Chitsauko 26 — Misheni Dzedu Dzokune Dzimwe Nyika
GSAM 403.1“Zvakanyorwa kuti, Avo vasina kutaurirwa nezvake vachaona; uye avo vasina kunzwa vachanzwisisa.”1
GSAM 403.2Misheni yedu yokutanga kunzvimbo iri kunze kweUnited States yakavhurwa muna 1874, apo Mukuru J. N. Andrews akatumirwa kuSwitzerland, ndokutangapo basa.
GSAM 403NHARAUNDA YEPAKATI YEEUROPE
GSAM 403.3Nyika sere dzaiva panguva iyoyo dziri mumisheni iyi; dzinoti Switzerland, France, Italy, Turkey, Belgium, Spain, Portugal, neGreece, nzvimbo yaiva nevanhu 140,000,000.
GSAM 403.4Panguva ino zvingava zvinofadza kutaura mamiriro ezvinhu akaita kuti vanhu vedu vapinde mumisheni yakakura kudaro munharaunda, panguva iyo sangano raiva duku pahuwandu.
GSAM 403Mukuru Czechowski
GSAM 403.5Muna 1865, Mukuru M. B. Czechowski, mupristi weKaturike wokuPoland akatendeuka, akanga agamuchira chokwadi chiripo, akashuva kuti vanhu vedu vamutume ari mumishinari kuEurope yepakati. Sezvo izvi zvakanga zvisingagoneki panguva iyoyo, akaisa nyaya yake kumaAdventist ezuva rokutanga veBoston, Massachusetts, avo zvimwe vaifunga kuti akanga asisina kubatana zvachose nevanhu vedu. Kunyange zvakadaro, vakawana mari yaidiwa, vakamutumira kumisheni yaaishuva.
GSAM 404Vachengeti veSabata muSwitzerland
GSAM 404.1Muna 1866, akadzidzisa chokwadi cheSabata neshoko romutumwa wechitatu muTramelan, Switzerland; basa iri rakaita kuti pave neboka revachengeti veSabata. Nokukurumidza akavasiya kuti adzidzise shoko kuHungary. Haana kuudza boka rokuTramelan nezvebasa redu muAmerica, asi Albert Vuilleumier, mumwe wavo, aigona kuverenga Chirungu. Netsaona akaona kopi yeOngororo yeKuuya (Advent Review). Nenzira iyi kunyorerana pakati penyika mbiri idzi kwakatanga.
GSAM 404Mukuru Erzenberger Anotumirwa kuAmerica
GSAM 404.2Muna 1869 James Erzenberger wokuTramelan akatumirwa kuAmerica kuti adzidze mutauro weChirungu uye anyatsoziva dzidziso netsika dzemaAdventist ezuva rechinomwe. Akasvika muBattle Creek musi wa18 Chikumi, akagara muAmerica gore rimwe nehafu. Akabva muNew York parwendo rwokudzokera musi wa9 Gunyana 1870. Muna Chikumi wegore iroro, Ademar Vuilleumier akashanyira nyika ino, kwaakagara makore anenge mana. Paakadzokera kumusha, aiperekedzwa naMukuru Andrews. Vakasvika muNeuchatel musi wa16 Gumiguru 1874.
GSAM 404.3Muna 1875, Mukuru D. T. Bourdeau nemhuri yake vakabva muAmerica vakaenda kuFrance, kwavakagoverwa nekomiti kuti vashande.
GSAM 404Pepa rechiFrench Rinotangwa
GSAM 404.4Mugore rakatevera, muna Chikunguru 1876, muBasel, Switzerland, kwakatangwa kubudiswa kwepepanhau romutauro wechiFrench rainzi Les Signes des Temps (Zviratidzo zveNguva). Musi wa13 Chivabvu 1882, makore matanhatu gare gare, Mukuru Haskell akafamba nechikepe kubva kuNew York City kuenda kuEurope. Parwendo urwu rwoumishinari akapedza nguva yakati muSwitzerland.
GSAM 405Mukuru Whitney Anoenda kuBasel—Rufu rwaMukuru Andrews
GSAM 405.1Musi wa26 Chikunguru 1883, Mukuru B. L. Whitney nemhuri yake vakasvika muBasel; akanga agadzwa nekomiti yeMusangano Mukuru kuti atarisire mumisheni iyoyo, achitsiva Mukuru Andrews, uyo utano hwake hwakanga huchikurumidza kuipa. Mwedzi mishomanana gare gare, muna Gumiguru wegore iroro, akafa.
GSAM 405.2Mukuru Andrews haana kuwana mikana yezvikoro zvepamusoro nemakoreji pauduku hwake, asi akanga akadzidza zvikuru, ari munhu anodzidza ari oga kana kuti akazvivakira dzidzo, sekudanwa kwaanoitwa nenyika. Nokushingaira kwake pakudzidza akagona chiLatin, chiGiriki nechiHebheru, uye mumakore akatevera mutauro wechiFrench. Akadzidza chiFrench kuti chimubatsire kuvhura nokufambisa basa muMisheni yeEurope yepakati, kwaakashanda kwemakore matanhatu okupedzisira oupenyu hwake, achinyorera nokubudisa Zviratidzo zveNguva zvechiFrench, pamwe nokuparidza nomutauro iwoyo. Paaishanda saizvozvo ndipo parwakazomubata rufu.
GSAM 405Dr. Kellogg muEurope
GSAM 405.3Muchirimo cha1883, Dr. J. H. Kellogg akashanyira Europe nokuda kwetsvakurudzo yezvokurapa. Akapedza mazuva mashomanana pamisheni imwe neimwe yedu, uye kushanya kwake kwakakurudzira zvikuru vashandi; zvikurukuru zano rake pamusoro pebasa muBasel rakakosheswa zvikuru naMukuru Andrews.
GSAM 405Mukuru Butler Anoshanyira Europe
GSAM 405.4PaMusangano Mukuru wakaitwa muna Gumiguru 1883, zvakakurudzirwa kuti nokukurumidza sezvinobvira pabudiswe pepanhau muEngland. Somugumisiro weimwe vhoti yakaitwa pamusangano uyu, Vakuru Geo. I. Butler, M. C. Wilcox naA. C. Bourdeau vakaenda kunobatsira basa muEurope nomuEngland. Mukuru Butler akasvika nechikepe muGlasgow, Scotland, musi wa27 Kukadzi 1884. Chimwe chinangwa chokushanya kwaMukuru Butler kumisheni dzokune dzimwe nyika kwaiva kudzidza nokuona pachake matambudziko okufambisa basa munyika dzokumwe uye nzira dzokuakunda. Iyewo akapedza nguva yakati muBasel nomunharaunda yeEurope yepakati. A. C. Bourdeau akashanda pakati pevanhu vechiFrench mumipata yeAlps, pakati pavaWaldens; M. C. Wilcox akabatanidzwa nebasa rokudhinda nokunyora muEngland, achigara kusvikira pakupera kwa1886.
GSAM 406Imba Yokudhinda Inovakwa muBasel
GSAM 406.1Muna 1884, imba yokudhinda yainzi Imprimerie Polyglotte (zita rinoreva kudhinda mumitauro yakawanda) yakavakwa muBasel. Muna Kurume 1885, H. W. Kellogg akabvumirwa nekomiti yeMusangano Mukuru kushanyira Basel nokutenga michina yaidiwa yeimba yokudhinda. Akaita izvozvo, uye nokudaro muBasel, guta rekare, pakamiswa fekitari yokudhinda yakashongedzerwa zvakanaka, iri yemaAdventist ezuva rechinomwe.
GSAM 406.2Panguva yokushanya kwaMukuru Butler kuEurope, pepanhau rechiGerman rainzi Herold der Wahrheit (Muzivisi Wechokwadi) rakadhindwa pahofisi yeBasel. Mugore rimwe chetero, magazini yechiRomania yainzi Adevărulu Prezentu (Chokwadi Chiripo) yakabudiswa pahofisi iyi. Rimwewo rechiItalian rainzi L’Ultimo Messagio (Mashoko Okupedzisira) rakabudiswa. Magazini mbiri dzokupedzisira idzi dzaiva nemapeji gumi nematanhatu uye dzaibuda kamwe chete pamwedzi mitatu. PaMusangano wemachechi weSwitzerland muna Gumiguru 1884, zvakataurwa kuti mugore iroro makopi 146,000 emagazini mana aya akanga adhindwa nokutenderedzwa. Kusvikira muna 1895, apo hofisi yokudhinda yakabviswa muBasel (nemhaka yokutambudzwa) ikaendeswa kuHamburg, Germany, mabhuku nematurakiti zvakanga zvabudiswa mumitauro gumi neimwe: chiFrench, chiGerman, chiItalian, chiRomania, chiSpanish, chiBohemian, chiRussian, chiDutch, chiHungarian, chiArmenian, chiTurkish nechiTurkish-Greek. Saka, sezvaiyambotaurwa nezita rayo, yakanga iri nzvimbo “yokudhinda mumitauro yakawanda.”
GSAM 407Mai White Vanoshanyira Europe
GSAM 407.1Musi wa3 Gunyana 1885, Mai White, mwanakomana wavo W. C. White nemhuri yake vakasvika muBasel. Vakagara munyika dzekare kwegore rimwe nehafu, vachishanyira misheni dziri muEurope yepakati, uko vakapa rubatsiro runokosha kumisheni dzakasiyana-siyana.
GSAM 407Musangano wemachechi weSwitzerland Unorongwa
GSAM 407.2Musi wa10 Gunyana 1885, Musangano wemachechi weSwitzerland wakarongwa. Mushumo wakapiwa panguva iyoyo wakataura kuti musangano uyu waiva nemushumiri akagadzwa mumwe, vane marezinesi vanomwe, machechi gumi nenhengo 224. Gore rakanga rapfuura ava vakabhadhara chegumi che$1,645.11. Pamusoro pazvo, mipiro ye$2,041.22 yakanga yapiwa kubasa.
GSAM 407Mukuru Waggoner muEurope
GSAM 407.3Mai White, pamwe naW. C. White nemhuri yake, vakadzokera kuAmerica muna 1887. Mugore iroro Mukuru J. H. Waggoner akakokwa kuti abatane neMisheni yeEurope yepakati. Akashanda munharaunda iyi kwemakore anodarika maviri, panguva iyoyo achigara muBasel. Muguta iri ndimo makafira iye musi wa20 Kubvumbi 1889, sezvakambotaurwa.
GSAM 407.4Utano hwaMukuru Whitney hwakanga huchiderera, uye kufa kwake kwakatevera (musi wa9 Kubvumbi 1889) kwakava kumwe kurohwa kunorwadza kumisheni iyi.
GSAM 407Mukuru Robinson muEurope
GSAM 407.5Mukuru D. A. Robinson, akanga achishanda muEngland, akasarudzwa kuva mutsivi waMukuru Whitney. Akashanda zvakanaka mudunhu iri kwemakore anenge matanhatu, apo, pakukokwa neMusangano Mukuru, akaenda kuIndia muna 1895. Kubviswa kwake kwakaita kuti paitwe kugadzwa kwomumwe mutariri.
GSAM 408Mukuru Holser Mutariri Wemunharaunda
GSAM 408.1Mukuru H. P. Holser ndiye akasarudzwa pachinzvimbo ichi, uye pamusoro pebasa iri akasarudzwa kuva mutariri weMisheni yose yeEurope yepakati. Akashanda pano nesimba risinganeti uye zvinobudirira kusvikira muna 1901, paakazomanikidzwawo kukundwa nezvirwere. Akafira muCanyon City, Colorado, musi wa11 Gunyana 1901.
GSAM 408.2Pasinei nemamiriro ezvinhu aya akaipa, misheni yakakura uye basa rakafambira mberi, sezvinoratidzwa nomushumo wakapiwa kuMusangano Mukuru muna 1895, uchiti Musangano wemachechi weEurope yepakati waiva nemachechi gumi nemapfumbamwe nenhengo 484, dzakabhadhara chegumi che$4,378.18 gore rakanga rapfuura. Panguva iyoyo vaiva nevashumiri vakagadzwa vana nevane marezinesi vashanu.
GSAM 408MISHENI YEGERMAN-RUSSIA
GSAM 408.3Muna 1870, J. H. Linderman, mufundisi wechechi yaiva pedyo neElberfeld, Prussia, nenhengo dzayo makumi mana, vakatanga kuchengeta Sabata rezuva rechinomwe kubva pakudzidza Bhaibheri, vasingazivi nezverimwe boka revaKristu munyika raichengeta zuva iroro seSabata. Kuzivikanwa kweboka iri kwakazosvika kuvanhu vedu nenzira inoshamisa. Mumwe mupemhi akasvika pamusha wemisheni muBasel paSabata. Mhuri yakanga ichidzidza chidzidzo cheChikoro cheSabata maBhaibheri akazaruka pamberi pavo. Chiitiko chacho chakabaya mwoyo womurume uyu, chikaita kuti abvunze mibvunzo.
GSAM 408Boka reElberfeld
GSAM 408.4Paakaziva kuti vakanga vasiri vaJudha asi vaKristu vaichengeta Sabata rezuva rechinomwe, akataura nezveboka iri reElberfeld. Mukuru Andrews akaona zvakanaka kuongorora mashoko acho; saka, pamwe naMukuru Erzenberger, akaenda kuPrussia pakutanga kwa1875, vakawana boka racho sezvakanga zvataurwa. Mukuru Erzenberger akagara kwenguva achishanda munharaunda iyoyo yeGermany, uye musi wa8 Ndira 1876 vanhu vasere vakabhabhatidzwa muElberfeld, iri riri rubhabhatidzo rwokutanga rwemaAdventist ezuva rechinomwe muGermany.
GSAM 409.1Chokwadi chakanga chadzika midzi muRussia kare muna 1882, kuburikidza nezvinyorwa zvakatumirwa nehama dzechiGerman dziri muAmerica kushamwari dzadzo mumakoroni echiGerman eRussia.
GSAM 409Mukuru Conradi muEurope
GSAM 409.2Muna 1885 Mukuru L. R. Conradi akabva muAmerica akaenda kunharaunda yeEurope yepakati, kunoshanda pakati pevaGerman. Musi wa28 Chikumi 1886, akabva muBasel akaenda kuCrimea, Russia. Ikoko, pamwe naMukuru Perk, vakaenda kuBerdebulat, uko hanzvadzi mbiri dzakabhabhatidzwa uye chechi yenhengo gumi nepfumbamwe yakarongwa; iyi ndiyo yakava chechi yokutanga yemaAdventist ezuva rechinomwe muRussia.
GSAM 409Vakuru Conradi naPerk Vanosungwa
GSAM 409.3Pakarepo mushure meizvi Vakuru Conradi naPerk vakasungwa nokuda kwokudzidzisa zvinopesana nokutenda kwakagamuchirwa, vakaiswa mujeri kwemavhiki mashanu muPerekop. Mushure mokusunungurwa kwake (nokupindira kwomumiriri weUnited States), Mukuru Conradi akashanyira kumabvazuva kweRussia, ndokudzokera kuSwitzerland.
GSAM 409Basa paRwizi Volga, Russia
GSAM 409.4Mugore iroro Mukuru Laubhan akatanga kushanda muRussia, pedyo nomusha wake uri paRwizi Volga. Muna 1880, Mukuru Klein wokuKansas akapinda mubasa muGerman Russia; nokudaro vashandi vakasimudzwa nokuda kwenharaunda iyi yakaoma. Kunyange zvazvo vatendi vakaiswa muutapwa nokusungwa, Ishe akakomborera basa racho zvinoshamisa.
GSAM 409Kubudirira kweVaparidzi Vemabhuku muGermany
GSAM 409.5Muna 1888, vaparidzi vemabhuku vakatanga kushanda muRheinish-Prussia, Württemberg, Baden neAlsace. Vashandi vasere kana gumi vaishingaira uye vakatendeka vakabudirira kwazvo zvokuti mugore rimwe chete vakatengesa mabhuku anotevera: Upenyu hwaKristu, 3,000; Kubva muEdheni kusvika muEdheni, 2,000; nematurakiti 12,000. Somugumisiro webasa iri, munenge munzvimbo imwe neimwe maitengeswa nokuraviwa mabhuku, vamwe vachimbundira chokwadi.
GSAM 410Misheni Inovhurwa muHamburg
GSAM 410.1Muna Chivabvu 1889, basa romumisheni rakatangwa muHamburg, Germany, naMukuru Conradi, uye munguva pfupi zvikuru chikoro chokudzidzisa vashandi chakagadzwa. Muna Gumiguru wakatevera Chikoro cheSabata chenhengo 28 chakarongwa. Mugore iroro Mukuru Haskell akashanyira misheni iyi, chechi yenhengo 20 ikarongwa, uye nzvimbo yokuchengetera mabhuku ikagadzwa.
GSAM 410.2Panguva iyi Mukuru J. T. Boettcher akanga ari mubasa rechiGerman muBarmen. Mushumo wakapiwa kuMusangano Mukuru muna 1890 wakataura kuti mumisheni yeGerman-Russia maiva nemachechi mapfumbamwe akarongwa, aine nhengo dzose 422, pamwe nevachengeti veSabata 75 vakanga vasati varongwa. Musi wa7 Kubvumbi wegore iroro, vamwe gumi nevaviri vakabhabhatidzwa, vakabatana nechechi yeHamburg. Muna Zvita nhengo dzechechi iyi dzakanga dzasvika makumi mana. Mari yakagamuchirwa nokutengeswa kwemabhuku kubva munzvimbo yokuchengetera mabhuku muHamburg, Holland, Russia nenzvimbo dzakasiyana dzeGermany yaiva $5,000.
GSAM 410Kubudirira muEurope
GSAM 410.3Zvishoma nezvishoma asi chokwadi, basa rakafambira mberi muMisheni yeEurope yepakati, sezvakaratidzwa mumushumo wakapiwa paMusangano Mukuru muna 1891. Panguva iyoyo muGermany maiva nemachechi mashanu, ane nhengo zana nemakumi mana, makumi matanhatu nevana vacho vari nhengo dzechechi yeHamburg. Chegumi chakabhadharwa chaiva $1,000. Mabhuku akatengeswa mungarava nomumishinari wezvikepe muHamburg akasvika $500, uye kutengeswa kwakaitwa nevaparidzi vemabhuku mugore iroro munharaunda yose kwaiva $6,000. Vanhu zana nemakumi mashanu vakanga vagamuchira chokwadi muAustria, uye muRussia maiva nemachechi gumi nematatu ane nhengo mazana mana.
GSAM 411Vachengeti veSabata Vashanu Vanodzingwa muRussia
GSAM 411.1Panenge panguva iyi (1891), nhengo shanu dzeimwe chechi muRussia, kusanganisira mutungamiri, dzakanga dzasungwa nokuda kwokudzidzisa dzidziso dzaipesana nechechi yehurumende, dzikatongerwa kudzingwa kwemakore mashanu kuTrans-Caucasus. Vaifanira kusungwa neketani pamwe chete uye vaifanira kufamba mamaira mazana mashanu. Mumuedzo uyu kutenda kwavo kwakavatsigira, uye vakafara munaShe. Mugore iroro pakanga pagadzirirwa turakiti rakaita sezvidzidzo zveBhaibheri mumutauro wechiRussia, pamusoro pokutambudzika kwaKristu, kurara kwevakafa, kuti nderipi zuva uye nei, uye kuti tingaziva here.
GSAM 411.2Panguva yeMusangano Mukuru muna 1895, nhengo dzomuGermany dzakanga dzawedzera kusvika ku368, uye chegumi chegore rakanga rapfuura chaiva $2,327.43.
GSAM 411Vamwe Vachengeti veSabata muRussia
GSAM 411.3MuRussia, kunyange zvazvo vakawanda kwazvo vakanga vatamira kune dzimwe nyika, nhengo dzakanga dzawedzera kusvika ku467, dzakabhadhara chegumi che$841.60.
GSAM 411.4Kubva pamashoko akataurwa nomunyori wemisheni dzokune dzimwe nyika mukuverenga kwevhiki yomunamato ya1896, tinodzidza kuti
GSAM 411.4“mumisheni yeGerman-Russia mugore rakanga rapfuura simba ravo pauwandu rakanga rava kuda kupetwa kaviri; nhamba yavo yakawedzerwa nevanhu vanopfuura mazana mana. MuBerlin, Germany, vanhu makumi matanhatu vaipinda misangano yeSabata nguva dzose. Kuvakwa kweimba yomunamato yemisheni muHamburg kwakanga kwasimbisa basa ipapo. MuMunich, muBavaria, vamwe vakanga vakamirira rubhabhatidzo. Kwaiva nevamwe vatendi muLeipsic, Königsberg, Magdeburg, Posen, Stuttgart nemamwe maguta makuru eGermany. Kwaivawo neboka muRotterdam, Holland.”
GSAM 412.1“MuRussia, vaparidzi vemabhuku vakanga vawana mvumo kubva kuhurumende. Shanduro dzezvinyorwa dzakanga dzaitwa mumitauro yeLettish neEsthonian. Pepanhau rechiGerman rakanga rabviswa muBasel rakaendeswa kuHamburg, uye pahofisi iyoyo vakanga vachidhinda chokwadi mumitauro gumi nemana.”
GSAM 412Rubhabhatidzo muHungary
GSAM 412.2Mugore iroro rubhabhatidzo rwokutanga rwakaitwa muHungary, uye musangano wokutanga wechirairo wakaitwa muBohemia. Misheni yechikepe yakanga yagadzwa muGalatz, muRomania, nokuda kweRwizi Danube neGungwa Dema.
GSAM 412Kuparidza Mabhuku muGermany
GSAM 412.3MuMumishinari Wepamba waZvita 1895, Mukuru Spies akataura pamusoro pebasa rokuparidza mabhuku mumunda wechiGerman achiti,
GSAM 412.3“Vaitarisira basa rokuparidza mabhuku parakatangwa munharaunda iyi havana kurega kurisundira mberi, kunyange zvazvo vamwe vabudisi vakuru nevatengesi vemabhuku muLeipsic vakavavimbisa kuti ‘kutengesa mabhuku nokunyoresa kwaizokundikana.’”
GSAM 412.4“Muna Nyamavhuvhu 1887 chinyorwa chokutanga cheUpenyu hwaKristu chakabudiswa mumutauro wechiGerman. Panguva iyo bhuku rataurwa rakanga ragadzirira kutenderedzwa, musangano wevaparidzi vemabhuku wakaitwa muBasel; izvi zvakava kutanga kwebasa rokuparidza mabhuku, kwete muGermany chete asi muEurope yose. Chinyorwa chechinomwe chebhuku iri chabuda zvino mumutauro wechiGerman.”
GSAM 412.5“Kubvira musi wa1 Ndira 1895, vaparidzi vemabhuku vatsva gumi nevaviri vapinda munharaunda. Muna Chikumi 1895, mushumo wakaratidza kuwedzera kwe50 muzana mukutengesa. Panguva ino pane kuedza kukuru kuri kuitwa neHerold der Wahrheit (Muzivisi Wechokwadi), pepanhau redu rechiGerman. Mamwe machechi, asiri makuru kwazvo, anotora makopi makumi mashanu kusvika kumazana maviri, oazotengesa. Uye vane zviitiko zvinofadza zvikuru nevatengi. MuOngororo yomusi wa18 Kukadzi 1896, Mukuru Conradi akati, ‘Tinopedzisa 1895 nevachengeti veSabata chiuru nemazana mashanu mumisheni yeGerman-Russia.’”
GSAM 413MISHENI YEVANHU VESKANDINAVIA
GSAM 413.1Misheni kuvanhu veSkandinavia yakavhurwa naMukuru John Matteson mugore ra1877. Pazuva rechitanhatu raChikumi akasvika kuVejle, muJyeland, Denmark. Paakaenda kunyika iyoyo, pakanga paine vashomanene vakanga vatanga kuchengeta Sabata nokuda kwekuverenga mapepa nematurakiti zvaitumirwa kwavari neshamwari dzavo muAmerica.
GSAM 413.2Pakutevera kusimuka kwebasa iri, tinodzidza kuti muna 1850, vanhu vana vakanga vatamira kuAmerica vachibva kuNorway vakatanga kuchengeta Sabata raShe. Vaigara muOakland, Wisconsin. Vaviri vavo vaiva baba naamai vaMukuru O. A. Olsen. Muna 1863 Mukuru John Matteson akatanga kuchengeta Sabata rezuva rechinomwe. Aigara kuPoysippi, Wisconsin. Mumwedzi mitanhatu yakatevera, nokuda kwebasa rake, vaDanish-Norwegian vanenge makumi mana vakagamuchira dzidziso dzemaAdventist ezuva rechinomwe. Muparidzi wokutanga aishingaira akabatana naye muushumiri aiva Mukuru J. F. Hanson weMinnesota.
GSAM 413BHUKU ROKUTANGA RAKABUDISWA MUCHIDANISHI-NORWEGIAN
GSAM 413.3Mugore ra1866, Mukuru John Matteson akakumbira vatungamiri veimba yokudhinda yeReview and Herald kuti aone kana vaizodhinda, nokuda kwevaSkandinavia, mapepa nematurakiti mumutauro wavo. Akaudzwa kuti kushayikwa kwemari muimba yokudhinda kwaivatadzisa kuita izvozvo; asi kwaiva nevanhu vorudzi rwake muWisconsin neMinnesota vaida zvikuru kuti chokwadi chidhindwe mumutauro wavo wamai zvokuti, kunyange zvazvo vakanga vasiri vapfumi uye vaiva vasingasviki makumi mashanu, vakaunganidza $1,000 mumari ndokuiisa mumaoko ake nokuda kwechinangwa ichocho. Nemari iyi uye nechinyorwa chakawanda chakagadzirwa zvakanaka, Mukuru Matteson akaenda kuBattle Creek ndokukumbirazve mabhuku akadhindwa. Sezvo akanga agadzirira kupindura zvipikiso zvakanga zvambotaurwa, zvaaida zvakabvumirwa, uye musi wa18 Kurume, 1867, akatanga kuverengera Mukuru J. N. Andrews neni chinyorwa chake chakanga chagadzirirwa bhuku rake, Liv og Død (Upenyu neRufu), isu taiva nhengo dzedare rokubudisa mabhuku panguva iyoyo. Nemamwe mashoko, akatiudza muchiRungu zvairehwa nechinyorwa chake muchiDanish-Norwegian.
GSAM 414MUKURU MATTESON ANOVA MUDHINDI
GSAM 414.1Panguva iyoyo pakanga pasina mudhindi aigona kusunungurwa kuti amurongedzere mavara, saka akakumbira kubvumidzwa kudzidza kuzviitira amene. Akaramba nebasa iri kusvikira adhinda mapeji anenge chiuru ematurakiti nemapepa mumutauro wake.
GSAM 414.2Neiyi nzira itsva yokuparadzira nayo chokwadi pakati pevanhu vake, akaenda mberi noushingi hutsva, achiita misangano mumatunhu akasiyana-siyana eUnited States. Kubvira pazuva iroro basa rakafambira mberi nokukurumidza pakati pevaSkandinavia.
GSAM 414PEPA ROKUTANGA MUMUTAURO WOKUNE IMWE NYIKA
GSAM 414.3Basa pakati pevaDanish-Norwegian rakanga rasvika pamwero wokuti pakadiwa pepa romwedzi nomwedzi umo vanhu vorudzi urwu vaigona kuwana mirayiridzo nokukurudzirwa mumutauro wavo. Naizvozvo, musi wa1 Ndira, 1872, muimba yokudhinda yeReview and Herald makabudiswa pepa romwedzi nomwedzi rechiDanish, magazini yemapeji makumi maviri nemana, rainzi Advent Tidende (Mashoko oKuuya). Mugore rakatevera ukuru hwepepa iri hwakawedzerwa kuva mapeji makumi matatu nemaviri. Raiva pepa rokutanga rakabudiswa nemaAdventist ezuva rechinomwe mumutauro wokune imwe nyika.
GSAM 414.4Muna 1874 kufarira kwakanga kwanyanya pakati pevatendi vaitaura chiSwedish zvokuti pakatanga pepa romwedzi nomwedzi remapeji gumi nematanhatu mumutauro iwoyo, rainzi Muzivisi wechiSwedish.
GSAM 414.5Panguva yakatanga Mukuru Matteson misheni kuvanhu veSkandinavia (Chikumi, 1877) munyika yokumusha kwavo, makopi 266 eTidende aitumirwa kubva kuAmerica mwedzi nomwedzi kuDenmark, uye makumi matanhatu kuNorway. Nokuda kwokuverenga magazini aya, vanhu vakati wandei vakanga vatotanga kuchengeta Sabata muSkandinavia. Somugumisiro webasa rake kwegore rimwe muDenmark, mapoka evatendi akamutswa munzvimbo dzakasiyana-siyana.
GSAM 415IMBA YOKUDHINDA MUNORWAY
GSAM 415.1Pashure paizvozvo Mukuru Matteson akaenda kuNorway, uye musi wa7 Chikumi, 1879, akaronga chechi yenhengo makumi matatu nesere somugumisiro webasa rake muChristiana. Mukuru J. P. Jasperson, akabva kuAmerica, akabatana naye muushumiri panguva iyi. Mugore iroro zvakare sangano rokubudisa mabhuku rakaumbwa muNorway, uye nzvimbo yakatengwa muChristiana nokuda kweimba yokudhinda, imba yemisangano yebasa rechechi, nedzimba dzokugara, nemutengo we$14,580. Kwenguva yakati, pepa duku rainzi Tidernes Tegn raibudiswa vhiki nevhiki muimba yokudhinda yeChristiana.
GSAM 415.2Pakutanga kwematsutso a1880, Mukuru Matteson akauya kuAmerica kunotsvaka rubatsiro rwokuwedzera basa reSkandinavia. Akapinda muMusangano Mukuru wegore iroro, ndokudzokera kuEurope muna Kubvumbi, 1881, akakurudzirwa zvikuru. Nokukurumidza pashure pokudzoka kwake, muchina wokudhinda wesirinda wakatengwa ndokuiswa muimba yokudhinda yeChristiana.
GSAM 415MAPEPA OUTANO MUCHIDANISHI NECHISWEDISH
GSAM 415.3Vakabva vatanga kubudisa pepa routano muchiDanish, rainzi Pepa Routano. Muna 1883 akabudisa rimwe rakafanana muchiSwedish, uye pepa rechitendero rainzi Muzivisi weChokwadi. Muna 1884 vaiva nezvishandiso zveimba yokudhinda zvaikosha $2,563. Mugore iri makanga madhindwa ndokuparadzirwa mapepa 115,000 pamwe chete, kunze kwezviuru zvakawanda zvematurakiti nemamwe mabhuku.
GSAM 415MUKURU HASKELL MUSKANDINAVIA
GSAM 415.4Basa munyika dzeSkandinavia rakawana rubatsiro rukuru kubva pakushanya kwaMukuru Haskell muna 1882, uye muna 1884 rakabatsirwa zvikuru nebasa reVakuru Geo. I. Butler, B. L. Whitney, A. B. Oyen, naE. G. Olsen.
GSAM 416MAI WHITE VANOBATSIRA ZVIKURU SKANDINAVIA
GSAM 416.1Muna 1885, Mai E. G. White nomwanakomana wavo W. C. White vakashanyira Skandinavia, uye kushanya ikoko kwakanga kuchikosha zvikuru kubasa romunda iwoyo. Vamwe vakanga vava nepfungwa yokuti varombo vomunyika iyoyo vaisagona kubhadhara chegumi, uye kuti kwaisava nebasa kuedza kuparadzira mabhuku. Uchapupu hwakapiwa naMai White hwakauya panguva yakakodzera uye hwakagamuchirwa zvakanaka nevanhu, sezvakaratidzwa nemhinduro iyi: “Zvose zvakataurwa naShe tichazviita, uye tichateerera.” Pakushanya uku pakaitwa shanduko yose mumunda weSkandinavia, zvikurukuru nokuda kwebasa risinganeti raMai White.
GSAM 416CHIVAKO CHITSVA CHEIMBA YOKUDHINDA CHINOVAKWA MUNORWAY
GSAM 416.2Muna 1886 Vakuru O. A. Olsen naN. Clausen vakashanyira nyika dzeSkandinavia, uye wokupedzisira akagara ikoko kwenguva refu. Muna 1885 chivako chitsva cheimba yokudhinda chakavakwa muChristiana, uye mugore rakapera musi wa1 Gunyana, 1886, imba yokudhinda yakawana kubva pakutengesa mabhuku nematurakiti bedzi mari ye$5,386.68, ukuwo mari yakagamuchirwa kubva pakunyoreswa kwemapepa yakanga iri $3,146.03.
GSAM 416MACHECHI MAKUMI MAVIRI NESHANU MUSKANDINAVIA
GSAM 416.3Mushumo wakapiwa kuMusangano Mukuru muna 1889 wakataura kuti mumunda weSkandinavia maiva nemachechi makumi maviri nemashanu, aine nhengo 926, dzakabhadhara chegumi che$2,548.75; zvakare maiva nevashumiri vatanhatu, vashumiri vane marezinesi vana, nevaparidzi vemabhuku makumi mashanu nevaviri. Kutengeswa kwemabhuku muNorway neSweden mukota imwe chete kwakanga kuri $2,161.26.
GSAM 416CHIKORO MUCHRISTIANA
GSAM 416.4Panguva iyi chikoro chaishanda muChristiana, chiine vadzidzi makumi mashanu. Muna 1891 chikoro cheBhaibheri chakaitwa muChristiana naVakuru O. A. Olsen naE. J. Waggoner, paine vadzidzi zana. Pachikoro ichi mirayiridzo yakakwana yakapiwa pamusoro pebasa rokuparadzira mabhuku.
GSAM 417MACHECHI MAKUMI MANA MUSKANDINAVIA MUNA 1895
GSAM 417.1Makore matanhatu gare gare, muna 1895, tinoona mushumo wakapiwa naMukuru D. A. Robinson, panguva iyoyo ari mutariri wedunhu remunda wokune dzimwe nyika, unoratidza zvakajeka kukura kukuru kwebasa panguva iyi zvokuti tinodzokorora mashoko ake: “Skandinavia ine machechi makumi mana nenhengo 1,458. Chegumi chegore chakanga chiri $5,585.55. Kune vashumiri vakagadzwa gumi nevashanu, vashumiri vane marezinesi gumi nerimwe, uye kutengeswa kwemabhuku kwegore kwakasvika $40,000. Mari iyi yakawanda zvikuru inokonzerwa nebasa revaparidzi vemabhuku, uye izvozvo munyika umo muna 1885 vatengesi vemabhuku, kunyange vashumiri vekutenda kwedu, vakasimbisa kuti kutengesa mabhuku nokuparadzira kwaisagona kuitwa.”
GSAM 417MISANGANO MITATU YESKANDINAVIA
GSAM 417.2Parizvino mumunda weSkandinavia mune misangano mitatu, mazuva yakaumbwa ari aya: Denmark, 30 Chivabvu, 1880; Sweden, 12 Kurume, 1882; Norway, 10 Chikumi, 1887. Mukuru John Matteson, akatanga kuvhura Misheni yeSkandinavia uye akatungamirira basa racho zvakanaka kwazvo, achishanda nesimba uye nokuzvipira kuti vanhu ivavo vabudirire, akarohwa nechirwere chinouraya chetibhii, akafira muEl Monte, Cal., musi wa30 Kurume, 1896, aine makore makumi matanhatu nerimwe.
GSAM 417MISHENI YEBRITAIN
GSAM 417.3William Ings, akaberekerwa muHampshire, England, asi ari muAmerica mumweya nomudzidzo, sezvo akanga agara muUnited States kubva pauduku, akasvika muSouthampton achibva kuBasel, Switzerland, musi wa23 Chivabvu, 1878. Panguva iyi akagara kwenguva pfupi, mavhiki maviri chete, ndokudzokera kuchikamu cheEurope chisiri pazvitsuwa kwechinguva. Zvisinei, nokukurumidza akadzokera kuSouthampton, uye pashure pemwedzi mina yebasa repaimba neimba achigovera maturakiti nokuita basa rose romisheni raibuda, akashuma kuti vanhu gumi vakanga vachichengeta Sabata. Musi wa30 Zvita wegore iroro, ini nomudzimai wangu takasvika kuSouthampton, uye basa redu rakabatana neromuMukuru Ings pakuita misangano munguva yechando muShirley Hall nomumba wedu wakanga warendwa. Muzhizha ra1879 takaita misangano yetende muSouthampton. Panguva iyi Miss Maud Sisley (ava Mai Boyd) akabatana nebasa, achipa kuverenga kweBhaibheri nokuita basa repaimba neimba. Somugumisiro webasa iri, vamwe vakagamuchira chokwadi. Muchando chakatevera takaita misangano muhoro iri muRavenswood Villa, chivako mataigara uye maiva nedhipozitari yedu.
GSAM 418MUSANGANO WETENDE MUENGLAND
GSAM 418.1Muzhizha ra1880, Mukuru Andrews, kunyange zvazvo akanga asina simba pautano, akabva kuSwitzerland kuzobatsira pamusangano wetende kuRomsey, uko vamwe vanhu vakagamuchira shoko.
GSAM 418.2Musi wa11 Ndira, 1880, Sosaiti yematurakiti yakaumbwa. Mubasa iri nhengo dzakafarira zvikuru, uye mabhuku mazhinji akagoverwa.
GSAM 418.3Musi wa8 Kukadzi, 1880, rubhabhatidzo rwedu rwokutanga rwakaitika, uye vanhu vatanhatu vakabhabhatidzwa. Kusvikira musi wa2 Chikunguru, 1881, vanhu makumi maviri nevapfumbamwe vakanga vabhabhatidzwa muSouthampton.
GSAM 418VASHANDI VANOWANDA MUENGLAND
GSAM 418.4Nokuvhota kweMusangano Mukuru wakaitwa mumatsutso a1881, Mukuru A. A. John nomudzimai wake, Geo. R. Drew, naMiss Jennie Thayer vakaenda kuEngland, vakabatana nebasa mumunda wemisheni iwoyo. Mugore ra1882, Mukuru Haskell akashanyira munda weEurope, akapedza mazuva akawanda nevashandi mumisheni yeEngland, achipa rubatsiro runokosha nenzira yezano nokuraira.
GSAM 418.5Muna Kurume, 1882, chikamu cheBritain chemapeji maviri cheZviratidzo zveNguva chakatanga kudhindwa, chichibatanidzwa nemakopi chiuru eZviratidzo aitumirwa achibva kuAmerica. Izvi zvakashandiswa mubasa romisheni muBritain. Mushumo webasa wa1 Gumiguru, 1883, unoratidza kuti panguva iyoyo paiva nevachengeti veSabata zana. Zvegumi zvakabhadharwa kubva pakuvhurwa kwemisheni zvaiva $2,078.71.
GSAM 419BASA ROMISHENI PANGARAVA
GSAM 419.1Nokuda kworuremekedzo rwevachengeti vengarava, Mukuru Ings akabvumidzwa kutumira mapakeji ematurakiti nemapepa pachena kuzviteshi zvikuru zvengarava makumi masere zve“Peninsular and Oriental Steam Ship Company,” muSouth Africa, kuEast neWest Indies, muCentral America, uye kuBay Islands. Nokuda kwesimba rokuverenga zvinhu izvi zvakatumirwa, kufarira kwakatanga kumutswa pachitsuwa cheDemarara. Mashoko aya takaagamuchira netsamba dzakabva pachitsuwa ichi.
GSAM 419“NHOROONDO YESABATA” YAKAISWA MUMARAIBHURARI EMUENGLAND
GSAM 419.2Kopi yeNhoroondo yeSabata yaMukuru Andrews yakanga yaiswawo munzvimbo makumi matanhatu, maraibhurari evanhu nedzimba dzokuverengera pachena, muBritain yose, uye mabhuku acho achiripo ikoko, achitaurira nyaya yacho vaya vanoda kuverenga.
GSAM 419.3Muna 1884 Mukuru Butler akashanyira England, aine vamwe vashandi vomunda uyu. Vakuru S. H. Lane naRobert Andrews vakafamba nechikepe kubva kuBoston kuzobatana nemisheni muBritain musi wa9 Chivabvu, 1885. Kushanya kwaMai White kuEngland kwakava manyuko esimba nokukurudzira kuvashandi. Mai White nomwanakomana wavo vakapedza mavhiki mashomanene ikoko vasati vadzokera kuAmerica vachibva kumunda weEurope.
GSAM 419“CHOKWADI CHIRIPO” CHINOTANGWA
GSAM 419.4Pakutanga kwa1884, nokukurumidza pashure pokusvika kwaMukuru Butler muEngland, zvakasarudzwa kuti muGrimsby, naM. C. Wilcox ari mupepeti, patangwe pepa remapeji masere rinobuda kaviri pamwedzi rainzi Chokwadi Chiripo. Ikozvino riri kubudiswa muLondon, England, sepepa remapeji gumi nematanhatu rinobuda vhiki nevhiki, richibudisa makopi anenge 18,000 pavhiki.
GSAM 420.1Muna 1889, Mukuru Holser akashuma kuti Misheni yeBritain yaisanganisira machechi masere, nevachengeti veSabata mazana maviri, avo makumi matanhatu nevashanu vaiva muLondon. Chegumi chegore rakanga rapfuura chaiva $1,244.58. Paiva nevashumiri vakagadzwa vaviri, vashumiri vane marezinesi vaviri, vashandi vemisheni pangarava vaviri, nevashandi veBhaibheri vanomwe. Pakanga pari panguva iyi apo Vakuru Wm. Hutchinson naFrancis Hope vakapinda mumisheni yeEngland.
GSAM 420PACIFIC PRESS MULONDON
GSAM 420.2Mugore ra1890, Pacific Press Publishing Company yokuOakland, California, yakavhura bazi pa48 Paternoster Row, London, uye imba yokudhinda pa451 Holloway Road, London, N. Kutengeswa kwemabhuku kubva muimba iyi mugore rokutanga, pamitengo yokutengesa yakawanda, kwakanga kuri $9,556.89.
GSAM 420.3Muna Kukadzi, 1895, Mukuru Robinson akapa mushumo unotevera:
GSAM 420.3“MuBritain mune machechi gumi nerimwe, nhengo 363, vashumiri vashanu, nomushumiri ane rezinesi mumwe. Chegumi chegore rapfuura chaiva $5,077.20, kana avhareji ye$13.98 panhengo imwe neimwe. Pfuma yeimba yokudhinda zvino ndeyaInternational Tract Society, Limited, sangano reEngland, uye inotungamirirwawo naro.”
GSAM 420.4Muna Zvita, 1895, Munyori weMisheni dzokune Dzimwe Nyika akashuma kuti muBritain maiva nenhengo 560. Zvegumi zvakanga zvawedzera ne$1,000 mugore iroro. Panguva iyoyo, mapoka masere aiungana paSabata munzvimbo dzakasiyana-siyana muLondon.
GSAM 420.5Nokudaro basa mumunda wemisheni uyu rakafambira mberi, dzimwe nguva rinenge risingaoneki. Mbeu hadzimuki mune mamwe marudzi evhu nokukurumidza sezvinoita mune mamwe. Kumera kwadzo kunononoka, asi kukura kwadzo kunovimbika uye kune simba. Ndizvo zvakaita chokwadi cheshoko rechitatu muumambo uhwu. Mbeu yaro yakadyarwa, yakadzika midzi, uye yakakura zvishoma nezvishoma kusvikira zvino yasvika pamwero mukuru zvichienzaniswa nezvakanga zvakaita.
GSAM 421MISHENI YEAUSTRALASIA
GSAM 421.1Musi wa10 Chivabvu, 1885, Vakuru S. N. Haskell, J. O. Corliss nemhuri yake, M. C. Israel nemhuri yake, Wm. E. Arnold, naHenry Scott vakafamba nechikepe kubva kuSan Francisco kuti vavhure misheni mumunda weAustralia. Makore gumi nerimwe izvi zvisati zvaitika, muna 1874, pamusangano wakaitirwa muBattle Creek, Mai White vakataura kuti marudzi mazhinji aizogamuchira chokwadi, uye kuti vakanga vaona michina yokudhinda ichimhanya, mabhuku nemapepa zvichidhindwa munyika dzakasiyana-siyana. Pavakabvunzwa kuti inyika dzipi dzavaireva, mhinduro yakanga iri yokuti Australia ndiro chete zita ravaikwanisa kuyeuka.
GSAM 421ECHO YEBHAIBHERI
GSAM 421.2Pasi pebasa rinoshingaira uye rakabudirira raMukuru Haskell nevamwe vake, shoko rakafambira mberi nokukurumidza zvokuti kudhindwa kwepepa muAustralia kwakaonekwa sekunokosha. Naizvozvo, urongwa hwakaitwa hwokubudisa pepa, uye musi wa1 Ndira, 1886, pepa remwedzi nomwedzi remapeji gumi nematanhatu rakabudiswa muMelbourne, rainzi Echo yeBhaibheri neZviratidzo zveNguva. Pakadhindwa makopi zviuru zvitanhatu enhamba yokutanga, asi kubudiswa kwenguva dzose kwaingova zviuru zvitatu.
GSAM 421CHECHI YOKUTANGA INORONGWA MUAUSTRALIA
GSAM 421.3Svondo, musi wa10 Kubvumbi, 1886, chechi yokutanga yemaAdventist ezuva rechinomwe muAustralia yakarongwa. Paiva nevanhu gumi nevasere vakanga vasaina sungano, uye vamwe vanomwe vakakumbira kugamuchirwa nokubhabhatidzwa. Ava vakabhabhatidzwa paSabata rakatevera, uye paSabata rimwe nerimwe kwemavhiki akati wandei nhengo dzakawedzerwa, kusvikira chechi yava nenhengo makumi mashanu nevashanu. Kusvikira muna Chivabvu, 1886, nhamba yose yakanyorwa yaiva makumi mapfumbamwe. Kunze kweava, paiva nevamwe vanenge makumi matatu nevashanu kune dzimwe nzvimbo vaichengeta Sabata.
GSAM 421.4Muimba yokudhinda maiva nemichina miviri yakanaka yokudhinda neinjini, zvose zvakanga zvabhadharwa uye zviri zvemaAdventist ezuva rechinomwe munyika iri kure kwazvo iyoyo—inenge mamaira zviuru zvinomwe kubva kuimba yedu huru iri muOakland, Cal.
GSAM 422.1Muna 1886 shoko rakasvika kuNew Zealand. Mushumo wakabva mumunda weAustralia unoti kwaiva nevachengeti veSabata makumi mashanu muNew Zealand. Mari yakagamuchirwa kubva pakutengeswa kwemabhuku muimba yokudhinda yaiva $700. Kunze kweizvi, vaparidzi vemabhuku vakanga vatengesa makopi mazana mana eGakava Guru muNew Zealand, uye makopi chiuru ePfungwa pamusoro paDanieri muAustralia.
GSAM 422Chivako cheHofisi muAustralia
GSAM 422.2Mumushumo wakapiwa musi wa19 Chikunguru, 1889, tinowana mashoko anotevera: Chivako chehofisi yokudhinda muMelbourne chapera kuvakwa, uye chine imba duku yokunamatira inoitirwa minamato yechechi.
GSAM 422Basa Rinopinda muTasmania
GSAM 422.3Musangano wemachechi wedunhu wakarongwa muAustralia uye mumwe muNew Zealand, uye Vakuru Israel naSteed vakatambanudzira basa kuTasmania. Munzvimbo iyi yokupedzisira machechi matatu akatoumbwa, ane nhengo dzinosvika zana nemakumi matatu nenhanhatu pamwe chete. Kunze kwaaya kunewo vamwe vachengeti veSabata vakapararira vasati varongwa kuva machechi.
GSAM 422.4Mari yechegumi yegore iroro mundima yebasa yeAustralia yakanga iri $9,371. Maiva nevaparidzi vemabhuku gumi nevashanu mundima iyi, avo vakatengesa mabhuku anokosha $19,500.
GSAM 422.5Parwendo rwavo rwechipiri rwokutenderera nyika yose, Mukuru Haskell vakashanyirazve Australia, vakapinda musangano wavo wakaitwa muna Nyamavhuvhu, 1889, uye vakabatsira zvakanaka munzira dzakawanda, izvo zvakafarirwa zvikuru neboka iroro rakanga richangobva kurongwa. Vashandi vakasiyana vokuAmerica vakashanyira Australia panguva dzakasiyana nokuda kwechinangwa chimwe chikuru—kuvaka nokusimbisa basa raMwari.
GSAM 422Mai White muAustralia
GSAM 422.6Mumatsutso a1891, Mai E. G. White, mwanakomana wavo, W. C. White, Mukuru Geo. B. Starr, nevamwe vakabva kuCalifornia vachienda kuAustralia, vakasvikako muna Zvita—pakati pezhizha mukondinendi iyoyo. Uchapupu hwaMai White, kunyange zvazvo vakashanda vachitambudzika nokurwara kwomuviri mumakore mapfumbamwe avakagara munyika iyoyo, hwakabatsira zvikuru kuti basa rifambirane nomweya nezvinorehwa neshoko romutumwa wechitatu. Panguva yavakanga vari muAustralia, Mukuru J. O. Corliss vakabatana zvakare nebasa muno, uye W. A. Colcord nevamwe vakapinda mundima iyi sevashumiri, vadzidzisi, navamwe vashandi.
GSAM 423Mukuru Olsen muAustralia
GSAM 423.1Munguva iyo Mukuru O. A. Olsen vakanga vari mutungamiri weMusangano Mukuru, vakashanyira masangano edu ose makuru munzvimbo dzose dzenyika. Izvi zvaida kufamba madaro marefu—rwendo rwokutenderera nyika yose. Vakaita rwendo urwu kuti vanyatsonzwisisa zvaidiwa nemasangano aya namamiriro emisheni dzakasiyana, kuti vagone kudzishandira dzose vasingasaruri. Parwendo urwu, muna 1893, ndipo pavakapedza vhiki dzinoverengeka vari muAustralia.
GSAM 423Musangano Wemubatanidzwa weAustralasia
GSAM 423.2Panguva iyi Musangano Wemubatanidzwa weAustralasia wakarongwa, uchiumbwa nemisangano yemachechi yematunhu eAustralia neNew Zealand pamwe chete nendima dzemisheni dzeAustralia. Musangano uyu unoungana kamwe chete pamakore maviri, uye unofambiswa nourongwa hwemisangano yemibatanidzwa iri mune dzimwe nyika. Mugore ra1893 vaparidzi vemabhuku vashoma vaiva mundima iyi vakatengesa mabhuku 5,000 eMatanho Okuenda Kuna Kristu akanga adhindwa kamwe chete, uye pakadhindwa mamwe 5,000 kechipiri. Muzhizha ra1894-95, mumwedzi mina vakagamuchira zvikumbiro 4,000 zvemabhuku aitengeswa nokutanga anyoreserwa.
GSAM 423Mukuru Prescott muAustralia
GSAM 423.3Muna 1895 Mukuru W. W. Prescott, Munyori Wezvedzidzo wechechi yose, vakapedza mwedzi yakati wandei vari mumusangano uyu wemachechi wedunhu, vachipa nguva yakawanda nokufungisisa kubazi iri rebasa. Munguva iyi vakaitisawo kosi yokudzidzisa yaivabatsira zvikuru.
GSAM 424.1Mushumo webasa regore iroro wakaendeswa kuMusangano Mukuru wakapiwa naMukuru W. C. White, uye unoti:
GSAM 424.1“Musangano Wemubatanidzwa weAustralia unoumbwa nemachechi gumi nemanomwe ane nhengo 1074, idzo dzakapa chegumi che$9,810.10 mugore rakapfuura. Musangano uyu une vashumiri vakagadzwa gumi nevaviri, vaviri vakapiwa mvumo yokuparidza, vashandi vatatu vanodzidzisa Bhaibheri, uye vaparidzi vemabhuku makumi mashanu, avo vakatengesa mabhuku anokosha $28,731.11 mugore iroro. Mugore iri koroni yeNew South Wales, ine machechi matanhatu nenhengo 321, yakaparadzaniswa neMusangano Wemachechi Wedunhu reAustralia, ikanzi Musangano Wemachechi Wedunhu reNew South Wales.”
GSAM 424MISHENI YESOUTH AFRICA
GSAM 424.2PaMusangano Mukuru wakaitwa muBattle Creek muna 1886, nyaya yokutanga misheni muSouth Africa yakakurukurwa. Sezvo pakaitwa chisarudzo chaitsigira basa iri, pakutanga kwezhizha ra1887 pakaitwa nhamburiko yokutanga basa munyika iyoyo iri kure, umo vashoma vakanga vatotanga kuchengeta Sabata vakanga vachikumbira vashandi.
GSAM 424Vakuru Boyd naRobinson muSouth Africa
GSAM 424.3Nokuda kwechinangwa ichi, musi wa11 Chivabvu, Mukuru C. L. Boyd nemhuri yavo, Mukuru D. A. Robinson nomudzimai wavo, pamwe chete nevamwe vashandi, vakabva muguta reNew York nechikepe, vakananga kuAfrica vachipfuura nokuLiverpool nokuLondon. Makore matatu gare gare, paMusangano Mukuru, VaP. W. B. Wessels vakataura kuti pakasvika vashandi ava muAfrica pakanga patova nevanhu vangasvika makumi mana vaichengeta Sabata romurairo wechina nokuda kwokuverenga zvinyorwa pamusoro penyaya iyi nokudzidza Magwaro.
GSAM 424.4Vakuru Robinson naBoyd vakatanga basa remisheni muCape Town, uye kubva ipapo rakatambanukira kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva, richisvika kuKimberley kunocherwa mangoda, madaro anenge mamaira mazana masere.
GSAM 424.5Kusvikira mugore ra1889, kwaingova nevashumiri vaviri, mumwe akapiwa mvumo yokuparidza, machechi mana, nenhengo makumi masere; idzi dzakapa chegumi che$2,798.36. Mugore iri Mukuru Ira J. Hankins, vokuAmerica, vakashanda muCape Town zvikava nezvibereko zvakanaka, uye VaDruillard naMai Druillard vakabva kuNebraska kuzobatana nebasa munzvimbo iyi, nokugovana mabasa nokushayiwa zvinowira avo vanodanwa kutanga basa mundima itsva. Basa raMai Druillard rainyanya kuitirwa paichengeterwa nokuparadzirwa mabhuku, uye kutungamirirwa kwebasa rebazi iri kwakaiswa mumaoko avo; ukuwo VaDruillard vachiita mabasa akasiyana emisheni. Mugore iri, mungarava dzaisvika pachiteshi ichi, vakatengesa mabhuku anokosha $750.
GSAM 425Mukuru Haskell muAfrica
GSAM 425.1Mukuru Haskell vakasvika muCape Town muna Nyamavhuvhu wegore iroro. Mwedzi mishanu yakashandiswa zvakanaka mukushanyira nokushanda nemapoka akasiyana muSouth Africa. Nokushanya uku basa rakasimbiswa rikavakwa, uye mwoyo wavo pachavo wakakurudzirwa pavakaona zvibereko zvebasa ravo. Kufarira basa redzidzo kwakamutswa, zvokuti vadzidzi gumi nevaviri vakabva kuAfrica vakaenda kuAmerica kunodzidza muzvikoro zvechechi yedu.
GSAM 425.2Panguva iyi basa rokuparidza nemabhuku rakafungisiswawo sezvaraifanira. Kosi yokusimudzira basa iri yakaitwa muCape Town, ichitungamirirwa naVaE. M. Morrison, uye yakapa upenyu hutsva nesimba kubazi iri rinokosha reshoko. Pakarepo mushure medzidziso dzakapiwa pakosi iyi, vaparidzi vemabhuku gumi nevatatu vakatengesa nokuendesa mabhuku anokosha $5,621.28 mumwedzi mitanhatu. Zvechokwadi, zvikumbiro zvemabhuku zvakanga zvakawanda kwazvo zvokuti zvakakurira hofisi yokuLondon, nokuti mabhuku akanga asingagoni kugadzirwa nokukurumidza zvakakwana kuti akwane vose vaiakumbira.
GSAM 425.3Mugore ra1892, Mukuru A. T. Robinson vakabatana nebasa muSouth Africa. Panguva iyoyo basa rakanga rakura zvokuti paidiwa imba itsva yokuchengetera nokuparadzira mabhuku kuti itsive yekare. Naizvozvo pakavakwa chivako chitsva chakakura zvakakwana kuti chivewo nenzvimbo yokuitira misangano yechechi.
GSAM 426Chivako cheKoreji muAfrica
GSAM 426.1Saizvozvo basa rakaramba richifambira mberi danho nedanho, kusvikira kuClaremont, iri kunze kweguta reCape Town, kwavakwa chivako chekoreji chakadhura $35,000. Rubatsiro chete rwaidiwa kuhama dzokuAmerica rwaiva rwokutumira boka revadzidzisi vaikwanisa kudzidzisa zvidzidzo zvekoreji, uye ivo pachavo vaizobhadhara mari yaidiwa. Chikumbiro ichi chakagamuchirwa, chikoro chikavhurwa musi wa1 Kukadzi, 1893.
GSAM 426Musangano Wemachechi Wedunhu reSouth Africa
GSAM 426.2Musangano Wemachechi Wedunhu reSouth Africa wakarongwa muna 1892. PaMusangano Mukuru muna 1893 pakavhotwa kuti ugamuchirwe muMusangano Mukuru. Panguva iyoyo waiva nemachechi mashanu, nenhengo zana nemakumi matatu nesere, idzo dzakanga dzapa chegumi che$34,077.32 mugore rakapfuura. Pamusangano uyu Musangano Wemachechi Wedunhu reSouth Africa wakamiririrwa naPeter Wessels, uyo akapa Musangano Mukuru nomwoyo unorupo $16,000, mari yaipfuura yakanga yashandiswa neMusangano Mukuru kutanga basa muSouth Africa. Pamusoro pechipo ichi, iye nomumwe wehama dzake vakapa $40,000 kuti patangwe basa rokupa mishonga nokurapa vanhu pachena muguta reChicago.
GSAM 426.3PaMusangano Mukuru muna 1895 Munyori Wemisheni Dzokune Dzimwe Nyika akataura nezvendima yebasa yeAfrica achiti:
GSAM 426.3“Musangano wemachechi wedunhu muSouth Africa uchangova nemakore maviri warongwa, asi munguva iyoyo Musangano Mukuru watumira vashandi gumi nevaviri mundima iyoyo. Vaviri vavo vakapinda mukati menyika sevamishinari vanozviriritira, vamwewo vakapinda mubasa mumapazi akasiyana. Musangano iwoyo une chikoro chiri kubudirira, musha wenherera, uye imba yokurapira nokuzororera iri kuvakwa. Nhamba dzinoratidza kuti vane nhengo 184.”
GSAM 426Mapepanhau Anobudiswa muSouth Africa
GSAM 426.4Nyaya yorusununguko rwokunamata muSouth Africa yakamutsa vanhu vedu mumwedzi mishoma yapfuura kuti vabudise mapepanhau maviri, rimwe mumutauro wechiDutch, rinonzi De Wachter (Murindi); rimwewo muchiRungu, rinonzi The South African Sentinel and Gospel Echo. Rekupedzisira iri rinoparadzirwa richisvika makopi 4,000.
GSAM 427Musangano Wemubatanidzwa weSouth Africa
GSAM 427.1Muna Ndira, 1903, Musangano Wemubatanidzwa weSouth Africa wakarongwa, uchiumbwa nemisangano yemachechi yematunhu eCape Colony neNatal-Transvaal, pamwe nemisheni dzeBasutoland neMatabeleland dziri pasi poutungamiri hweMusangano Wemubatanidzwa. Mumusangano uyu mune machechi gumi nemashanu akarongwa ane nhengo 595, mapoka mapfumbamwe asati arongwa kuva machechi ane nhengo makumi mapfumbamwe, uye vachengeti veSabata makumi matatu vari voga,—vose pamwe chete vari 715, vakapa chegumi che$7,850. Paiva nevashandi makumi matatu nevapfumbamwe, avo makumi maviri nomumwe vavo vaibhadharwa nemisangano yemachechi yematunhu akasiyana.
GSAM 427NDIMA YEBASA YEPOLYNESIA
GSAM 427.2Mugore ra1876, Mukuru James White nomunyori webhuku rino takatumira vhoriyamu yeZviratidzo zveNguva nemamwe maturakiti, pamwe chete netsamba, kuChitsuwa chePitcairn. Zvinyorwa izvi zvakaiswa muchikepe chaipoterera Cape Horn chichienda kuNew York. Takavimbiswa kuti chikepe chaizomira paPitcairn, uye kuti ipapo pasuru yacho yaizopiwa vanhu veko. Hatina munhu wataiziva pachitsuwa ichi, uye hapana chataiziva nezvechitsuwa chacho, kunze kwomukurumbira wacho wokuti vagari vacho vaiva vanhu vakazvipira uye vaitya Mwari. Mapepanhau aya akatumirwa tichingovimba kuti pane zvaaizobatsira.
GSAM 427Kushanya kuPitcairn
GSAM 427.3Hatina kunzwa chinhu kubva kuvanhu veko kana pamusoro pezvinyorwa zvedu kusvikira VaJohn I. Tay vashanyira chitsuwa ichi mugore ra1886, makore gumi gare gare. Ipapo takaziva kuti nokuda kwokuverenga vhoriyamu yeZviratidzo zveNguva nematurakiti aya, pane imwe nguva chitsuwa chose chakanga choda kusarudza kuchinja zuva racho rokunamata kubva pazuva rokutanga revhiki kuenda pazuva rechinomwe, nokuchengeta Sabata raShe. Zvisinei, havana kuita izvi kusvikira panguva yakashanya VaTay. Kwenguva refu vakanga vachinzwa zvakasimba mumwoyo kuti vashanyire chitsuwa ichi, asi vakanga vasingazivi vanhu vacho pachavo, kana kufarira chokwadi kwakanga kwatomutswa mavari.
GSAM 428.1Pashure pokudzokera kwavo kuAmerica, vakakumbira nomwoyo wose kuti pavakwe chikepe chaizotakura vamishinari kubva pane chimwe chitsuwa kuenda pane chimwe muNyanza yePacific. Vakapinda Musangano Mukuru wakaitwa mugore ra1889, pfungwa iyi iri pamusoro pezvose mupfungwa dzavo, uye ipapo vakateterera kuti basa riitwe muZvitsuwa zvePolynesia. Musangano, uchiona kubatsira kwaizoita basa iri, wakavhota kuti paunganidzwe zvipo zvinosvika $12,000 zvokuvaka kana kutenga chikepe chaizoshanda pakati pezvitsuwa zveNyanza yePacific.
GSAM 428Kuvakwa kwePitcairn
GSAM 428.2Maererano nechisarudzo ichi chikepe chePitcairn chakavakwa muzhizha ra1890 pedyo neBenicia, anenge mamaira makumi matatu kubva kuOakland, California, nemari ye$12,035.22. Muzvikamu zvitatu muzvina zvegore mari iyi yakaunganidzwa, ikapiwa neZvikoro zveSabata nokuda kwechinangwa ichi chete, uye hakuna kumbova nechipo chakapiwa nomufaro nomwoyo unopisa kupfuura ichi. Chikepe ichi chakatsaurwa kuOakland, California, musi wa25 Gunyana, 1890. Vanhu vangasvika chiuru nemazana mashanu vakaungana muchikepe napachiteshi chacho kuzopupurira chiitiko ichi.
GSAM 428Rwendo Rwokutanga rwePitcairn
GSAM 428.3Chikepe chakasimuka parwendo rwacho rwokutanga kubva kuSan Francisco chichienda kundima yacho yebasa iri kure, musi wa20 Gumiguru. Vamishinari vaivamo vaiva Mukuru E. H. Gates nomudzimai wavo, Mukuru A. J. Read nomudzimai wavo, John I. Tay nomudzimai wavo, pamwe neboka revafambisi vechikepe vaiita basa roumishinari vachitungamirirwa naKaputeni Marsh. Chikepe ichi chakatanga kuenda kuChitsuwa chePitcairn, mamaira zviuru zvina kumaodzanyemba kweSan Francisco, pachakasvika musi wa25 Mbudzi. Pakabva chikepe pachitsuwa musi wa17 Zvita, vakuru makumi masere nevaviri vakanga vabhabhatidzwa, uye vaumbwa kuva chechi yemaAdventist ezuva rechinomwe. Chikepe chakabva chaenda kumapoka ezvitsuwa zveSociety, Hervey, Samoa, Friendly, neFiji, chichisiya mabhuku ezvokunamata nematurakiti outano nokuzvidzora kuvanhu vaitaura chiRungu. Mumwedzi misere, kusvikira muna Gunyana, 1891, vamishinari vakatengesa mabhuku anokosha $1,900, kunze kwokugovera zvinyorwa zvakawanda pachena.
GSAM 429.1Vamishinari vakagariswa munzvimbo dzinotevera: Mukuru Read kuTahiti; Mukuru Gates vakasara kuPitcairn kuti vapedzise basa rakanga ratotangwa ikoko; ukuwo VaTay vakasarudza kushanda pachitsuwa cheFiji. MuOngororo neMuzivisi yomusi wa14 Kubvumbi, 1904, Mukuru Fulton vanotaura pamusoro pebasa muFiji vachiti: “Mundima iyi yemisheni mava nevachengeti veSabata vanopfuura zana nemakumi mashanu.” Kubva kuFiji, chikepe chakaenda kuAuckland, New Zealand, kuti chigadziriswe uye chinatsiridzwe sezvaidiwa, uyewo kuti chiwane mamwe mabhuku.
GSAM 429Kufa kweVamishinari
GSAM 429.2Pashure pokusavapo kwegore rimwe, mwedzi gumi nomumwe, namazuva gumi namasere, Pitcairn yakadzokera kuSan Francisco, payakasvika musi wa9 Gumiguru, 1892. Munguva iyi Kaputeni Marsh vakanga vashaya, vakavigwa pachitsuwa cheNew Zealand. VaTay vakarwara nemabayo, ayo vasina kuzopora. Naivowo vakashaya murugare, vakavigwa munyika iri kure yeFiji; nokudaro upenyu huviri hunokosha hwakapiwa kuMisheni yePolynesia nokukurumidza kwakadai.
GSAM 429.3Vamishinari vakanga vagariswa pachitsuwa cheTahiti, paPapaete, vakafadzwa nokuona zvibereko zvebasa ravo nenguva pfupi zvikuru. Panguva iyi vakakwanisa kutumira kunyika yavo mushumo unofadza wokuti vanhu makumi mana vakanga vatendeuka, vakaumbwa kuva chechi yemaAdventist ezuva rechinomwe.
GSAM 429Rwendo rweChipiri rwePitcairn
GSAM 429.4Chikepe chakasimuka kubva kuSan Francisco parwendo rwacho rwechipiri musi wa17 Ndira, 1893, chine vamishinari vanotevera: B. J. Cady nomudzimai wavo, J. M. Cole nomudzimai wavo, E. C. Chapman nomudzimai wavo, uye M. G. Kellogg, M.D. Muzvare Hattie Andre, vokuOhio, vakaenda navo somudzidzisi weChitsuwa chePitcairn. Mumatsutso a1893, VaCady vakavhura chikoro kuRaiatea, muboka rezvitsuwa zveSociety, chine vadzidzi makumi matanhatu. Pakupera kwetemu yokutanga nhamba yakanga yawedzera kusvika pazana nevashanu. Pakuvhurwa kwetemu yechipiri paipinda vadzidzi zana nemakumi maviri.
GSAM 430Rwendo rweChitatu rwePitcairn
GSAM 430.1Rwendo rwechitatu rwechikepe rwakaitwa muna 1893-94. Vamishinari vorwendo urwu vaiva G. O. Wellman nomudzimai wavo naLillian White, vose vokuMichigan, vakanga vakarongerwa kuenda kuRaiatea kunobatsira Mukuru Cady mubasa ravo. VaStringer nomudzimai wavo vakaenda sevamishinari vanozviriritira. Vakagara kuRurutu. KuRaratonga (uko vanhu vaichengeta Mugovera vachiutora seSvondo), Chiremba Caldwell nomudzimai wavo vakagariswako; ukuwo Mukuru Buckner nomudzimai wavo, vokuCalifornia, vakasiyiwa kuPitcairn. Munguva yavakagara nevanhu ava, mabasa mazhinji matsva okugadzira zvinhu akatangwa, ayo akabatsira vagari vemo munzira dzakawanda. Chokutanga pane zvose, kwakavakwa chigayo chinoshandiswa nemhepo chokukuya chibage chava kurimwa pachitsuwa ichi, uye simba remhepo iroro rinoshandiswawo kufambisa michina miduku, izvo zvakatungamirira kune mamwe mabasa okugadzira zvinhu akanga asati azivikanwa nevagari vechitsuwa ichi.
GSAM 430Rwendo rweChina rwePitcairn
GSAM 430.2Musi wa15 Zvita, 1895, Munyori Wemisheni Dzokune Dzimwe Nyika akati:—
GSAM 430.3“Pitcairn zvino yava pachiteshi ichibva parwendo rwayo rwechina.... Basa rakatangwa mumapoka mapfumbamwe akasiyana ezvitsuwa, uye vashandi vanotevera ndivo vari kushanda imomo:—
GSAM 430.4“MuChitsuwa chePitcairn, vadzidzisi, E. S. Butz nomudzimai wavo, naHattie Andre. MuChitsuwa cheNorfolk, vamwe vamishinari vanozviriritira vakabva kuAustralia vari kuita basa muno. MuZvitsuwa zveSociety, mushumiri, B. J. Cady; vamishinari vezvokurapa, VaR. A. Prickett naMai Prickett. KuRaratonga, vamishinari vezvokurapa, Chiremba J. E. Caldwell nomudzimai wavo, vanaMuzvare Lillian White naMaude Young; vadzidzisi, G. O. Wellman nomudzimai wavo, Mukuru J. D. Rice nomudzimai wavo. MuFiji, Mukuru J. M. Cole nomudzimai wavo. MuZvitsuwa zveFriendly, Mukuru E. Hilliard nomudzimai wavo. MuRurutu, VaStringer naMai Stringer, vamishinari vanozviriritira. MuHawaii, Mukuru E. H. Gates nomudzimai wavo; vadzidzisi, H. H. Brand nomudzimai wavo. MuSamoa, Chiremba F. E. Braucht nomudzimai wavo. Mukuru D. A. Owen nomwanakomana wavo nomwanasikana wavo, vamishinari vanozviriritira.
GSAM 431.1“Pitcairn yakatengesa nokupa pachena zvinyorwa zvakawanda munzendo dzayo ina. Nokuda kwaizvozvo, vachengeti veSabata vakamuka munzvimbo dzakawanda. Machechi akaumbwa paChitsuwa chePitcairn, paNorfolk, nepaTahiti.”
GSAM 431Pitcairn Yatengeswa
GSAM 431.2Sezvo zvino kwava nenzira dzokusvika kunharaunda yePolynesia dzakanga dzisipo pakavakwa ngarava iyi, ngarava yacho yatengeswa, uye dzimwe nzira dzashandiswa kupfuuridzira basa. Mukuru E. H. Gates ndiye zvino mutariri wenharaunda yePolynesia, uye anoshuma kufambira mberi mumapoka akasiyana-siyana ezvitsuwa.
GSAM 431ZVITSUWA ZVEWEST INDIES
GSAM 431.3Munguva yechando ya1889, VaWm. Arnold, vokuAmerica, vakatanga basa rokuparidza nemabhuku muWest Indies. Vachiri kuita basa iri vakabudirira kuwana mazita nekero dzevanhu chiuru nemazana maviri, izvo zvakatumirwa kuSosaiti yeMaturakiti Yenyika Dzose kuti izvishandise mubasa roumishinari. Nokunyorerana tsamba uye nokutumira zvokurava kukero idzi, vanhu vakatanga kufarira chokwadi, nokudaro nzira ikazarukira kuparadzirwa kwevhangeri nokuparidza Shoko.
GSAM 431.4Vachidavira chikumbiro chokuti pave nebasa revashumiri, Mukuru D. A. Ball vakaenda kuBarbados nokune dzimwe nzvimbo kunoshanda, muna Mbudzi, 1890. Vanhu vanoverengeka vakagamuchira chokwadi nokuda kwokushanda kwavo. Muna 1892, VaPatterson, vaibva kuCalifornia, vakafamba muzvitsuwa vachitengesa bhuku rinonzi Kuverenga Bhaibheri, vachibudirira zvikuru. Muna 1893, B. B. Newman akabva kuFlorida akaenda kuJamaica kunotarisira basa rokuparidza nemabhuku panguva iyo VaArnold vakanga vasipo. VaEvans naVaHackett vakaendawo kuIndies mugore iroro, kunoshanda mubazi iri rebasa. Mumwedzi waChivabvu, Mukuru Haysmer nomudzimai wavo vakapinda munharaunda iyi kunoshanda sezvo nzira yaizovazarukira. Nguva pfupi pashure paizvozvo VaArnold vakadzoka, panguva iyi vachizotengesa mabhuku aitaura nezvoutano. Kusvikira muna Chikunguru, 1895, mabhuku orudzi urwu akanga atengeswa muJamaica moga aiita $8,200, ukuwo mabhuku echitendero akatengeswa aiita $7,654, pamwe chete zvichiita $15,854. Kuparadzirwa kwezvinyorwa zvakawanda kudaro kwakabatsira zvikuru kutanga chechi yakarongeka zvakanaka paKingston, yaiva nenhengo makumi manomwe neshanu, uye kuzarura mikana yebasa revashumiri mune dzimwe nzvimbo dzechitsuwa ichi.
GSAM 432Trinidad
GSAM 432.1Basa pano rakatangwa nenzira yakafanana neyakashandiswa muJamaica. Mugore ra1889, VaF. B. Grant nomudzimai wavo vakakokwa kushanyira chitsuwa ichi kuti vazivise zvinyorwa zvechechi yedu, uye nokukokwa, Mukuru Flowers nomudzimai wavo vakakurumidza kuvatevera kunoshanda sezvo nzira yaizaruka. Vakabudirira zvikuru, kusvikira Mukuru Flowers vabatwa nefivha, iyo yakaita kuti vafe musi wa29 Chikumi, 1894. Mukuru E. W. Webster vakasarudzwa kutsiva nzvimbo yavo, uye vakasimuka nechikepe kubva kuNew York muna Nyamavhuvhu, 1895.
GSAM 432.2Muna 1896 vashandi vaiva muWest Indies vaiva ava: MuJamaica, Mukuru A. J. Haysmer naW. W. Eastman, uye vaparidzi vemabhuku vanoverengeka vaiva muZvitsuwa zveBahamas. MuLesser Antilles maiva naMukuru E. Van Deusen nomudzimai wavo, pamwe chete naC. F. Parmlee nomudzimai wake sevashandi vanodzidzisa Bhaibheri, VaBean naVaHackett vari vaparidzi vemabhuku. MuTrinidad maiva naMukuru E. W. Webster nomudzimai wavo, pamwe chete naMuzvare Stella Colvin ari mumishinari wezvokurapa. Zvibereko zvacho zvaiva vachengeti veSabata zana negumi muJamaica, uye vachengeti veSabata makumi mashanu muTrinidad, vakanga vakaungana munharaunda yeCouva; chechi imwe muBarbados, uye boka rimwe muAntigua, muLesser Antilles.
GSAM 432AMERICA YEPAKATI
GSAM 432.3Mukuru F. J. Hutchins nomudzimai wavo vakabva kuUnited States vachienda kuZvitsuwa zveBay, musi wa16 Mbudzi, 1891. Panguva iyi pakanga pane vanhu vanenge makumi maviri, zvikurukuru muRuatan, vaichengeta Sabata romurairo wechina maererano neMirairo Gumi, vatanga kuziviswa chokwadi ichi nezvokurava zvavakatumirwa netsamba. Makore matatu gare gare, muna 1894, W. A. Miller nomudzimai wake vakabva kuCalifornia vachienda kuBonacca, uko vakapinda mubasa redzidzo sevadzidzisi pachikoro chakazarurwa musi wa4 Chikunguru, 1894, muchivako chechikoro chakanga chavakwa nemaAdventist ezuva rechinomwe. Mukota yokutanga avhareji yevadzidzi vaipinda yaiva makumi matatu navana. Muna 1895 chikoro chakanzi chakanga chava kuzviriritira, sezvo nhamba yevadzidzi yakanga yawedzera kusvika pamakumi mana navashanu.
GSAM 433.1PaMusangano Mukuru wakaitwa muna 1895, Mukuru Hutchins vakashuma kuti pazvitsuwa izvi paiva nevanhu zana vaiteerera shoko, vakataurawo kuti pakanga pavakwa dzimba mbiri dzokunamatira dzaiva dzemaAdventist ezuva rechinomwe. Nokuda kwokushomeka kwevhu, iro naizvozvo raikosha zvikuru pakurima, imwe yedzimba idzi dzokunamatira yakavakwa pamusoro pemvura. Zvivako zviviri izvi pamwe chete nechivako chechikoro zvakanyoreswa kuti zvive zveSosaiti yeMusangano Mukuru. Kukosha kwepfuma yoMusangano yaiva pachitsuwa ichi kwaifungidzirwa kuva $1,789.60. Mabhuku akatengeswa kusvikira muna 1895 aiita $2,243.
GSAM 433Ngarava Duku yeAmerica Yepakati
GSAM 433.2Sezvo Musangano wakanga waratidzwa kureruka kwebasa nezvakanakira kuva nengarava duku yaigona kutakura vamishinari kubva pane chimwe chitsuwa kuenda pane chimwe, zvakabvumiranwa nokuvhota kuti chikepe chakadaro chivakwe kuitira basa pakati peZvitsuwa zveBay, nomutengo usingapfuuri $3,000.
GSAM 433.3Muna 1896, muAmerica Yepakati maingova navashandi vana chete: Mukuru F. J. Hutchins nomudzimai wavo, naMukuru J. A. Morrow nomudzimai wavo muHonduras yeSpain. MuBelize, guta guru reHonduras yeBritain, maiva neboka ravatendi vaichengeta zuva rechinomwe maererano nomurairo wechina. Chikamu chikuru chebasa munharaunda iyi chakaitwa muzvitsuwa zveGungwa reCaribbean. Pano pakanga patengeswa mabhuku aikosha zviuru zvinoverengeka zvemadhora, uye vanhu makumi matanhatu vaifara muchokwadi cheshoko romutumwa wechitatu.
GSAM 434Kufa kwaMukuru Hutchins
GSAM 434.1Mukuru F. J. Hutchins vakashanda munharaunda yeAmerica Yepakati kwemakore anenge gumi namaviri, vakatendeka zvikuru uye vachishingaira. Pakupedzisira simba ravo rokutsungirira rakapera, uye vakakundwa nechirwere. Zvino vakazorora muhope, vakamirira kudanwa naTenzi—kudanwa kuchamutsa vakatendeka.
GSAM 434AMERICA YOKUMAODZANYEMBA
GSAM 434.2Dzidziso dzemaAdventist ezuva rechinomwe dzakatanga kupinzwa muAmerica Yokumaodzanyemba nezvinyorwa zvakadhindwa. Muna Gumiguru, 1891, vanaSnyder, Stauffer, naNowlin vakatanga basa ravo sevaparidzi vemabhuku muArgentina. Muna 1893, nechisarudzo cheMusangano Mukuru, Mukuru F. H. Westphal, vokuIllinois, mushumiri wokuGermany, vakapinda mubasa munharaunda iyi youmishinari, uye muna 1894, Frank Kelley, wokuCalifornia, akaenda kuUnited States yeColombia ari mumishinari anozviriritira. Mwedzi mishomanana gare gare, ava vakateverwa navamwe vashandi, nokudaro misheni itsva iyi ikatanga. Muna 1896 mushumo unotevera wakapiwa pamusoro pebasa munharaunda iyi: Chile ine mushumiri mumwe, Mukuru G. H. Baber, vakasvika musi wa19 Gumiguru, 1895; uye vaparidzi vemabhuku vaviri, F. W. Richards naF. H. Davis. Argentina inewo vashumiri vaviri, F. H. Westphal naJean Vuilleumier; uye vaparidzi vemabhuku vaviri, O. Oppegard naC. A. Nowlin. Pamusoro paivava pane vashandi vana vanodzidzisa Bhaibheri, Lucy Post, VaSnyder nomudzimai wavo, naJohn McCarthy. Brazil ine vashumiri vaviri, Mukuru W. H. Thurston naH. F. Graf; uye vaparidzi vemabhuku vatatu, A. B. Stauffer, J. F. naJ. A. Berger. Guiana yeBritain ine vashumiri vaviri, Mukuru W. G. Kneeland naMukuru P. Giddings; uye vamishinari vaviri vezvokurapa, Chiremba B. J. Fercoit nomudzimai wavo.
GSAM 435.1Pakasvika 1896, muChile makanga matengeswa mabhuku aikosha madhora chiuru, uye vachengeti veSabata makumi matatu vakanga vagamuchira Sabata nechokwadi chinowirirana naro nokuverenga zvinyorwa zvavakatenga kuvaparidzi vemabhuku. MuBrazil neArgentina makanga matengeswa mabhuku aiita madhora zviuru gumi; uye chaiva nani zvikuru ndechokuti paiva nevanhu zana vaichengeta Sabata. Chechi imwe neZvikoro zveSabata zvishanu zvakanga zvarongwa. MuArgentina maiva nemachechi matatu akanga arongwa, rimwe kuBuenos Ayres, rimwe kuCrespo, nerimwe kuSan Cristobal. MuGuiana yeBritain maivawo nechechi imwe yakanga yarongwa, uye vachengeti veSabata makumi mashanu, zvichiita pamwe chete maAdventist ezuva rechinomwe zana namakumi mashanu muAmerica Yokumaodzanyemba.
GSAM 435SOSAITI YOUMISHINARI YOKUMAODZANYEMBA
GSAM 435.2Kana tichitaura sezvazviri, sosaiti iyi haigoni kunzi ndeyokune dzimwe nyika, kunyange zvazvo ichiita basa rokuparidzira vhangeri kuvanhu vokumwe (vemuAfrica) munyika yedu. Kubudirira kwatovapo kunofanira zvikuru kunzi kwakabva mukuedza kwokutsungirira kwaMukuru J. E. White, pasi pechikomborero chaMwari.
GSAM 435.3Munguva yechando ya1893, pandakanga ndichishanda somutungamiriri wemusangano wemachechi wedunhu reIllinois, Mukuru White vakauya kwandiri vachiremerwa zvikuru mumwoyo nokuda kwavanhu vatema vaiva mumatunhu okumaodzanyemba. Sezvo vakanga vachipedza mavhiki mashomanana muChicago, vakakumbira mukana wokushandira vanhu vatema vaigara muguta iri. Chikumbiro chavo chakabvumirwa nomufaro mukuru, uye ndipo chaipo pavakatanga basa ravo nokuda kwavanhu ava vainzwisa tsitsi.
GSAM 435Ngarava Inofamba Nesimba reUtsi yaMukuru White Youmishinari
GSAM 435.4Kubvira panguva iyoyo vakanga vachinyengetera nokurongera nharaunda yokumaodzanyemba. Pavaidzidza, zvirongwa zvavo zvakaibva, zvikazoguma nokuvakwa kwengarava inofamba nesimba reutsi pedyo neNyanza Michigan, yainzi Morning Star. Vava ne“Bheteri” iyi yaiyangarara, vakaenda kuChicago, kubva ikoko vakadzika neNzizi Illinois neMississippi, vakasvika kuVicksburg, Mississippi, musi wa10 Ndira, 1895. Pano vakatanga basa ravo pamwe chete navabatsiri vashomanana, munzvimbo yakanga isati yamboshandwa.
GSAM 436Basa reSosaiti Youmishinari Yokumaodzanyemba
GSAM 436.1Tinotora mashoko mumushumo wakapiwa naMukuru White paMusangano Mukuru, musi wa9 Kubvumbi, 1903, unorondedzera zvibereko zvebasa uye unoratidza mamiriro ebasa roumishinari rokumaodzanyemba panguva iyoyo:—
GSAM 436.2“Sosaiti yedu yakavaka uye zvino iri kutungamirira zvikoro zvishanu muMississippi.... Zvikoro izvi zviri kuVicksburg, Yazoo City, Columbus, uye Jackson.... Vashandi vedu vakapfuuridzirawo basa muNashville, Memphis, neEdgefield Junction, muTennessee, uye muLouisville neBowling Green, muKentucky.
GSAM 436Vashandi Vokumaodzanyemba
GSAM 436.3“Panguva ino kune vashandi makumi maviri navanomwe mumapazi akasiyana-siyana eSosaiti. Vashumiri vakagadzwa vashanu vakadzidziswa vakakura mubasa reSosaiti Youmishinari Yokumaodzanyemba.... Vadzidzisi vezvikoro gumi navatatu vakagadzirirwa basa ravo nenzira dzakasiyana-siyana.... Jaya rimwe riri kudzidziswa neSosaiti kuva chiremba, paKoreji yeZvokurapa yeMeharry, kuNashville, uye rimwe riri kubatsirwa pazvidzidzo zvaro pachikoro chimwe chetecho.... Vamwe vashandi vakanaka vanodzidzisa Bhaibheri vakadzidziswa vakakura mubasa. Vamwe vadzidzisi vari kuvawo vashandi vane unyanzvi mubazi iri.
GSAM 436Ngarava Inofamba Nesimba reUtsi Inonzi “Morning Star”
GSAM 436.4“Morning Star ipfuma yangu pachangu, yakavakwa nemari yangu. Pamusoro paizvozvo, mari yose yokufambisa chikepe ichi yakabhadharwa pane yandinowana pachangu. Ndichataurawo kuti mari yokurarama muchikepe ichi yaigara ichibhadharwa neni. Kazhinji boka racho raiva nevanhu vanobva pagumi kusvika pagumi navasere.... Kunyange mihoro yavashandi vose vaishandira Sosaiti kwemakore yakanga isingatorwi pazvipo, asi pamari yangu yandaiwana pachangu.
GSAM 437Mawanirwo Akaitwa Mari yeMisheni Yokumaodzanyemba
GSAM 437.1“Mubvunzo ungamuka wokuti, ‘Makawana kupi mari iyi?’ Ishe vakatipa iyo. Mamwe mabhuku maduku akabudiswa. Rokutanga raiva Dzidziso Dzokutanga dzeVhangeri, iro pakutanga rakanga rakarongerwa kushandiswa pakudzidzisa vanhu vatema. Zvaitarisirwa kuti makopi ane zviuru zvishomanana aizotengeswa, asi zvakatishamisa kuti kutengeswa kwaro kwasvika pamakopi anoda kusvika miriyoni imwe.
GSAM 437.2“Amai [Mai E. G. White] vakatibatsira nebhuku rinonzi Kristu Muponesi Wedu, iro rakatengeswa makopi ane zviuru mazana matatu kana mana. Makopi ane zviuru mazana maviri kana matatu eNyaya Dzakanakisisa akatengeswa. Zvinofungidzirwa kuti makopi eMambo Ari Kuuya akaparadzirwa angakwana kuita murwi wakareba mamaira mana zvichikwira. Nemari yatakapiwa kubva pakutengeswa kwemabhuku aya, kunze kwokutsigira mamwe mabasa mazhinji nemapazi ebasa, takavaka Morning Star.”
GSAM 437MUNYIKA DZAKAWANDA
GSAM 437Mexico
GSAM 437.3Basa redu munyika iyi rakatanga mugore ra1894, pakavambwa misheni yezvokurapa kuGuadalajara. Muna 1896 boka ravashandi rakashumwa seizvi: Mukuru D. T. Jones nomudzimai wavo, avo vaitarisira misheni. Vadzidzisi vaiva Ora A. Osborne, Mai A. Cooper, Kate Ross, nomubatsiri womunyika iyoyo. Vamishinari vezvokurapa vaiva Chiremba J. A. Neal, A. Cooper, Mai A. J. Rice, Mai Bartlett, naMai Rachel Flowers. Varwere makumi mana pazuva vaiuya kumisheni kuzorapwa, uye vadzidzi makumi mana vaipinda chikoro chemisheni. Panguva iyi nzvimbo itsva yokurapa nokuzororera yakanga ichivakwa, nomutengo we$12,000.
GSAM 437Africa Yepakati
GSAM 437.4Muna 1893 basa reshoko romutumwa wechitatu rakanga rafambira mberi zvokuti Dare reMusangano Mukuru rakaona zvakakodzera kukurudzira kuti misheni ivambwe muAfrica Yepakati. Naizvozvo zvakabvumiranwa nokuvhota kuti, “Nokukurumidza sezvazvinobvira misheni izarurwe muMatabeleland.” Maererano nechisarudzo ichi, boka remaAdventist ezuva rechinomwe rakapinda munyika iyoyo muna 1894, rikasarudza purazi raiva nemaeka 12,000. Pamusangano wa1895, Mukuru C. B. Tripp nomudzimai wavo, W. H. Anderson nomudzimai wake, naChiremba A. S. Carmichael vakasarudzwa kuva vamishinari venharaunda iyi iri kure. Vakabva vatanga kugadzirira rwendo rurefu, uye pashure porwendo rwakanaka rwomugungwa vakasvika kwavaienda musi wa26 Chikunguru, 1895.
GSAM 438Mhenderekedzo yeGoridhe
GSAM 438.1Kwemakore anoverengeka maAdventist ezuva rechinomwe akanga achinzwa chikumbiro chokubatsirwa chakaita sechiya chokuMakedhonia, chichibva kuMhenderekedzo Yokumadokero kweAfrica. Kufarira chokwadi kwakanga kwamutswa nokuverenga zvinyorwa zvemaAdventist, asi rubatsiro haruna kutumirwa kutozosvikira mugore ra1894 kana pedyo naro. Ipapo Mukuru Sanford naVaRudolph vakakokwa neDare reMusangano Mukuru kuti vatange basa rakanga rakamirira kwenguva refu kudaro. Vakapinda munharaunda iyi vachishingaira uye vakashinga. Zvisinei, nguva isina kureba pashure paizvozvo, Mukuru Sanford vakabatwa nefivha, yakanga yakapararira kwazvo ikoko zvokuti nyika iyi inonzi “guva romurungu.” Vakabatwa nayo katatu, uye ipapo vakamanikidzwa kudzokera kuAmerica kuti vararame. Vamwe vakatumirwa kuMhenderekedzo Yokumadokero, uye pakati pavo paiva naMukuru D. U. Hale, Geo. F. Kerr nomudzimai wake, naG. P. Riggs. Zvisinei, uyu wokupedzisira akanga aneteswa nechirwere zvokuti upenyu hwake hwakanga husisina tariro, uye akakurumidza kuenda kuEngland achitarisira kuti kuchinja kwemamiriro okunze kwaizomubatsira; patariro iyi iye neshamwari dzake vakaora mwoyo, nokuti akaramba achipera simba zvishoma nezvishoma, akazofa, uye akavigwa ikoko. Naiye akamirira kuuya kwoMupi woupenyu.
GSAM 438India
GSAM 438.2Musi wa12 Ndira, 1890, Mukuru Haskell vakasimuka nechikepe kubva kuChiteshi cheDurban, pamhenderekedzo yokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAfrica, vachienda kuCalcutta, India, China, neJapan. Zuva iri risati rasvika, Percy T. Magan, munyori wavo, akanga abatana navo. Chinangwa cherwendo urwu rwokuIndia chaiva chokuongorora kuti vawane mashoko aizovagonesa kupa mazano nokurayira apo maAdventist ezuva rechinomwe aizotanga mabasa oumishinari munharaunda iyoyo. Vachifunga nezvokuvamba misheni muIndia, Musangano Mukuru, muna 1893, wakakurudzira kuti Wm. Lenker aende kunyika iyoyo somuparidzi wemabhuku. Achitevedzera zano iri, akaenda kuIndia akazivisa zvinyorwa zvemaAdventist ezuva rechinomwe. Pane imwe nguva gare gare VaLenker vakashuma kuti ivo navamwe vanhu vana vakanga, kusvika muna 1896, vafamba vachitengesa mabhuku munzvimbo dzakasiyana-siyana dzeIndia, uye vakanga vatengesa zvinyorwa zvaikosha $10,000. Kuti varatidze kufarira kwakakonzerwa nemabhuku akatengeswa, vakataurazve kuti pavaifamba vachitengesa munharaunda yeMadras, pamhenderekedzo yokumadokero kweIndia, “muparidzi womunyika iyi akafamba mamaira makumi matanhatu kunotenga kopi yeMifungo Pamusoro paDhanieri naZvakazarurwa.”
GSAM 439Georgia Burrus muIndia
GSAM 439.1Muna 1895 Muzvare Georgia Burrus vakabva kuCalifornia vachienda kuIndia. Pavakasvika ikoko vakabva vatanga kudzidza mutauro weBengali, uye nokukurumidza vakapinda mubasa roumishinari. Pakasvika 1896 vanhu vanoverengeka vakanga vatanga kuchengeta Sabata raIshe nokuda kwokushamwaridzana navashandi vedu.
GSAM 439.2Vashandi vaiva munharaunda iyi muna 1896 vaiva Mukuru D. A. Robinson nomudzimai wavo. Muzvare May Taylor naMuzvare Georgia Burrus vaiva vashandi vaidzidzisa Bhaibheri. VaLenker naVaMasters vaiva vaparidzi vemabhuku. Chivako chakakodzera chakanga chawanikwa chokuva musha wemisheni, uye munyika yokumusha makanga matumirwa zvikumbiro zvavanachiremba, vanamukoti, navamwe vabatsiri kuti vagone kuita basa rakawanda rakanga rava kuvaremera. Mukuru Brown, pamwe chete navamwe, vakadavidza chikumbiro ichi. Ivo naMukuru D. A. Robinson vose vakafira kuKarmatar, Bengal, India, pakupera kwaZvita, 1899.
GSAM 439Hawaii, Zvitsuwa zveSandwich
GSAM 439.3Mugore ra1884, VaLa Rue naHenry Scott vakaenda kuHawaii sevamishinari vachizvibhadharira mari. Vakatanga basa ravo nokushandira vanhu mumwe nomumwe soumishinari uye nokutengesa mabhuku. Izvi zvakamutsa kufarira kukuru pachitsuwa ichi zvokuti Musangano Mukuru, muna Mbudzi, 1885, wakabvumirana nokuvhota kuti Mukuru Wm. Healy vaende kuHawaii mumwaka waitevera kunoshanda, uye kuti musangano wemachechi wedunhu reCalifornia ukumbirwe kukweretesa tende nokuda kwebasa iri. Vagadzirirwa saizvozvo, Mukuru Healy navaya vakanga vatova pachitsuwa vakaita musangano wetende muzhizha ra1886. Nokuda kwebasa iri vanhu vanoverengeka vakagamuchira shoko. VaLa Rue vakaramba vari muHonolulu kusvikira mugore ra1889, pavakasimuka nechikepe vachienda kuHong Kong, China.
GSAM 440Basa Pakati pavaChina muHawaii
GSAM 440.1Chitsuwa ichi chakapiwa rubatsiro rushoma kwazvo rwebasa revashumiri kusvikira Musangano Mukuru waungana mumwedzi waKurume, 1895, apo pakabvumiranwa nokuvhota kuti “Mukuru Gates nomudzimai wavo, pamwe chete naVaBrand nomudzimai wavo sevadzidzisi vavaChina, vaende kuHonolulu kunoshanda basa roumishinari.” Basa rokudzidzisa rakabva ratanga, uye Mukuru Gates, kunyange vaiva noutano husina kusimba, vakaita zvavaigona kufambisira mberi basa. Chiremba navanamukoti vakakurumidza kutevera vamishinari ava, uye basa rebazi iroro reshoko rakatangwa zvakanaka.
GSAM 440Pfupiso yeMisheni, 1 Ndira, 1903
GSAM 440.2Mushumo woMunyori weBasa Roumishinari Rokune Dzimwe Nyika, wakapiwa musi wa31 Zvita, 1902, unorondedzera basa reshoko rinoitwa kunze kweUnited States seizvi:—
GSAM 440.3Musangano Wemubatanidzwa weAustralia, wakaumbwa nemisangano yemachechi yematunhu eVictoria, New South Wales, New Zealand, Queensland, South Australia, Tasmania, neWest Australia.
GSAM 440.4Musangano Mukuru weEurope, wakaumbwa noMusangano Wemubatanidzwa weGermany, Germany Yokumadokero, Germany Yokumabvazuva, Germany Yokumaodzanyemba, Holland neBelgium Inotaura chiFlemish, Austria-Hungary, neNyika dzeBalkan, Switzerland Inotaura chiGermany, Russia Yokumaodzanyemba, Russia Yokuchamhembe, neRussia Yepakati.
GSAM 440.5Musangano Wemubatanidzwa weScandinavia, wakaumbwa neDenmark, Norway, Sweden, Finland, neIceland.
GSAM 441.1Musangano Wemubatanidzwa weBritain, unosanganisira England Yokuchamhembe, England Yokumaodzanyemba, Ireland, Scotland, neWales.
GSAM 441.2Musangano Wemubatanidzwa weNyika dzechiFrench nechiLatin, unosanganisira Switzerland Inotaura chiFrench, France, neItaly.
GSAM 441.3Misheni Yokumabvazuva, inosanganisira Egypt, Syria, neTurkey.
GSAM 441.4Musangano Wemubatanidzwa weAfrica Yokumaodzanyemba, unosanganisira Koloni yeCape, Natal-Transvaal, Basutoland, neMatabeleland.
GSAM 441.5Dzimwe nzvimbo: Bermuda, Brazil, Guiana yeBritain neyeNetherlands, America Yepakati (Kumaodzanyemba), China, Fiji, India, Jamaica, Japan, Lesser Antilles, Mexico, Nyassaland, Pitcairn, Porto Rico, River Plate, Raratonga, Samoa, Zvitsuwa zveSociety, Sumatra, Tonga, Trinidad, Mhenderekedzo Yokumadokero (America Yokumaodzanyemba), neMhenderekedzo Yokumadokero (Africa).
GSAM 441.6Nhamba yavashandi vanoshingaira munharaunda idzi dzakasiyana-siyana, kusanganisira vashumiri, vane mvumo yokuparidza, vashandi vanodzidzisa Bhaibheri, vaparidzi vemabhuku, navanofamba vachitengesa mabhuku, i754.
GSAM 441Nzvimbo Dzinokosha Dzokuitira Basa Dzakatangwa
GSAM 441.7Kubva pamashoko mapfupi aya pamusoro pemisheni dzedu tinogona kutaura sezvakaita Munyori weBasa Roumishinari Rokune Dzimwe Nyika mugore ra1896:
GSAM 441.7“Sezvo shoko zvino rasvika panzvimbo idzi dzinokosha munenge munzvimbo dzose dzenyika, Mwari, nesimba rake risingaperi, anogona kuita basa guru rine simba munguva pfupi kwazvo. Achapedzisa basa rake nokukurumidza mukururama.”
Notes
- VaRoma 15:21. ↩