Adventist Pioneer
Library
aplib.orgLibrary
Table of Contents
14 / 31
14 / 31

Chitsauko 11 — Shoko Romutumwa Wechipiri

John Norton Loughborough

GSAM 171.1“Zvino kwakatevera mumwe mutumwa, achiti: Rawa, rawa Bhabhironi, guta iro guru, nokuti rakanwisa marudzi ose waini yehasha dzeupombwe hwaro.”1

GSAM 171.2“Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Kurumidza kubuda uende mumigwagwa nomumikoto yeguta, uuye muno navarombo, navakaremara, navanokamhina, namapofu.”2

GSAM 171.3Ishe, achishandisa vashumiri vake, akanga azunungusa nyika neshoko rokuti, “Nguva yokutonga kwake yasvika,”—shoko iro vose vaizviti vanhu vake vaigona kubatana pariri kudai vaida. Uku ndiko kwakanga kuri kudanwa kokutanga ku“mabiko” okuroorana. Kwakanga kwaziviswa “kune vakanga vakokwa.”3 Sezvo kudanwa uku kwakarambwa nezvikonzero zvakasiyana-siyana, kudanwa kwechipiri kwakapiwa, kuchienderana neshoko romutumwa wechipiri.4 Nokudanwa uku Ishe akatsaura vanhu kuti vafambe kusvikira kumugumo wenguva, nechiedza chechokwadi chake chairamba chichiwedzera.

GSAM 171Kudanwa Kwechipiri kuMabiko Okuroorana

GSAM 171.4Shoko rechipiri—iro rinotevera kudanidzira kwenguva yokutonga—rinoti: “Rawa, rawa Bhabhironi, guta iro guru, nokuti rakanwisa marudzi ose waini yehasha dzeupombwe hwaro.” Uye kudanwa kwechipiri kumabiko kunoti: “Kurumidzai kubuda muende mumigwagwa nomumikoto yeguta, muuye muno navarombo, navakaremara, navanokamhina, namapofu.” Mune chimwe nechimwe chezvinyorwa izvi, vanhu vanozviti ndevaIshe vanonzi “guta.” Nemhaka yedzidziso dzavo dzinopikisana uye dzakavhiringidzika vanonzi “Bhabhironi.” Nechimwe chinyorwa chinotaura nezvenguva dzokupedzisira, tinoona kuti nguva pfupi Ishe asati auya, vanhu vake vanodanwa kuti vabude mu“Bhabhironi”: “Rawa, rawa Bhabhironi guru, rava hugaro hwamadhimoni, noutiziro hwomweya mumwe nomumwe wetsvina, necheji yeshiri imwe neimwe isina kuchena inovengwa.... Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kugovana naro zvivi zvaro, uye kuti murege kugamuchira mamwe matambudziko aro.”5

GSAM 172“Rangarira Kuti Wakanzwa Sei”

GSAM 172.1Mumashoko anonyorerwa chechi yeSardhisi tinoverenga kuti: “Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nokunzwa sei, ubatisise, utendeuke. Naizvozvo kana usingarindi, ndichauya kwauri sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya kwauri.”6 Chechi yeSardhisi inoratidzika kuva yakabudiswa neKuvandudzwa kweChechi, pashure penguva yerima yebasa ra“Jezebheri”—chechi yakatsauka pakutenda. Chechi yeSardhisi yakaudzwa kuti yakanga yambova chechi mhenyu; asi payakanzwa ikaramba dzidziso yokuuya kwaIshe, yakazviisa pamamiriro okuti chiitiko ichocho chaigona kuisvikira isina kugadzirira, se“mbavha usiku.” Ndizvo zvinotaurwa nomuapostora Pauro muna 1 VaTesaronika 5:1-5, kuti ndiwo achava mamiriro aavo vanodanidzira vachiti, “Rugare nokuchengeteka,” apo kuuya kwaIshe kwava pedyo. Avo vanotevera chiedza chechokwadi vanonzi “vana vamasikati,” uye Ishe haangauyi kwavari sembavha.

GSAM 172.2Murondedzero iyi yechiporofita yemachechi manomwe, tinoona kuti kuwa kwechechi yeSardhisi kunoteverwa pakarepo nechechi yeFiradherifia, kana kuti (sezvinoreva shoko racho) yokudanana sehama. Ndizvo chaizvo zvakanga zvakaita vatendi 50,000 avo, neshoko romutumwa wechipiri, vakabudiswa mumachechi ose akasiyana-siyana, vakabatanidzwa nechisungo chimwe chokudanana sehama pachokwadi chikuru chinokosha chokuti kuuya kwaKristu kwakanga kwava pedyo zvikuru.

GSAM 173Kuziviswa Kwakaitwa Shoko Rechipiri

GSAM 173.1Kudanidzira kwePakati pousiku kwa12 Gunyana 1844 kune mashoko akataurwa naMukuru J. V. Himes pamusoro peshoko romutumwa wechipiri, uye mamiriro ezvinhu akaita kuti riziviswe. Tsamba yake ine nzvimbo nomusi zvokuti, McConnelsville, Ohio, 29 Nyamavhuvhu 1844, uye inoti:—

GSAM 173.2“Patakatanga basa naHama Miller muna 1840, vakanga vava namakore mapfumbamwe vachipa hurukuro. Munguva iyoyo vakamira vanenge vari voga. Asi kushanda kwavo kwakanga kusingaregi, uye kwaibudirira pakumutsa vaizviti vanamati kuti vazive tariro yechokwadi yavanhu vaMwari, nokugadzirira kunodiwa nokuda kwokuuya kwaIshe; uyewo pakumutsa vanhu vemhando dzose vakanga vasati vatendeuka kuti vaone mamiriro avo okurasika, nebasa ravo rokukurumidza kutendeuka nokudzokera kuna Mwari, vachigadzirira kusangana noMuroori murugare pakuuya kwake. Izvi ndizvo zvakanga zviri zvinangwa zvikuru zvokushanda kwavo. Havana kumboedza kutendeutsira vanhu kune rimwe boka kana divi rechitendero.

GSAM 173.3“Patakagutsikana nechokwadi chokuti kuuya kwaIshe kwakanga kwava pedyo, tikagamuchira dzidziso iyi pachena, takava nemifungo mimwe cheteyo, tikatevera nzira imwe cheteyo pakati pamapoka akasiyana-siyana atakadanwa kuzoshandira maari nokutungamirira kwaMwari. Takaudza vashumiri nemachechi kuti kuaputsa, kana kuapesanisa nokuavhiringidza, kwakanga kusiri chikamu chebasa redu: Takanga tine chinangwa chimwe chakajeka, chokudanidzira ‘mhere,’ nyevero yokutonga kwakanga ‘kwava pamukova,’ nokukurudzira vamwe vedu kuti vagadzirire chiitiko ichocho.... Vashumiri nenhengo vakabatsirwa nokushanda kwedu, asi vakanga vasina kugamuchira dzidziso iyi nomwoyo wose, vakaona kuti vaifanira kuenderana nedzidziso iyi, vachiiparidza nokuitsigira, kana kuti, padambudziko rakanga ratovawira, vaizopesana navatendi vakanga vatsunga uye vakamira vakasimba. Naizvozvo vakasarudza kuramba dzidziso iyi, vakatsunga, vamwe neimwe nzira vamwe neimwewo, kudzvinyirira nyaya iyi. Izvi zvakaisa hama nehanzvadzi dzedu dzaiva pakati pavo mumamiriro aiedza zvikuru. Vazhinji vavo vaida machechi avo, uye vaisagona kufunga nezvokuasiya. Asi pavakasekwa, vakadzvinyirirwa, vakatorerwa nenzira dzakasiyana-siyana kodzero nezvavaifarira zvavaimbova nazvo, uye pavakanyimwa ‘zvokudya nenguva yakafanira,’ nenziyo dzinonyengera dze‘rugare nokuchengeteka’ dzichiridzwa munzeve dzavo kubva pane rimwe Sabata kusvikira pane rinotevera, vakakurumidza kurega kuomerera kumapoka avo, vakasimuka noukuru hwesimba ravo, vakazunza joko vakaribvisa, vakasimudza mhere yokuti, ‘Budai mariri, vanhu vangu.’

GSAM 174Mumamiriro Ezvinhu Aiedza

GSAM 174.1“Mamiriro aya akatiisa panguva yaiedza, (1) Nokuti takanga tava chaipo pamugumo wenguva yedu yechiporofita, yataitarisira kuti Ishe aizounganidza vanhu vake vose kuti vave vamwe; uye (2) takanga tagara tichiparidza dzidziso yakasiyana; zvino mamiriro ezvinhu zvaakanga achinja, taizoonekwa savasina kutendeka kudai taizobatanawo mukudanidzira kuti vanhu vaparadzane nemachechi atigamuchira isu neshoko redu, nokuaputsa. Naizvozvo takazeza, tikaramba tichiita maererano nepatakanga timire pakutanga, kusvikira chechi navashumiri vaita kuti nyaya yacho isvike pakuti takamanikidzwa, tichitya Mwari, kumira tichidzivirira chokwadi navana vaMwari vaitsikwa-tsikwa.

GSAM 174Muenzaniso waVaapostora weNzira Yedu

GSAM 174.2“‘Akapinda musinagoge, akataura asingatyi kwemwedzi mitatu, achikurukura nokunyengetedza pamusoro pezvinhu zvoumambo hwaMwari. Asi vamwe pavakaomesa mwoyo yavo, vakasatenda, vachitaura zvakaipa pamusoro peNzira iyo pamberi pavazhinji, akabva kwavari, akatsaura vadzidzi, achikurukura zuva rimwe nerimwe muchikoro chomumwe ainzi Tirano.’7 Hama dzedu hadzina kunzwa dzichisundwa kubuda nokuparadzana nemachechi kusvikira ‘vamwe vaomesa mwoyo yavo’ uye ‘vataura zvakaipa pamusoro peNzira iyo [kuuya kwaIshe] pamberi pavazhinji.’ Vakanga vasingagoni kutsungirira uku ‘kutaura zvakaipa’ kwe‘varanda vakaipa,’ uye machechi aigona kutevera nzira yokudzvinyirira noku‘taura zvakaipa’ pamusoro paavo vaitarisira ‘tariro yakaropafadzwa,’ kwavari akanga asiri chimwe kunze kwavanasikana veBhabhironi rechakavanzika. Vakazivisa kuti ndizvo zvaakanga ari, vakapinda murusununguko rwevhangeri. Uye kunyange zvazvo tingasava vose tinobvumirana pamusoro pokuti chii chinonzi Bhabhironi, tinobvumirana pakuparadzana pakarepo uye zvachose navose vanopikisa dzidziso yokuuya kwaIshe noumambo hwaMwari hwava pedyo. Tinotenda kuti iyi inyaya youpenyu norufu. Rufu kuramba takabatana namapoka iwayo anorerutsa kana kupikisa kuuya kwaIshe. Upenyu kubuda patsika dzose dzavanhu, nokumira pashoko raMwari, tichitarisira zuva rimwe nerimwe kuonekwa kwaIshe. Naizvozvo zvino tinoti kuna vose vakasungwa neimwe nzira mujoko rouranda, ‘Budai pakati pavo, muzviparadzanise, ndizvo zvinotaura Ishe, uye musabata chinhu chisina kuchena; ini ndichakugamuchirai, ndichava Baba kwamuri, nemi muchava vanakomana navanasikana vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Wamasimba Ose.’”8

GSAM 175Kupikisa Kusingatsananguriki

GSAM 175.1William Miller anotaura sezvizvi pamusoro pokurwisana kwaivapo panguva iyoyo pakati pamachechi namaAdventist:—

GSAM 175.2“Hazvienderani nezvaifanira kuitika uye hazvitsananguriki zvachose kuti machechi echiKristu anofanira kuramba dzidziso iyi nokudzinga nhengo dzawo nokuda kwetariro iyi yakaropafadzwa. Ndinoziva kuti mamwe machechi echiBaptist anoti haavadzingi nokuda kwokutenda kwavo, asi nokuda kwokugoverana kwavo chirairo navatendi vokuuya kwaIshe. Zvino kana zvisiri nokuda kwokutenda kwavo muMuponesi anouya, ini ndinodzivirirwei kuparidza papurupiti dzavo, ini ndisina kumbogoverana chirairo neimwe chechi kunze kwechechi yechiBaptist? Icho chikonzero chenhema. Asi ichi hachingavi chikonzero chamaMethodist namaPresbyterian; nokuti vanotenda mukugoverana chirairo nevemamwe machechi. Vanodzingira chii? Ndakanzwa nezvavamwe vakadzingwa nokuda kwoku‘imba nziyo’ dzokuuya kwechipiri; vamwe vachinzi vanopenga, asi zvose zvakaratidzwa zvichinzi kupenga kwavo zvaingova kuti vakanga vakarindira Kristu. Haiwa Mwari, ‘varegererei, nokuti havazivi zvavanoita.’”

GSAM 176Storrs Pamusoro peMafungiro aMachechi

GSAM 176.1George Storrs akataura sezvizvi pamusoro pemafungiro amachechi pamusoro pamaAdventist:—

GSAM 176.2“Ndeapi pakati pawo, panguva ino, asingati, ‘Ndigere samambokadzi’? Uye ndeapi pakati pawo asingazvifadzi nepfungwa yokuti rimwe zuva achakunda nyika, uye kuti ichaiswa pasi pokutenda kwawo? Ndeapi pakati pawo achatendera munhu kuramba ari pakati pawo murugare, iye achizivisa pachena asingatyi kutenda kwake mukuuya kwaIshe kwava pamukova? Kuti urambe uri pakati pawo usinganetswi, hausungirwi here ‘kurega zvachose’ kutaura pachena kutenda kwako mukuuya kwaIshe gore rino, pasinei nokuti unotenda zvakadii panyaya iyi, uye pasinei nokuti unoona zvichikosha zvakadii kudanidzira kuti, ‘Ityai Mwari, mumurumbidzei, nokuti nguva yokutonga kwake yasvika’?”

GSAM 176Uchapupu hwaMansfield

GSAM 176.3L. D. Mansfield, achinyora ari kuOneida, N.Y., musi wa21 Kurume 1844, anopupura sezvizvi:—

GSAM 176.4“Mwari ari kubata pfungwa dzavana vake vanodiwa vakarindira Ishe anobva kudenga, achivatungamirira kuti vasangoteerera chete mutumwa ‘ane vhangeri risingaperi rokuparidza, achiti, Nguva yokutonga kwake yasvika,’ asi kuti vateererewo murayiro unotevera wokuti, ‘Budai mariri, vanhu vangu!’ Ndava nechokwadi zvikuru kupfuura nakare kose, chokuti masangano ezvitendero emazuva ano anoumba chikamu chisiri chiduku cheBhabhironi iro richawisirwa pasi nechisimba, rikasawanikwazve zvachose.... Zvisinei, kwandiri zvinoratidzika kuti mune mamwe masangano kufanana nenyanga duku kunooneka zvikuru. Mimwe mienzaniso ichajekesa nyaya iyi.

GSAM 176Mweya weMhomho Inoita Mhirizhonga Unoratidzwa

GSAM 176.5“Imwe hama yakanga yashanda ichibudirira zvikuru munharaunda ino, ichizivisa kuuya kwaIshe, yakaronga kuzopa hurukuro pane imwe nzvimbo nenguva yakatarwa. Ishe akaronga zvinhu zvokuti hama iyi yakanga iri mamaira gumi namatanhatu kubva panzvimbo yakatarwa, asi mumwe mushumiri we_____ akanga aripo, ari pamberi pemhomho yaida kuita mhirizhonga, ine tara neminhenga, nechinangwa chokuzvizora nokuzvinamatidza pamuranda iyeye waMwari Wokumusoro-soro. Mushumiri mumwe cheteyu akatanga misangano yakaenderera kwamazuva mazhinji nguva pfupi pashure paizvozvo, asi zvose zvakanga zvichitonhora sechando chinofamba choKuchamhembe—hapana mweya yakamutswa kana kutendeutswa. Pakupedzisira mushumiri akati aifunga kuti iye pachake ‘aizofanira kunogara pachigaro chavanotsvaka kutendeuka.’

GSAM 177.1“Mumwe mutungamiriri weboka mumusha muno akaudza boka rake, kubva patakatanga kuita misangano pano, kuti kana munhu akapinda mumba make akati anotenda kuti Kristu achauya gore rino, aizomudzingira kunze.”

GSAM 177Zvatinofanira Kuita kuMachechi

GSAM 177.2Pano tichaisa uchapupu hunobva pamashoko akanyorerwa musangano wavatendi vokuuya vakaungana muBoston, Mass., musi wa31 Chivabvu 1844, akasainwa naWilliam Miller, Elon Galusha, N. N. Whiting, Apollos Hale, naJ. V. Himes. Vanoti:—

GSAM 177.3“Tinogonawo kutaura shoko pamusoro pezvatinofanira kuita kuMachechi. Pano, sezvazvakaita mune dzimwe nyaya zhinji, tinoona ngozi iri pakunyanyisa. Ngozi yokutanga ndeyokubvumira simba rechechi yatinenge tiri nhengo dzayo kuti ritinyaradze panyaya yakadai yezvatinofanira kuita. Hatipokane kuti zviuru zvakazviunzira mhosva pamberi paMwari nokuteerera zvinorayirwa nemachechi avo zvisingabvi muMagwaro panyaya iyi. Kudai vakanga vakatsiga uye vakatendeka, zvino vangadai vari pamamiriro akachengeteka zvikuru uye vachibatsira zvikuru, kunyange zvazvo vangadai vakadanwawo kuti vatambudzike.

GSAM 177.4“Ngozi yechipiri ndeyokuzviisa pasi pomweya wokutsiva machechi nokuda kwokusaruramisira kwawo kwatiri, uye kurwisa masangano ose akadaro pasina kusiyanisa. Kana tiri pabasa ramaAdventist kumachechi avanenge vari nhengo dzawo, kunyange dai taikumbirwa kuita izvozvo, hatingapi mirayiridzo ingashanda kwavari vose. Vanofanira kuita zvinhu vachitya Mwari, sezvinodiwa namamiriro enyaya yacho.

GSAM 178.1“Asi tinofanira kutsiga pakuita basa redu, tichipupurira chokwadi panguva dzose dzakafanira uye dzakakodzera. Kana tikaita saizvozvo tichigumbura machechi, akatityisidzira nokutidzinga kana tisinganyarari (kunyange zvazvo, kana tikaona zvakakodzera kugumisa ukama hwedu nechechi norugare, iyoyo ingava nzira iri nani), ngatiitei basa redu, uye kana tadzingwa, titsungirire kusaruramisirwa kwacho nomwoyo murefu, tichida kuenda pamwe naTenzi wedu ‘kunze kwesuo, takatakura kushorwa kwake.’”

GSAM 178.2Kubva mumashoko aya akatorwa pamusoro pezvakaitwa namachechi kuna avo vaipa shoko romutumwa wechipiri, zviri nyore kuona kuti, somugumisiro wokutanga wokupa kudana uku kwechipiri ku‘chirayiro,’ avo vakaunganidzwa mudanga rimwe romweya vanotaurwa nezvavo se‘zvirema,’ ‘vanokamhina,’ uye ‘mapofu.’ Izvi zvinonyatsoratidza kubatwa zvakaipa kwavakanga vaitwa noku‘rohwa’ na‘vamwe varanda’ vavo, avo vakanga vaparadzana navo.

GSAM 178Vanhu Vakaparadzana Vakasarudzwa Kuti Vagamuchire Zvokwadi Zvitsva

GSAM 178.3Chinangwa chaIshe chinogona kuonekwa zvakajeka pakubudisa vanhu vakazvimirira kubudikidza nokuparidzwa kweshoko romutumwa wechipiri—kudana kwechipiri ku‘chirayiro’—uye ‘kudanidzira kwepakati pousiku.’ Zvokwadi dzinokosha dzamazuva okupedzisira dzaifanira kutsvakwa dzichiwanikwa, uye kuparidzwa. Basa iri raisagona kuitwa mumachechi ‘akasungwa nedzidziso dzawo dzakatarwa,’ sezvo chechi yavaapostora yaisagonawo kuparidzira nyika vhangeri ichiri kuchengeta ukama namapoka echitendero echiJudha. Mwari akadana vanhu kuti vaparadzane ipapo,9 uye akadanawo vatendi vokuuya kuti vaparadzane navaya vaizoedza kuvasungirira mukati memiganhu yedzidziso dzavo dzakatarwa.

GSAM 179‘Mharidzo Nhanhatu’ dzaStorrs

GSAM 179.1Nguva pfupi vabuda saizvozvo, tinoona kuti chiedza chakasvika kumapoka avatendi vokuuya pamusoro pechirango chomunguva inouya, sezvakatsanangurwa mukabhuku kanonzi ‘Mharidzo Nhanhatu,’ kakanyorwa naGeorge Storrs. Kakadzidzisa kuti munhu pamasikirwo ake anofa; kuti vakafa havana chavanoziva kubva parufu kusvikira pakumuka kuvakafa; kuti chirango chokupedzisira chavasingadi Mwari chichava kuparadzwa chose; uye kuti kusafa chipo chaMwari, chinogamuchirwa chete nokutenda muna Ishe wedu Jesu Kristu.

GSAM 179.2Zviuru zvamaAdventist zvakagamuchira dzidziso iyi pamusoro pamasikirwo omunhu, asi kwete vose. Kuiramba hakuna kuunza nyonganyonga pakati pavo, nokuti yaingotorwa senyaya yokutenda, isingashandiswi kutonga kururama kwomunhu. Naizvozvo kushanda kwavo pamwe chete pakuyambira nyika nezvokuswedera kwokuuya kwaKristu hakuna kukanganiswa. Asi dzidziso iyi yakaita kuti machechi awedzere kuvatsamwira.

GSAM 179Kutadza Kupikisa ‘Mharidzo Nhanhatu’

GSAM 179.3Mushumiri wechechi yeMethodist muguta randaigara, uyo akanga ambobatana navamwe mukuparidza dzidziso yokuuya muna 1843, akagamuchira ‘Mharidzo Nhanhatu,’ akaiverenga, akabvuma kunhengo dzechechi yake kuti akanga asingagoni kupikisa dzidziso yacho. Asi paakaona kuti nhengo zhinji dzechechi yake dzaiigamuchira, akarayira vamwe kuti vasaverenga bhuku racho, nokuti ‘vaizotenda dzidziso yacho kana vakariverenga.’ Mumwedzi waGunyana 1844, mushure mokunge mushumiri uyu adzoka kumusangano wegore negore, akasimuka pachikuva chake chokuparidza, akaramba dzidziso yokuuya pachena, ndokukumbira chechi nokuzvininipisa kuti imukanganwire nokuti akanga ambokoka vatauri kuti vataure muimba yokunamatira.

GSAM 179Kutongwa Nokuda Kwokutsauka Padzidziso

GSAM 179.4Chiito ichi chomushumiri chakakurumidza kuteverwa nokuedza kutonga vatendi vokuuya vachipomerwa kutsauka padzidziso. Asi sezvo vakabvumirwa kuzvidzivirira vachishandisa Bhaibheri, chechi haina kukunda. Vamwe vakadzingwa muchechi iyi nokuti zvavaiita zvaisawirirana nemitemo yechechi, uye vamwe vazhinji vakabuda nokuda kwokudzingwa uku kwenhengo dzine kutenda kwaisagona kuratidzwa kuti kwaipesana naMagwaro. Saizvozvo dzidziso yokuuya yakavharirwa kunze kwechechi nokusingaperi, muchechi umo mazana akanga awana Muponesi uye apiwa mufaro muna Mwari.

GSAM 180.1Zvakaitwa muguta randakaberekerwa zvakaitwawo mumazana amamwe machechi munyika yose. Avo vakabatwa saizvozvo nedzaimbova hama dzavo vakawana nyaradzo huru mumashoko omuporofita Isaya anoti: ‘Inzwai shoko raJehovha, imi munodedera neshoko rake: Hama dzenyu dzaikuvengai, dzaikudzinga nokuda kwezita rangu, dzakati, Jehovha ngaakudzwe; asi iye achaonekwa kuti mufare, ivo vachanyadziswa.’10

GSAM 180Hasha dzaVakaipa Dzinoratidzwa

GSAM 180.2Zuva raitarisirwa kuuya kwaIshe zvaraiswedera, vatendi vakawedzera kushingaira mumabasa avo, uye vakaipa vakawedzera kushatirwa nokunyomba zvine hasha, sezvichaonekwa mumashoko anotevera akanyorwa nomupepeti weKudanidzira kwePakati Pousiku wa31 Gumiguru 1844:—

GSAM 180.3“Zvakaitwa nesangano iri kuvakaipa zvakabatsirawo zvikuru kutisimbisa mukutenda kwedu kuti Mwari akanga arimo. Vana vaMwari pavakaungana kuti vazviwisire pasi nokuzvininipisa pamberi pake, vachigadzirira kuonekwa kwake, sezvakanga zvakafanira boka ravatadzi vaigona kuponeswa nenyasha chete, vakaipa vakaratidza ruvengo rukuru kwazvo. Patakanga tisina kuzivisa misangano yedu kunze kwomubepanhau redu chete, uye tisina kukokera vanhu vose ikoko, vanakomana vaBheriari vakadirana mumisangano iyi, vakakonzera nyonganyonga huru. Manheru oMugovera, musi wa12 womwedzi uno [12 Gumiguru 1844], hatina kuita musangano mutabhenakeri, kuti muchengeti weimba yokunamatira [muchengeti wechivako] awane mukana wokuchenesa imba achigadzirira Sabata [zuva rokutanga revhiki]. Asi mhomho yakapaza ikapinda mumba, ikaramba kunyange mukana iwoyo. Zvisinei, meya, asina kukumbirwa, akakurumidza kupindira, akavadzinga.

GSAM 181.1“Pamisangano yedu yeSabata rakatevera, tabhenakeri yazara, mhomho yavanhu yakazadza mugwagwa waiva pamberi pechivako. Vazhinji vavo vakanga vakashatirwa nokuti paiva navanhu vaitenda kuuya kwaIshe. Manheru, nokuda kwenyonganyonga yavanhu, hapana musangano wakaitwa; kunyange zvakadaro mugwagwa wakazadzwa nemhomho manheru achangotanga; asi kukurumidza kupindira kwameya namapurisa ake aikwanisa basa kwakabvisa vanhu mumugwagwa, mushure mokunge vamwe vashoma vaendeswa kukamba yamapurisa. Taigona kungofananidza maitiro emhomho iyi neaya avakakomba suo raRoti, manheru kwakanga kwava pedyo nokuparadzwa kweSodhoma.... Zvavakaita izvi zvakauya nokukurumidza zvikuru, zvichiitika panguva imwe chete uye munzvimbo zhinji, zvokuti kuonekwa kwazvo pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe wevaJudha kwakatisimbisa pakufunga kwedu kuti uyu unofanira kuva iwo mwedzi wacho.”

GSAM 181Vanyombi Vanopfeka Nguo Dzokukwira Kudenga

GSAM 181.2Musi wa22 Gumiguru 1844, zuva rakapera mazuva 2300, muParis, Maine, vatendi pavakanga vakaungana muimba yokunamatira vachinyengetera kuna Mwari nomwoyo wose, vachitarisira kuti Ishe aizosvika zuva iroro, vanyombi vakaungana vakakomberedza imba yacho, vachiimba nziyo dzokuseka. Vaviri vavanhu ava vaiita bongozozo vakapfeka nguo refu chena, vakakwira padenga reimba, vakaimba nziyo, vakanyomba vaya vaiva mumba vainyengetera uye vakamirira kuuya kwaIshe.

GSAM 181.3Zvingangodaro kuti pachiitiko ichi ndipo pakabva nhema dzakaparadzirwa dzokuti maAdventist aipfeka nguo dzokukwira kudenga. Nokuti kunyange zvazvo mapepanhau avatendi vokuuya akavimbisa mibayiro yaisvika ku$500 kuna aizoratidza chiitiko chimwe chakavimbika chokuti muAdventist akapfeka nguo yokukwira kudenga muna 1844 akamirira kuuya kwaIshe akadaro, hapana kana chiitiko chimwe chakamboratidzwa.

GSAM 182Chiratidzo chaHazen Foss, 1844

GSAM 182.1Panenge panguva iyi muPoland, Maine, maigara jaya rainzi Hazen Foss, raitenda zvakasimba kuti Ishe aizosvika pazuva rechigumi romwedzi wechinomwe. Aiva murume aitaridzika zvakanaka, aitaura zvinofadza, uye aiva nedzidzo yakanaka. Mavhiki mashomanana ‘kudanidzira kwepakati pousiku’ kusati kwapera, Ishe akaswedera kwaari akamupa chiratidzo, chaakaratidzwa rwendo rwavanhu vokuuya vachienda kuguta raMwari, pamwe chete nengozi dzavo. Akapiwa mamwe mashoko eyambiro aaifanira kuudza vanhu, uye akaratidzwawo miedzo nokutambudzwa zvaizotevera kana akatendeka pakurondedzera zvaakanga aratidzwa. Iye, saVaFoy, akaratidzwa nhanho nhatu dzaizoita kuti vanhu vaMwari vasvike zvizere panzira yaienda kuguta dzvene. Sezvo aitenda zvakasimba kuti Ishe aizouya ‘kwangosara mamwe mazuva mashomanana’ (sezvavaiimba panguva iyoyo), chikamu chechiratidzo chaiva pamusoro penhanho nhatu dzokusvika panzira chakanga chisingatsananguriki kwaari. Uye sezvo pahunhu hwake aiva nomweya wokuzvikudza, akatya muchinjikwa, akaramba kuchirondedzera. Chiratidzo chakadzokororwa kechipiri, uye pamusoro pacho akaudzwa kuti kana akaramba kurondedzera zvaakanga aratidzwa, mutoro waizobviswa kwaari wopiwa kunomumwe wavana vaIshe vasina simba zvikuru, uyo aizorondedzera nokutendeka zvaizoratidzwa naMwari. Akaramba zvakare. Ipapo akapiwa chiratidzo chechitatu, akaudzwa kuti akanga asunungurwa, uye mutoro wakaiswa pane mumwe wavasina simba kupfuura vamwe vasina simba, uyo aizoita zvinorayirwa naIshe.

GSAM 182Foss Anotadza Kurondedzera Chiratidzo Chake

GSAM 182.2Izvi zvakavhundutsa jaya iri, rikafunga kurondedzera zvarakanga raratidzwa, naizvozvo rikazivisa nguva yomusangano waro. Vanhu vakaungana vakawanda kuti vaone uye vanzwe. Akanyatsorondedzera zvakanga zvaitika kwaari, kuti akanga aramba sei kurondedzera zvaakanga aratidzwa naIshe, uye zvaizobva pakuramba kwake. Akati, ‘Zvino ndicharondedzera chiratidzo.’ Asi nhamo! Nguva yakanga yapfuura: akamira pamberi pavanhu asina shoko, somufananidzo wakavezwa, akazoti nokurwadziwa kukuru kwazvo, ‘Handigoni kuyeuka shoko rimwe chete rechiratidzo.’ Akamonyanisa maoko ake nokurwadziwa, achiti, ‘Mwari azadzisa shoko rake. Abvisa chiratidzo kwandiri,’ uye achitambudzika zvikuru mumwoyo akati, ‘Ndiri munhu akarasika.’ Kubvira panguva iyoyo akarasa tariro yake muna Kristu, akapinda mukuora mwoyo kusina tariro. Haana kuzombopindazve musangano wamaAdventist, uye akanga asisina hanya nechitendero iye pachake. Maitiro ake muzvinhu zvizhinji, kutaura zvishoma, aiva omunhu abvisirwa kutungamirirwa nounyoro noMweya waTenzi, munhu ‘akasiyiwa achitevera nzira dzake, kuti agutswe namabasa ake.’ Akafa muna 1893 aine mwoyo uri pamamiriro aya.

GSAM 183Chiratidzo chaFoss Chinorondedzerwa Nomumwe

GSAM 183.1Panenge papera mwedzi mitatu kubva paakatadza kuyeuka chiratidzo chake, ari mukamuri raiva pedyo akanzwa mumwe munhu achirondedzera chiratidzo. Musangano wakanga uchiitirwa muimba yaigarwa navanhu, maaiva. Akakurudzirwa kuti apinde mumusangano, asi akaramba kuita saizvozvo. Akati chiratidzo chacho chakanga chakafanana zvikuru nechaakanga aratidzwa, sokurondedzera kungaita vanhu vaviri chinhu chimwe chete. Saizvozvo zvakazivikanwa zvaakanga aona asi akatadza kuyeuka paaiedza kuzvirondedzera. Paakazoona munhu wacho, akati, ‘Uyu ndiye mudziyo uyo Ishe akaisa mutoro pauri.’

GSAM 183Kuora Mwoyo Kukuru

GSAM 183.2Zuva rechigumi romwedzi wechinomwe, pakuverenga nguva kwavaJudha (22 Gumiguru 1844), rakazosvika. Rakawana zviuru nezviuru zvavanhu vakanga vachitarisira kuti tariro dzavo dzizadziswe panguva iyoyo. Vakanga vasina kugadzirira chinhu chipi nechipi chepanyika chaizodiwa mushure mezuva iroro. Vakanga vasina kunyange kupa nzvimbo kupfungwa yokuti, ‘kana zvisina kuitika,’ asi vakanga varonga zvinhu zvavo zvenyika sezvavaizoita kudai vaitarisira kuti zuva iroro ndiro raizogumisa upenyu hwavo hwepanyika. Vakanga vayambira uye vakurudzira vakaipa kuti vatize kutsamwa kuri kuuya, uye vazhinji vavo vaitya kuti shoko ringazova rechokwadi. Vakanga varayira uye vanyengetera nehama dzavo, vakaonekana navaya pakati pavo vakanga vasina kupa mwoyo yavo kuna Mwari. Muchidimbu, vakanga vaonekana nezvinhu zvose zvepanyika nomwoyo wose wakadzikama wakafanira munhu anozviona ava pedyo nokuonana chiso nechiso noMutongi wenyika yose. Saizvozvo, vachitarisira zvikuru zvokuda kutadza kufema, vakaungana panzvimbo dzavo dzokunamatira, vachitarisira kuti chero nguva vanganzwa ‘inzwi romutumwa mukuru nehwamanda yaMwari,’ uye vaone matenga achipenya nokubwinya kwaMambo wavo akanga achiuya.

GSAM 184.1Maawa akapfuura zvishoma nezvishoma, uye pakupedzisira zuva parakanyura kumavirazuva, zuva rechigumi romwedzi wechinomwe wavaJudha rakanga rapera. Mimvuri yousiku yakatambanudzazve chifukidzo chayo cherima chinosuwisa pamusoro penyika; asi nerima iroro kwakauya kurwadziwa kwokusuwa mumwoyo yavatendi vokuuya, kwakanga kungafananidzwa chete nokusuwa kwavadzidzi vaIshe wedu pavaifamba vakaremerwa mwoyo vachienda kudzimba dzavo pausiku hwakatevera kurovererwa pamuchinjikwa nokuvigwa kwouyo wavakanga vachangobva kuperekedza vachipembera kupinda muJerusarema saMambo wavo.

Notes

  1. Zvakazarurwa 14:8. ↩
  2. Ruka 14:21. ↩
  3. Ruka 14:17. ↩
  4. Ruka 14:21; Zvakazarurwa 14:8. ↩
  5. Zvakazarurwa 18:2-4. ↩
  6. Zvakazarurwa 3:3. Kuti uwane tsananguro yakazara yemachechi manomwe, ona Mifungo Pamusoro paDhanieri naZvakazarurwa. ↩
  7. Mabasa 19:8, 9. ↩
  8. 2 VaKorinte 6:17, 18. ↩
  9. Mabasa 13:46. ↩
  10. Isaya 66:5. ↩

Note

Back