Adventist Pioneer
Library
aplib.orgLibrary
Table of Contents
12 / 31
12 / 31

Chitsauko 9 — Nguva Yokunonoka

John Norton Loughborough

GSAM 148.1“Ipapo ushe hwokudenga huchafananidzwa nevasikana vane gumi, vakatora mwenje yavo, vakabuda kundosangana nechikomba. Vashanu vavo vakanga vakachenjera, vashanu vari mapenzi. Avo vakanga vari mapenzi vakatora mwenje yavo, asi havana kutora mafuta pamwe chete nayo; asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo pamwe chete nemwenje yavo. Chikomba chichinonoka, vose vakatsimwaira, vakavata.”1

GSAM 148.2Kristu ndiye chikomba chomufananidzo uyu.2 Naizvozvo kubuda kundosangana nechikomba kunofanira kumiririra kufamba kwavanhu vaShe kuti vandosangana naKristu pakuuya kwake, nokuti nyaya inotaurwa muna Mateu zvitsauko makumi maviri nezvina namakumi maviri nezvishanu ndeyokuuya kwaShe. Shoko raShe ndiwo mwenje.3 Vasikana vose vakatora mwenje yavo. Upenzi hwavamwe vasikana hwaiva pakungogamuchira dzidziso yechokwadi, pasina kuzvitsaurira kuna She nomwoyo wose kwaizoita kuti unhu hwakanaka hwoMweya hukure mumwoyo womutendi. Basa iri rinomiririrwa mumufananidzo namashoko okuti “mafuta mumidziyo yavo.” Kunonoka kwechikomba kunofanira kumiririra kuora mwoyo kwakati kwaavo vaibuda vachitarisira kusangana naShe wavo.

GSAM 148Nguva Inoshanda Mufananidzo Uyu

GSAM 148.3Shoko rokuti “ipapo,” rinotanga mufananidzo uyu, rinotipa chiratidzo chenguva yaunoshanda. Rinotevera pedyo nezvakanga zvataurwa muchitsauko chakapfuura, kwete pashure pokuuya kwaShe kwechipiri, asi pashure pokunge mufananidzo womuonde waparidzwa, uchizivisa kuti kuuya kwaKristu kwava “pamikova,” uye kuti chizvarwa chisingazopfuuri kusvikira Kristu amene aonekwa mumakore okudenga chasvika. Unoshandawo panguva apo vamwe vavaranda vanga vachipa shoko vanoti mumwoyo yavo, “She wangu unononoka kuuya kwake; votanga kurova vamwe varanda pamwe navo, nokudya nokunwa nezvidhakwa.”

GSAM 149Kurova Vamwe Varanda Pamwe Navo

GSAM 149.1Ava vanga vari “varanda pamwe navo,” vachiparidza shoko rimwe chete vachiwirirana; asi zvino vamwe vavo vanofuratira zvavakadzidzisa, “vorova” vamwe varanda pamwe navo vari kupa “zvokudya nenguva yakafanira”—vachizivisa kugadzirira kunodiwa kuti vasangane naShe ari kuuya nokukurumidza. “Vanorova” nenzira imwe chete neyakanga yarongwa pakurova Jeremia. Vanhu vakati, “Uyai, timurove norurimi, tirege kuteerera rimwe ramashoko ake.”4 Saizvozvo varanda ava vakatanga kudzidzisa nenzira yaidzivisa basa ravaranda “vakatendeka.” Boka iri rinotaurirwawo saizvozvi, “Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nokunzwa sei, ubatisise, utendeuke. Naizvozvo kana usingarindi, ndichauya kwauri sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya nayo kwauri.”5

GSAM 149.2Mufananidzo wavasikana unoshanda panguva apo “varanda pamwe navo” vari kufuratira shoko rokuva pedyo kwokuuya kwaShe, “votanga kurova.” Vanotangawo kuita chimwe chinhu—“kudya nokunwa nezvidhakwa.” Vanodya pamabiko pamwe chete navanoda kugutsa havi dzavo. Soromoni akati pamusoro pavakadaro, “Usava pakati pavanonwisa waini, kana pakati pavanokarira kudya nyama; nokuti chidhakwa nomunhu anokara zvokudya vachava varombo.”6

GSAM 149Kuora Mwoyo Kwokutanga

GSAM 149.3Zvino mubvunzo uchamuka wokuti, “Chii chakaitika kune vaitarisira kuuya kwaShe chinoenderana namashoko aya?” Paiva nezvaiitika zvainyatsoenderana nechiporofita. Vaipa shoko kusvikira muna Kubvumbi, 1844, vaishanda pakati pamachechi, uye vashumiri vamachechi akasiyana-siyana vaibatana navo mukushanda kwavo. Saka vaiva “varanda pamwe navo.”

GSAM 150.1Vaipa shoko vaidzidzisa kuti mazuva 2300 aDhanieri 8:14 aizoguma negore rechiJudha ra1843, izvo zvaizova mugore redu ra1844. Vaiparidza kuti awa yokutonga kwaMwari yaizosvika pakuguma kwenguva iyoyo. Sangano rimwe nerimwe rechechi munyika panguva iyoyo raitenda kuti zuva rokutongwa raizotanga nokuuya kwaShe wedu kwechipiri. Saka zviri nyore kuona kuti maAdventist aifunga kuti She aizouya pakuguma kwenguva iyoyo yechiporofita. Vaiti, “Nguva iyi ingaguma nomwedzi, musi wa21 Kurume, 1844, panopera gore rechiJudha romuzvarirwo ra1843.” Saka vaitarisira kuguma kwaKurume kana kutanga kwaKubvumbi, 1844, senguva iyo Muponesi angauya nayo.

GSAM 150Varanda Vakaipa Vanozviratidza

GSAM 150.2Apo kuguma kwaKurume kwakasvika kukapfuura, uye She asina kuuya, avo vakanga vamboshanda nenhume dzaShe, asi vasina kutsaurira upenyu hwavo zvizere kushoko nomwoyo wose, vakaripandukira, vakatanga kupikisa basa, nokuita zvose zvavaigona kuti vadzivise nzira yaavo vairamba vachidzidzisa dzidziso yokuva pedyo kwokuuya kwaShe neshoko reawa yokutongwa. “Mumwoyo yavo” vakati, “She wangu unononoka kuuya kwake.” Nemiromo yavo vakanga zvino vodzidzisa kuti nyika yose inofanira kutendeuka She asati auya; kuti vaJudha vose vanofanira kudzokera kuPalestine, vosimbisa basa ravo retemberi muJerusarema, Mesiya asati auya. Vamwe vakatodzidzisa kuti kuuya kwaKristu kwaiva “kuuya kwomweya,” kuti kwaiitika pakutendeuka, uyewo parufu rwavanhu vake.

GSAM 151Kupa “Zvokudya Nenguva Yakafanira”

GSAM 151.1Ava pavaipandukira vamwe varanda pamwe navo saizvozvo, avo vakanga vachakabatirira pakutenda vaiunganidza vatendi mudzimba dzemisangano nomumapoka emiti, vachivapa “zvokudya nenguva yakafanira”—vachivaratidza kuti zviratidzo zvenguva nechiporofita chakazadziswa zvaizivisa, sezvazvaiita vasati vaora mwoyo, kuti kuuya kwaKristu kwakanga “kwava pedyo, pamikova chaipo.”

GSAM 151Mabiko Mumachechi

GSAM 151.2Pavaiva vachiita izvi kwakatanga chinhu chakanga chisingambozivikanwi mumachechi echiPurotesitendi—kuunganidza vanhu muchechi kuti vaite mabiko uye “vatambe.” Vose vaida kuuya vaikokwa kuzodya navo zvokudya zvavo zvinonaka.

GSAM 151.3Patakatanga kunzwa nezvechinhu chakadai muAmerica waiva mwedzi waChivabvu, 1844, kuora mwoyo kuchangobva kuitika. Zvakaitika seizvi: William Miller paaidzidzisa nokukurudzira mazana anoverengeka amaAdventist mumba yomusangano muRochester, N.Y., achivaudza kuti, “Tiri munguva yokunonoka yaMateu chitsauko makumi maviri nezvishanu; batisisai kutenda kwenyu; tichakurumidza kuva nechiedza chakawanda panyaya iyi,” kwakanga kwarongwa “mabiko” mukamuri repasi peimwe yedzimba huru dzokunamatira muRochester. Boka ravanhu rakaungana, nhengo dzechechi navasingatendi, uye apo mukuru wechikoro chedzidzo youshumiri ainakidza boka iri nokuseka William Miller, vaitengesera vanhu ava hove dzemateko, aizikirimu, zvihwitsi, uye kabhuku kakanga kanyorwa nomurume uyu vachiita sendi makumi maviri namashanu. Bhuku racho rainzi Kufumura Dzidziso dzaMiller.

GSAM 151.4Mavhiki maviri asati apera kubva panguva iyoyo, rimwe sangano rechechi muguta rimwe chete rakaronga “mabiko” mumba yaiunganirwa nevanhu, vachibhadharisa sendi makumi maviri namashanu kuti upinde, uye vachikoka vose vaida kuti vauye kuzodya navo hove dzavo dzemateko, aizikirimu, makeke, nezvihwitsi. Ipapo ndipo pakatanga mabiko aya amazuva ano mumachechi, akazokura kuva “kuungana kwokutandara kwoupenzi,” “masaga okunhonga zvipo,” “madziva okuredza zvipo,” “kuungana kwokutsvodana,” nezvimwe zvakadaro. Tsika iyi yamabiko mumachechi yakakura kusvika pakuti zvino chivako chechechi chamazuva ano hachinzi chakakwana kana chisina imba yokubikira, yokuchengetera zvokudya, neyokudyira. Mamiriro ezvinhu aya ndiwo akatanga mu“nguva yokunonoka,” sezvazvakanyatsoratidzwa mumufananidzo.

GSAM 152.1Wm. Miller amene anotaura nezvechiitiko chakaitika muRochester namashoko anotevera:

GSAM 152.1“Mumwe wavanachiremba vedzidzo youmwari muRochester, Va_____, vechechi ye_____, akanyora kabhuku kaipikisa dzidziso dzaMiller, akadana vanashe vake namadzimai makuru mumba maShe, akaita mabiko makuru ehove dzemateko nezvimwe ‘zvokudya zvamatandaro,’ saBherishazari, vakanwa kofi yavo netii, vakadya zvinonaka zvavo zvinodhura, vakatengesa aizikirimu yavo nezvihwitsi, nekabhuku kake kaipikisa kuuya kwechipiri kwoMuponesi anodiwa.

GSAM 152.2“Usiku hwandakazobva mangwana acho, mumwe wavafundisi ava akaitawo mabiko ezvokudya zvamatandaro mumba yaiunganirwa nevanhu, kana kuti mumba yomusangano, akatengesa, sezvataurwa pamusoro, matikiti ake, aizikirimu, nezvihwitsi. Ndakafara kunzwa kuti mamwe machechi amasangano akasiyana-siyana haana kutendera mabiko akadaro eBhabhironi; uye ndinovimba nomwoyo wangu wose kuti haasi ose machechi aya amasangano akasiyana achawanikwa ‘achidya nokunwa nezvidhakwa’ Kristu paachauya. Ndinoshamiswa kuti vafundisi ava havazvioni muchionioni cheshoko raMwari; uye ndingavarayira kuverenga Ruka 14:12-14; Mateu 24:48-51; Ruka 13:25-28; 2 Petro 2:13; Judha 10-21. Zvirokwazvo idzi inguva dzokupedzisira.”

GSAM 152.3Dai Mukuru Miller akaona zvakazopindwa namachechi pakuungana kwavo kwokupa zvipo, vaine “makeke okufembera mhete, kuungana kwokutsvodana nesendi gumi, zviratidziro zvembongoro, kuungana kwokutandara kwoupenzi, marotari matsvene,” nezvimwe zvirongwa zvemitambo yemhanza, nezvimwewo, angadai akadzokera shure achivhunduka nokuda kwoutsvene.

GSAM 152Nguva Yokunonoka

GSAM 152.4MaAdventist akanyaradzwa nechokwadi chomuMagwaro chokuti pakuziviswa kwokuva pedyo kwokuuya kwaShe paizovawo ne“nguva yokunonoka.” Izvi vakazviona mumashoko oMuponesi wedu ari muna Mateu 25:5, 6, nomuna Habhakuki 2:1-3.

GSAM 153.1Pamusoro pemaonero avo mumwaka wokumera wa1844, tinotora mashoko aya muKudanidzira kwePakati Pousiku wa9 Chivabvu, 1844:—

GSAM 153.2“Sezvo tapfuura nguva yaiita sokuguma kwenguva dzechiporofita, taiswa pamamiriro ayo Mwari akanga afanoona kuti vana vake vaizova paari pakuguma kwechiratidzo; uye aakanga agadzirira, achishandisa muporofita Habhakuki, paanoti, ‘Ndichamira panzvimbo yangu yokurinda, ndichazviisa pamusoro peshongwe, ndichatarira ndione zvaachataura kwandiri, uye zvandichapindura kana ndatsiurwa,’ kana kuti sezvazvinorava pamupendero wepeji, ‘kana ndaitirwa nharo.’ ‘Zvino She akandipindura, akati, Nyora chiratidzo, uchinyatsochijekesa pamahwendefa, kuti anochiverenga agone kumhanya. Nokuti chiratidzo chichiri chenguva yakatarwa, asi pakuguma [kwenguva dzechiporofita] chichataura, hachingarevi nhema; kunyange chikanonoka [kupfuura painoita sokuguma kwadzo], chimirira; nokuti chichauya zvirokwazvo, [pakuzara kwenguva dzechiporofita, kupfuura ipapo] hachinganonoki.’7

GSAM 153.3“Kuti yambiro iyi ndeyenguva ino zvinoonekwa pamashoko ayo anotorwa naPauro muna VaHebheru 10:36-39: ‘Nokuti munofanira kuva nokutsungirira, kuti kana maita kuda kwaMwari mugamuchire chipikirwa. Nokuti kwasara chinguva chiduku, uye iye anouya achauya, haanganonoki. Zvino wakarurama uchararama nokutenda; asi kana munhu akadzokera shure, mweya wangu haungamufariri. Asi isu hatizi vavanodzokera shure kukuparadzwa, asi tiri vavanotenda kuti mweya uponeswe.’

GSAM 153.4“Tinotenda kuti tiri munguva yakataurwa noMuponesi, apo chikomba chinononoka (Mateu 25:5)—iyo ushe hwokudenga hwaifanira kufananidzwa nayo,—apo ‘muranda uyo wakaipa [sezvo nguva yakanga yaita sokutadza kuzadziswa] achati mumwoyo make, She wangu unononoka kuuya kwake, otanga kurova vamwe varanda pamwe naye, nokudya nokunwa nezvidhakwa,’ uye She aizouya ‘nezuva raasingamutariri naro.’

GSAM 154.1“Tinotenda kuti zvino tiri munguva yakataurwa naPetro, apo ‘kutongwa kwavo hakuna kunonoka kubva kare, uye kuparadzwa kwavo hakutsimwairi;’ apo vaizo‘pinza pakavanda dzidziso dzakatsauka dzinoparadza.’8 Ava, anodaro Petro, vaizovapo, sezvakanga zvakaita vaporofita venhema pakanyorwa Magwaro. Naizvozvo sezvo veimba yaIsraeri vakati, ‘Mazuva anowedzerwa, uye chiratidzo chimwe nechimwe chinokona,’9 saizvozvo panofanira kunge paiva nenguva yaiita sokuti nguva yakatarwa yapfuura, kuti vaseki va2 Petro 3:4 vabvunze kuti, ‘Chipikirwa chokuuya kwake chiri kupi?’ vachizvifadza vachiti, ‘Zvinhu zvose zvinoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.’

GSAM 154.2“Tinotenda kuti muapostora Jakobho aifunga nezvokunonoka kwakadai kwechiratidzo paakati, ‘Naizvozvo, hama dzangu, tsungirirai kusvikira pakuuya kwaShe;’ ‘nemiwo tsungirirai; simbisai mwoyo yenyu, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo.’ Uyezve, ‘Tarirai, Mutongi umire pamukova.’

GSAM 154.3“Uye tinotenda kuti Muponesi wedu, achifanoona kupfuura kwenguva yaitarisirwa, akatiyambira muchitsauko chegumi nezviviri chaRuka, achiti, ‘Zviuno zvenyu ngazvive zvakasungwa, nemwenje yenyu ichipfuta; nemi pachenyu muve savanhu vanomirira She wavo, paachadzoka kumuchato, kuti paanouya achigogodza, vamuzarurire pakarepo.’10 Kumirira kunoreva kuti nguva yapfuura, nokuti nguva iyoyo isati yasvika hatimiriri. Naizvozvo She wedu anowedzera achiti, ‘Vakaropafadzwa varanda avo, vanozowanikwa naShe vakarinda paanouya.’

GSAM 154.4“Ticharamba, kana Mwari achida, tichiparidza kuti, ‘Tarirai, chikomba chouya; budai mundosangana naye;’ uye kuti, ‘Awa yokutonga kwake yasvika.’ Uye tinovimba kuti hatizoregi kuramba tichidanidzira kunyika nokuchechi, kuti vamuke panziyo dzavo dzo‘rugare,’ vateerere kudanwa kwetsitsi dzaMwari. Tinovavarira kuramba takamirira nokurindira kuuya kwaShe, tichitenda kuti kwava kutosvika patiri.”

GSAM 155Kutsigirwa Kwebasa Ravo

GSAM 155.1Kunzwisisa kwakanaka kwemaonero aiita maAdventist basa ravo musi wa21 Kurume, 1844 usati wasvika, uye zuva iroro richangopfuura, kunogona kuwanikwa nokuverenga mashoko anotevera, akatorwa munyaya yaiva nomusoro unoti, “Kutsigirwa,” muMuzivisi weKuuya wa13 Mbudzi, 1844, waibudiswa naJ. V. Himes, S. Bliss, naA. Hale:—

GSAM 155.2“Hatina kukurumidza kugamuchira maonero edu. Tinotenda kuti taitsvaka chokwadi nokutendeseka uye nomwoyo wose. Takateerera murayiro woMuponesi wedu wokunzvera Magwaro. Hatina kuvimba nouchenjeri hwedu pachedu; asi takatarira kuna Mwari kuti atitungamirire nokutiratidza nzira, tikaedza kuzviisa paatari yake, tichivimba kuti aizotungamirira tsoka dzedu zvakarurama. Takaongorora nharo dzose dzaiunzwa kutipikisa tiine chido chomwoyo wose chokuziva chokwadi nokudzivirirwa pakukanganisa; asi tinofanira kubvuma kuti maonero akasiyana-siyana uye amarudzi mazhinji avapikisi vedu akangosimbisa maonero edu. Takaona kuti kunyange isu taiva vakarurama kana vakarasika, vapikisi vedu vaisagona kuva vakarurama; uye vaisabvumirana pakati pavo. Nharo dzomumwe nomumwe dzaiva dzisina simba uye dzakaita sedzavana zvokuti vaitofanira kuramba vachiputsa zvavakanga vaita ivo pachavo; uye namaonero avo aipesana nokupikisana vakaratidza kuti, pasinei nokuti vaiona sei maonero edu, vakanga vasingavimbi namaonero omumwe nomumwe wavo. Pamusoro pezvo, pakanga pasina chinhu chikuru chimwe chete muzvose zvataitenda patakanga tisingatsigirwi nomumwe kana kuti navazhinji vaavo vaishanda kuramba kuuya kwaShe kwakanga kwava pedyo zvikuru. Nepo kunzwisisa Magwaro sezvaanotaura kwaititsigira, vapikisi vedu vakaedza pasina kubudirira kuratidza kuti Magwaro haafaniri kunzwisiswa sezvaanotaura, kunyange zvazvo chiporofita chimwe nechimwe chakazadziswa chakadaro kusvika pazvinhu zviduku zvikuru, sezvazvakanga zvanyorwa chaizvo.

GSAM 156Kuora Mwoyo Kunotsanangurwa

GSAM 156.1“Asi nguva—gore ra1843, iro gore rechiJudha—yakapfuura, tikaora mwoyo nokusaona Mambo pakunaka kwake. Uye vose vaitipikisa vakafunga nomwoyo wose kuti chinhu chimwe nechimwe chaisiyanisa kutenda kwedu chakanga charatidzwa kuva chenhema; uye kuti isu savanhu vakatendeseka taifanira kusiya zvose zvataitenda. Naizvozvo vakashamiswa pavakaona tichiri kubatirira patariro yedu, uye tichiri kutarisira Mambo wedu.

GSAM 156.2“Asi isu, mukuora mwoyo kwedu, hatina kuona chikonzero chokupera simba. Takaona kuti Magwaro airatidza kuti paifanira kuva nenguva yokunonoka, uye kuti apo chiratidzo chainonoka taifanira kuchimirira. Takaonawo kuti pakuguma kwegore nguva yacho yaisagona kunge yaguma zvizere, kunyange kana taifunga kuti maverengero edu enguva akanga akarurama; uye kuti nguva idzodzo dzaigona kuzadziswa bedzi pane imwe nguva mugore rino; asi takabvuma kunyika pachena uye zvizere kuti takanga takanganisa panguva chaiyo yatakanga takatarisira nechivimbo chikuru zvakadaro; asi kunyange takanga takanganisa saizvozvo, tinogona kuona ruoko rwaMwari munyaya iyoyo. Tinogona kuona kuti akashandisa kuparidza ikoko seyambiro kunyika, uye somuedzo kuchechi. Kwakaita kuti vanhu vake vave vakatarisira. Kwakabudisa avo vaida kutambura nokuda kwezita rake. Kwakaratidza avo kudanidzira kwokuuya kwaShe kwaiva mashoko omufaro mukuru kwavari, naavo kwaiva inzwi risingadiwi munzeve dzavo. Kwakaratidza zvisikwa zvose kuti ndivanaani vaizogamuchira kudzoka kwaShe, uye kuti ndivanaani vaizomuramba pakuuya kwake kwechipiri, sezvakaitwa navaJudha pakuuya kwake kwokutanga. Uye tinozviona sedanho rokuzadziswa kwechinangwa chaMwari, mu‘zuva iri rokugadzirira kwake,’ kuti abudise vanhu vaizongotsvaka kuda kwaShe chete, kuti vagadzirire kuuya kwake.”

GSAM 157NHOROONDO YESANGANO PASHURE PAKURUME, 1844

GSAM 157.1Nhoroondo pfupi yesangano rokuuya pashure pa21 Kurume, 1844, inotaurwa mune zvinotevera, zvakatorwa muZviratidzo zveNguva wa31 Gumiguru, 1844:—

GSAM 157.2“Pashure pokupfuura kwa1843,—gore rechiJudha,—ruzhinji rwamaAdventist rwakagara pakutenda kuti kubvira ipapo taisazogona kuverenga nguva dzakati nechivimbo chipi nechipi. Vaitenda kuti takanga tava paisvika maverengero edu enguva, pakuguma kwenguva dzose dzechiporofita, uko kunotarisirwa kuuya kwaShe pakupera kwadzo; uye kuti kunyange taizofanira kumirira bedzi chinguva chiduku icho maverengero edu enguva angasiyana nacho nenguva yaMwari, zvakadaro vaitenda kuti taisazogona kuzivazve nguva chaiyo. Vose vakanga vatora mwenje yavo vakabuda kundosangana neChikomba; asi Chikomba chakanga chanonoka kupfuura nguva (1843) yachaitarisirwa. Panguva yokunonoka kwechiratidzo uku, zvaiita sokuti vose vakanga vatsunga kuchimirira, vachitenda kuti hachaigona kunonotswa, uye kuti chaigona kutarisirwa nguva ipi neipi. Zvisinei, zvakakurumidza kuva pachena zvikuru kuti vazhinji vakanga voronga zvamangwana, zvavangadai vasina kuronga kudai vaitenda kuti She aizouya mugore iri; uye kuti vakanga vavata pakuziva chaizvoizvo kuva pedyo zvikuru kwokuonekwa kwaShe. Namamwe mashoko, vaifunga kuti angauya zuva ripi neripi, kana kuti zvinganonotswa kwechinguva chiduku, pavaigona kufarikanya kuzorora kunovazorodza. Zvakanaka, izvi ndizvo zvakanga zvataurwa noMuponesi wedu kuti zvaizoitika, ‘Chikomba chichinonoka, vose vakatsimwaira, vakavata.’

GSAM 157Kutariswa Kwakanangidzirwa Kumatsutso a1844

GSAM 157.3“Kubvira muna Chivabvu, 1843, Hama Miller vakanga vatiudzirawo kuti titarire mwedzi wechinomwe wegore dzvene rechiJudha, senguva yokucherechedzwa kwezvifananidzo zviya zvinonongedzera kukuuya kwechipiri; uye matsutso akapfuura takatarira nguva iyoyo nechido chikuru. Yakati yapfuura, Hama S. S. Snow vakagamuchira zvizere pfungwa yokuti, maererano nezvifananidzo, kuuya kwaShe, pakunozoitika, kunofanira kuitika pazuva regumi romwedzi wechinomwe; asi vakanga vasina chokwadi negore racho. Pashure vakaona kuti nguva dzechiporofita hadzinyatsoperi kusvikira mugore rino, 1844; ipapo vakatsigira zvakasimba pfungwa yokuti munenge musi wa22 Gumiguru—zuva regumi romwedzi wechinomwe wegore rino—taizoona kuuya kwaShe wokubwinya. Izvi vakazviparidza muNew York, muPhiladelphia, nokune dzimwe nzvimbo mumwaka wokumera nowezhizha zvakanga zvapfuura; uye kunyange vazhinji vakagamuchira maonero avo, hapana chiratidzo chakati chezvibereko zvawo chakaonekwa kusvikira munenge muna Chikunguru.

GSAM 158Zvirimwa Zvakasiyiwa Muminda

GSAM 158.1“Pakutanga kwomwaka vamwe vehama dzedu kuchamhembe kweNew Hampshire vakanga vabatwa zvikuru nokutenda kuti She aizouya imwe nguva yechando isati yasvika, zvokuti havana kurima minda yavo. Pakati paChikunguru,—iyo yaiva nguva yamanheru yapakati pousiku yegore rechiJudha raifananidzwa nezuva (manheru-mangwanani, zvichiverengwa kubva pakugara kwomwedzi mutsva waKubvumbi, kutanga kwegore iri rechiJudha), vamwe vakanga vakusha nokudyara minda yavo vakabatwa zvikuru nokuziva kuva pedyo zvikuru kwokuonekwa kwaShe, zvokuti vaisagona kukohwa zvirimwa zvavo vachiramba vachienderana nokutenda kwavo. Vamwe, pavakapinda muminda yavo kuzocheka uswa hwavo, vakawana vasingatongogoni kupfuurira, uye, vachitevera zvavaiona sebasa ravo, vakasiya zvirimwa zvavo zvakamira mumunda, kuti varatidze kutenda kwavo namabasa avo, nokudaro vachipa nyika mhosva. Izvi zvakakurumidza kupararira kuchamhembe kweNew England.

GSAM 158Kutongwa Kunofanira Kutangira Kuuya

GSAM 158.2“Panguva imwe cheteyo hama dzedu muMaine dzakanga dzagamuchira pfungwa yokuti kutongwa kunofanira kutangira kuuya; kuti kwaiitika panguva imwe chete nokukohwa, uye kwakanga kusiri pakuguma kwenyika chete, asi kwaitora nguva iri pedyo nokuguma, ichikutangira. Maererano nemaonero aya, vaifunga kuti takanga tiri mukutongwa, kuti mutsara wokuparadzanisa wakanga uchitarwa, uye kuti varanda vaMwari vakanga vachiiswa chisimbiso pahuma dzavo, kupedzwa kwazvo kwaizova chiratidzo chokuti vatumwa vana vakabata mhepo ina dzenyika (Zvakazarurwa 7:1), varegedze kubata kwavo.

GSAM 159Kumuka Pakati Pousiku

GSAM 159.1“Pakati paChikunguru kuparidzwa kwenguva kwakatanga kuperekedzwa nechikomborero chaMwari mukudzosa vakanga vadzokera shure, uye avo vakagamuchira rimwe remaonero ataurwa vakaratidza kushanduka kukuru mumafambiro avo, nokumuka pakarepo muhope, sezvakanga zvafanotaurwa. ‘Pakati pousiku pakadanwa, kuchinzi, Tarirai, chikomba chouya; budai mundosangana naye. Ipapo vasikana vose avo vakamuka, vakagadzira mwenje yavo.’ Kubvira muna Chikunguru masangano aya aiva munzvimbo dzakasiyana dzeNew England, akasiyana rimwe nerimwe; asi ose aiperekedzwa nechikomborero chaMwari mukudzosa vazhinji vaiva nemwenje yakanga yoda kudzima, nomukutsveneswa kwavatsvene vake. Pamusangano wemusasa weExeter, masimba ose aya akasangana, akabatana kuva sangano guru rimwe, rikakurumidza kupararira pakati pamapoka ose esangano rokuuya munyika.”

Notes

  1. Mateu 25:1-5. ↩
  2. Mako 2:18-20. ↩
  3. Mapisarema 119:105. ↩
  4. Jeremia 18:18. ↩
  5. Zvakazarurwa 3:3. ↩
  6. Zvirevo 23:20, 21. ↩
  7. Habhakuki 2:1-3. ↩
  8. 2 Petro 2:1, 3. ↩
  9. Ezekieri 12:22, ↩
  10. Ruka 12:35, 36. ↩

Note

Back