechokwadi, pakati pavo.

GSAM 468Zviratidzo Zvokuguma

GSAM 468.3Tiri munguva iyo zviratidzo zvakawanda kumativi ose zvinoratidza kuti zuva raIshe rava pedyo. Tiri munguva chaiyo apo vanhu vaifanira kumuka vaizochengeta mirairo yose, uye vaizovawo “nouchapupu hwaJesu”15—ndiwo “Mweya wechiporofita.”16 Tinowana chii? Kuti mumakore makumi matanhatu apfuura vanhu vakadaro vakamuka, vachitakura shoko rakadaro, uye chipo chechiporofita chakaratidzwa pakati pavo. Pakuedza chipo chakaratidzwa kubudikidza naMai E. G. White nemitemo yeBhaibheri, taona kuti chinokunda pamuedzo pazvinhu zvose. Kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira, mumanyoro ose aMai White hamuna kumbowanikwa kana mutsetse mumwe unopa rusununguko rudukuduku rwokuita chivi, kana kuti unotendera kunyange kutsauka kudukuduku pashoko raMwari. Manyoro aya haana kumbozviisa pamusoro peBhaibheri, asi anoramba achikurudzira kudzidza shoko raMwari nokungwarira kukuru, achirinongedzera somupimo mukuru uchaongororwa nawo mhaka dzedu pakutongwa kwokupedzisira. Mumanyoro avo Kristu anokwidziridzwa pamberi pedu somuenzaniso mumwe chete watinofanira kutevera. Anoziviswa nenzira inonyatsojeka kuti ndiye tariro yedu bedzi yokukunda pano, utiziro hwedu bedzi pakutsamwa kuchauya, zita rimwe chete nenzira imwe chete yatingaponeswa nayo.

GSAM 469Mashoko Okuremekedza Anobva Pakuziva Pachangu

GSAM 469.1Pamusoro paMai White norudzi rwebasa ravo, zvinotevera zvinopiwa, zvakanyorwa muna 1877 nomumwe munhu akanga avaziva uye akanga adzidza basa ravo kwamakore mazhinji; uye pashure pomuedzo wamakore anenge makumi mashanu namatatu, makore okucherechedza nokungwarira, ndinotsigira zvizere pfungwa imwe neimwe iri kutaurwa mazviri:—

GSAM 469.2“Pamusoro pomufambiro wechiKristu waHanzvadzi White, ndinokumbira kutaura kuti ndinofunga kuti ndinoziva chimwe chinhu nezvawo. Ndava namakore gumi namasere ndichivaziva,—inopfuura hafu yenguva yenhoroondo yavanhu vedu. Ndakagara mumhuri yavo kakawanda, dzimwe nguva kwevhiki dzinoverengeka panguva imwe. Vakauyawo mumba medu nomumhuri yedu kakawanda. Ndakafamba navo kunenge kwose kwose; ndakava navo vari voga uye vari pakati pavanhu, mumusangano nokunze kwomusangano, uye ndakava nemikana yakanakisisa yokuziva chimwe chinhu pamusoro poupenyu, mufambiro, nomweya waHama naHanzvadzi White. Somushumiri ndakafanira kubata navanhu vamarudzi ose, navane mifambiro yamarudzi ose, kusvikira ndava kufunga kuti ndinogona kunzwisisa kuti munhu akadini, kunyanya pashure pamakore okunyatsozivana naye.

GSAM 470.1“Ndinoziva kuti Hanzvadzi White mukadzi asingazvikudzi, anozvininipisa, ane mwoyo munyoro uye anokudzwa. Hunhu uhwu hahusi hwokungopfekedzwa nokudzidziswa, asi hunobuda zvakanaka uye zviri nyore pamwoyo wavo womuzvarirwo. Havazvirumbidzi, havazvioni sevakarurama, uye havazvipi ukuru sezvinogara zvichiita vateveri vanonyanyisa. Ndakasangana kazhinji navanhu vanonyanyisa, uye ndagara ndichivawana vakazara nokuzviti zvavasi izvo, vakazara namanyawi, vachikurumidza kupa pfungwa dzavo, vachizvikudza noutsvene hwavo, nezvimwe zvakadaro, asi ndagara ndichiwana Hanzvadzi White vari vakasiyana nezvose izvi.

GSAM 470Shamwari Yavarombo

GSAM 470.2“Munhu upi noupi, kunyange ari murombo kupfuura vamwe uye akaderera kupfuura vamwe, anogona kuenda kwavari akasununguka kuti awane zano nenyaradzo asingadzingwi. Vanogara vachitarisira vanoshayiwa, varombo vasina chinhu, navanotambura, vachivapa zvavanoda uye vachivareverera.

GSAM 470.3“Handina kumbobvira ndazivana nomunhu anogara achitya Mwari saizvozvo. Hapana chinotangwa pasina munyengetero womwoyo wose kuna Mwari. Vanodzidza shoko raMwari nokungwarira uye nguva dzose. Ndakanzwa Hanzvadzi White vachitaura kane mazana, ndakaverenga uchapupu hwavo hwose kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira, huzhinji hwahwo kakawanda, uye handina kumbogona kuwana mutsara mumwe chete une unzenza mahuri mose, kana chinhu chipi nechipi chisina kuchena kwazvo uye chisiri chechiKristu; hapana chinotungamirira kubva paBhaibheri nokubva kuna Kristu; asi imomo ndinowana kukumbira kwomwoyo wose zvikurusa kuti titeerere Mwari, tide Jesu, titende Magwaro, uye tirambe tichiaongorora. Ndakagamuchira rubatsiro rukuru rwomweya muuchapupu uhwu kakawanda kasingaverengeki. Zvirokwazvo, handina kumbohuverenga ndisina kunzwa ndichitsiurwa nokuda kwokushayiwa kwangu kutenda muna Mwari, kushayiwa kwangu kuzvitsaurira, nokushayiwa kwangu kushingaira pakuponesa mweya. Kana ndiine ungwaru hwokutonga, kana nzwisiso yomweya, ndinozivisa kuti uchapupu uhwu ndohwomweya mumwe chete uye hune pfungwa imwe chete neMagwaro.

GSAM 470.4“Kwamakore makumi matatu [zvino tingati makore makumi matanhatu] uchapupu uhwu hwakatendwa nokuverengwa pakati pavanhu vedu. Hwakava nomugumisiro wei pavari? Hwakavatungamirira kubva pamutemo waMwari here? Hwakavatungamirira kuti vasiye kutenda muna Kristu here? Hwakavatungamirira kuti varase Bhaibheri here? Hwakavatungamirira kuti vave vanhu vakaora, vane unzenza here? Ndinoziva kuti vangamira zvakanaka pakuenzaniswa neimwe chechi yechiKristu ipi neipi.

GSAM 471.1“Pane chinhu chimwe chete chandakaona, chokuti vanopikisa zvakaipisisa zviratidzo zvaHanzvadzi White vanobvuma kuti ivo muKristu. Kuti vangabvuma sei izvozvo, ini handizivi. Vanoedza kugadzirisa nyaya yacho vachiti vakanyengerwa. Havagoni kunongedzera kunyange pavara rimwe chete muupenyu hwavo hwose, kana mutsara mumwe chete une unzenza mumanyoro avo ose. Vanofanira kubvuma kuti zvizhinji zvemanyoro avo zvakanakisisa, uye kuti ani naani angararama maererano nezvose zvavanotaura angava muKristu akanaka, ane chokwadi chokudenga. Izvi zvinoshamisa zvikurusa, kana vari mudziyo wadhiabhorosi, vakafemerwa naSatani, kana kuti kana manyoro avo ane unzenza kana ari pfungwa dzavo dzokufungidzira dzisina maturo.”

GSAM 471Vasingatizivi Vanopupura Pamusoro Pamanyoro

GSAM 471.2Panotumirwa mapepanhau edu ane manyoro aMai White, anotsvakwa navanhu vanozvininipisa zvikuru, vanotya Mwari, uye vakazvitsaurira. Vachitaura zvavanoverenga, vanoti, “Tinonyanya kufarira manyoro aMai White. Anobatsira zvikuru pakurarama, azere nemirayiridzo inotungamirira munhu pedyo naIshe, ichimuita kuti awedzere kuzvininipisa, kutya Mwari, nokuzvitsaurira. Manyoro aya anotevera pfungwa dzaMagwaro kwazvo zvokuti patinoverenga zvinoita sokuti Mai White vanofanira kunge vakafemerwa kuti vanyore nenzira yavanonyora nayo.” Ndihwo uchapupu muzviitiko zvakawanda zvavanhu vanonyorerana navashandi vedu vemisheni, ivo vasingatombozivi kuti pfungwa dzaMai White dzinogamuchirwa muchiratidzo chitsvene.

GSAM 471Kunobva Kupikisa

GSAM 471.3Tichiona zvakaitwa nechipo ichi pamwoyo yavanhu, mubvunzo unomuka wokuti, Kupikisa kuratidzwa kwechipo ichi kwakabva kupi uye kwakavapo nokuda kwei? Uye magumo avaya vaipikisa akavei? Ndichicherechedza nyaya iyi nokungwarira kubva muna 1852, ndakaona kuti kazhinji kupikisa kuratidzwa uku kwakabva kune vakatsiurwa nokuda kwezvikanganiso mumufambiro wavo, tsika dzakaipa, kana imwe nzira yakaipa pamararamiro avo. Vazhinji vevakatsiurwa vaipikisa vachiti vakanga vasina kuipa sezvaitaurwa nezvavo nouchapupu, uye vaizoratidza kuti vaigona kubatisisa chokwadi kunyange vaipesana nokutsiurwa kwavakanga vapiwa. Nokufamba kwenguva zvakaonekwa kuti vazhinji zvikuru vavo vakaramba kutenda kwavo vakabva pakati pedu zvachose. Vamwe vakaona kukanganisa kwavo, vakabatirira pachokwadi zvakasimba zvikuru. Mubvunzo unomuka wokuti, Kana vanopikisa chipo ichi vachitungamirirwa naIshe, seiko vachirasikirwa noupenyu hwavo hwomweya, vachidzokera shure kubva kuna Mwari? Mutemo woMuponesi wedu ndewokuti muti unofanira kuzivikanwa nezvibereko zvawo. Anotaura nesimba guru kuti “muti wakaora haungabereki zvibereko zvakanaka.”

GSAM 472Kukundikana Kwavanopikisa

GSAM 472.1Tinoyeuka zviitiko apo vanhu vakaronga kupikisa uchapupu hwaMai White, vachizivisa kuti basa ravo raizobudirira zvikuru kana vangobvisa uchapupu uhwu. Kunyange zvakadaro, vakakundikana zvachose kuona zvavaitarisira zvichizadziswa. Pashure pamakore okurwa havana kuratidza chimwe chiratidzo chikuru chokuparadzira chokwadi cheSabata munyika kupfuura zvakaitwa navamwe vakaita saivo makore makumi mana namapfumbamwe apfuura. Kana basa ravo raiva basa chairo raIshe, sei shoko ravo risina kubudirira zvikuru?

GSAM 472Kubudirira Kuri Kupi?

GSAM 472.2Ukuwo, kana tichitarisa shoko iro mirairo yaMwari nokutenda kwaJesu zviri kuparidzwa naro kunyika,—shoko rakabatana nokuratidzwa uku kwechipo chechiporofita, chine mazano acho, mirayiridzo, nokutsiura,—tinoona kuti rakafambira mberi zvakasimba uye risingamiri kubva pamavambo aro chaiwo kusvikira zvino. Nokuteerera mazano aIshe kubudikidza nechipo ichocho, nokufambira mberi musimba raIshe, shoko rakapoteredza nyika, sezvatataridza, uye riri kukurumidza kusvika ku“rudzi rumwe norumwe, namadzinza ose, nendimi dzose, navanhu vose.”

GSAM 473.1Pamusoro pokufambira mberi kwaro munguva yapfuura tinogona kuti, Shoko raMwari rakasimbiswa pane zvaakataura achiti, “Hakuna nhumbi yokurwa yakaumbwa kuzokurwisa ichabudirira.” Zvirokwazvo, ruoko rwaMwari rwakaonekwa mukubudirira kwakaperekedza kumuka nokufambira mberi kwesangano guru iri rokuuya kusvikira zvino, uye pane ramangwana tinovimba nokuzadziswa kwechokwadi kweshoko rake, “Ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka, uye hakuna munhu angagona kuuvhara.” Muchivimbo ichi tingaimba tine chokwadi chizere tichiti:—

GSAM 473.2“Nokuti anga anesu, Uye achiri nesu, Uye akavimbisa kuva nesu Kusvikira pakuguma.”

Notes

  1. Zvakazarurwa 3:8. ↩
  2. Zvakazarurwa 3:3. ↩
  3. Zvakazarurwa 3:10, 11. ↩
  4. Mapisarema 124:1-8. ↩
  5. Isaya 56:1, 2, ↩
  6. Isaya 58:8, 13. ↩
  7. Amosi 7:2. ↩
  8. Zekaria 4:10. ↩
  9. Zekaria 4:7. ↩
  10. Rwiyo rwaSoromoni 6:10. ↩
  11. Jakobho 5:10. ↩
  12. VaEfeso 4:12-16. ↩
  13. 1 VaKorinde 1:6, 7. ↩
  14. 1 VaTesaronika 5:5, 20, 21. ↩
  15. Zvakazarurwa 12:17. ↩
  16. Zvakazarurwa 19:10. ↩

Note

Back